RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/98 pp. 2-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 12/98 pp. 2-7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ($13,00; rine butiro repepa: $10,00). January: Chero bhuku ripi zvaro rine mapeji 192 rakabudiswa 1985 asati asvika iro ungano ingava naro mudura. Ungano dzisina mabhuku akadaro dzingagovera Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? ne$13,00 kana kuti Unogona Kurarama Nokusingaperi Muparadhiso Pasi Pano ne$40,00 (duku: $20,00). February: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00). March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi $13,00 (rine butiro repepa: $10,00). Nhamburiko chaiyo ichaitwa kuti titange fundo dzeBhaibheri dzapamusha.

◼ Mutariri anotungamira kana kuti mumwe munhu waakasarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano pana 1 December kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho.

◼ Chirangaridzo chegore ra2000 chichava pamusi weChitatu, 19 April, zuva ranyura. Uku kufanozivisa kuri kuitwa kuitira kuti kubhuka kana kuti kubvumirana kushandisa horo dzinowanika kuitwe kana pane ungano dzakati kuti dzichashandisa Horo yoUmambo uye dzimwe nzvimbo dzichifanira kutsvagwa. Vakuru vanofanira kubvumirana nezviremera vachiva nechokwadi chokuti hapana kudzongonyedzwa kuchabva kune zvimwe zvichaitwa muchivako chacho kuitira kuti kuchengeta Chirangaridzo kugone kuitwa murugare. Nemhaka yokukosha kwenguva yacho, pakusarudza mukurukuri wepaChirangaridzo, mutumbi wevakuru unofanira kusarudza mumwe wevakuru anonyatsokwanisa panzvimbo pokungoita majana kana kuti kushandisa hama imwe cheteyo makore ose. Zvichangosiyana chete kana pane murume mukuru anokwanisa wevakazodzwa anogona kupa hurukuro yacho.

◼ Zvaune kupera kwevhiki kushanu kwakazara, mwedzi waJanuary inguva yakanaka yokuti vakawanda vaite upiyona hwebetsero.

◼ Ungano dzinofanira kuodha kokero dzeChirangaridzo dza1999 zvino. Hofisi yedu yomuHarare haichachengeti idzodzi saka tapota musanonoke kuodha. PaChirangaridzo chakapfuura, vakawanda vakakundikana kuwana kokero nemhaka yokunonoka kuodha.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha 1999 Yearbook of Jehovah’s Witnesses. Mapiyona enguva dzose uye chaiwo HAAFANIRI kuodha iwaya zvakananga kuSosaiti asi anofanira kuawana nomuungano. Mapiyona ane mwedzi inopfuura mitanhatu angawana kopi yapachena. Munyori anofanira kuratidza pafomu reS-20 kuti makopi mangani akagoverwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe