Batsirwa Nepurogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ya1999
1 Jesu ndiye aiva Mudzidzisi Mukuru. Vanhu “vakashamiswa nokudzidzisa kwake.” (Marko 1:22) Kunyange pakati pedu pasina anogona kutaura nokudzidzisa zvakanaka sezvakaita Jesu, tinogona kuedza kumutevedzera. (Mabasa 4:13) Kuti zvidaro, kuva kwedu nechokuita mupurogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari kuchatibatsira kuti tirambe tichivandudza unyanzvi hwedu hwokutaura nokudzidzisa.
2 Muna 1999, Hurukuro Nha. 1 ichange ichibva zvikurukuru mumagazini dzeNharireyomurindi dza1997. Kunzwisisa kwedu zvinhu zvomudzimu kuchawedzera zvikuru kwazvo kana tikafanorava mashoko aya uye ndokuzoanzwa papurogiramu yechikoro. Avo vanonzi vape hurukuro idzi dzokurayira vanofanira kutaura panoshanda mashoko acho, vachiataura nomutoo unofadza uye une upenyu. Hurukuro Nha. 3 ichabva mubhuku raMufarwa weMhuri, uye Hurukuro Nha. 4, mu“Misoro yeBhaibheri yeKurukurirano,” kunyange zvazvo mabhuku acho angambochinjaniswa pakati pehurukuro idzi. Mutariri wechikoro anofanira kumbonyatsofunga nezvemashoko acho asati apa vanhu hurukuro dzacho. Vadzidzi vose vachapa hurukuro kubva mubhuku raMufarwa weMhuri vanofanira kuva nomuenzaniso wakanaka muupenyu hwavo hwemhuri.
3 Shandisa Zano, uye Gadzirira Zvakanaka: Munhu wese anogona kuvandudzazve unyanzvi hwokutaura nokudzidzisa. (1 Tim. 4:13) Naizvozvo, tinofanira kutsvaga zano ndokurega kuriona sechinhu chinofanira kudziviswa. (Zvir. 12:15; 19:20) Kupa chokwadi nemutoo unobatsira pamisangano uye mubasa romumunda kunoda zvinopfuura kungotaura zvinhu zvazviri chete kana kuti kungorava magwaro zvokungoravawo. Tinofanira kusvika pamwoyo ndokukurudzira vanotiteerera. Tinogona kuita izvi nokutaura chokwadi nemutoo unogutsa zvinobva pamwoyo yedu. (Enzanisa naMabasa 2:37.) Zano ratinowana muchikoro rinogona kutibatsira kuita izvi.
4 Kana wangopiwa hurukuro chete, funga nezvemutoo wokutaura nawo waunoda kushandira sezvinotsanangurwa muBhuku Rechikoro. Funga zvaunofanira kuita kuti ushandise zano rawakambowana kare. Fungisisa musoro wehurukuro yako, marongero auchashandisa kana achidiwa, uye mashandisire auchaita magwaro anowanika muhurukuro yawapiwa. Fungisisa nzira yakanakisisa yaunogona kushandisa nayo mashoko acho kudzidzisa nokukurudzira.—1 Tim. 4:15, 16.
5 Kana uchitya kunyoresa muchikoro, zvinyengeterere uye ndokukurukura manzwire ako nemutariri wechikoro. Munhu wese anogona kubatsirwa nokushandisa zvakazara purogiramu ichapiwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ya1999.