Vatariri Vanopa Nhungamiro—Vaitisi veFundo Yebhuku Yeungano
1 Iropafadzo inoshamisa kuti mukuru kana kuti mubatiri anoshumira anokwanisa ave muitisi weFundo Yebhuku Yeungano. Kutarisira zvinodiwa mumudzimu zveavo vari muboka rake mutoro wakakomba. Mabasa ake ari mumapoka matatu.
2 Kukwanisa Kudzidzisa: Zvinoda kunyatsogadzirira zvakanaka kuti muitisi weFundo Yebhuku Yeungano abatsire boka kunzwisisa vhiki yoga yoga. Anoedza kuvandudza manzwisisirwe anoitwa mashoko ari kudzidzwa. Panzvimbo pokunyanyotsinhira iye pachake pakufunda, kana zvichidiwa achamutsa mibvunzo yokuwedzera yakakodzera kuti pfungwa huru dzechidzidzo dzibude pachena. Basa rake guru nderokuita kuti fundo inakidze uye idzidzise uye kuita kuti munhu wose abatanidzwe mukurukurirano yacho. Chinangwa chake ndechokuvaka mumudzimu, kusimbisa mashandire ezviri kudzidzwa, uye kuita kuti mashoko acho asvike zvose ndangariro nemwoyo.—1 VaT. 2:13.
3 Kufudza Kunobatsira: Muitisi weFundo Yebhuku Yeungano akafanana ne“utiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.” (Isa. 32:2) Anoitira hanya kwazvo vose vari muboka rake uye anoona kuti kubatsira kwomudzimu kwapiwa apo mumwe wevaanotarisira anoora mwoyo.—Ezek. 34:15, 16; 1 VaT. 2:7, 8.
4 Kupupura Nokushingaira: Muitisi weFundo Yebhuku Yeungano anongwarira kuita zvirongwa zvinoshanda kuti vose vari muboka rake vaitewo ushumiri hwomumunda zvizere. Anotungamirira mubasa rokupupura, achiziva kuti kuva wenguva dzose, kushingaira, uye chido zvaanoratidza nokuda kwebasa zvichaoneka muboka rose zvaro. (VaK. 4:17; 2 VaT. 3:9) Mukufamba kwenguva, anoedza kushanda mubasa nemunhu oga oga ari muboka rake. Kana tichida kuvandudza mano edu okuparidza nokudzidzisa muushumiri, muitisi weFundo Yebhuku Yeungano anogona kutibatsira kusvika patiri kuda.—1 Tim. 4:16; 2 Tim. 4:5.
5 Takakomborerwa zvechokwadi neizvi zvipo zviri varume zvakagadzirira kutibatsira mumudzimu uye kutitsigira norudo. (1 VaT. 5:14) Ngatiratidzei kuonga kwedu gadziriro iyi yakaisvonaka inobva kuna Jehovha nokutsinhira kwedu mufundo yebhuku nguva dzose nokutsigira kwedu basa rokupupura nokutendeka.—VaH. 10:25.