Misangano Yebasa yaNovember
Vhiki Inotanga na2 November
10 min: Zviziviso zvemunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai nezvemushumo webasa romumunda waJuly wenyika neweungano.
15 min: “Vose Vanofanira ‘Kugamuchira Shoko Nomwoyo Wose’!” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai mazano okuwedzera ari muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, ndima 21.
20 min: “Ndinoda Fundo yeBhaibheri!” Kukurukura nevateereri kunoitwa nemutariri webasa. Tsanangurai kuti kuedza kuita dzokerero pamwe chete uku kucharongwa sei munzvimbomo. Kusvika pazvinogoneka napo, vaparidzi vane ruzivo vangashanda nevatsva. Mapoka anofanira kuitwa maduku kuitira kuti kushanya kwakawanda kuitwe. Hwirudzurai mazano ari muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1998, ndima 12-15. Itai kuti muparidzi anokwanisa aratidze kuti anokumbira sei kufunda nemunhu pashanyo yedzokerero. Kurudzirai munhu wese kuti aedze kutanga fundo itsva.
Rwiyo 35 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na9 November
13 min: Zviziviso zvemunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Bhokisi Remubvunzo.
15 min: Zvinodikanwa zvemunzvimbomo.
17 min: “Vakanai Nokutsinhira Pamisangano.” Mibvunzo nemhinduro. Tsanangurai kuti kutsinhira kunowedzera sei kufambira mberi kwedu mumudzimu. (Ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, fundo 38, ndima 4.) Kumbirai vamwe kuti vataure kuti vakakurira sei kutya kutsinhira uye kuti vakakomborerwa sei nekupindurawo pamisangano.
Rwiyo 51 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na16 November
8 min: Zviziviso zvemunzvimbomo.
20 min: “Vatariri Vanopa Nhungamiro—Mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.” Hurukuro inoitwa nemutariri wechikoro. Hwirudzurai Bhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 10-11, ndima 6-12.
17 min: “Budirira Muushumiri Hwako.” Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro yendima 1-7 dzewedzero. Simbisai mifungo ingava ichinyanyoshanda mundima yemunzvimbomo.
Rwiyo 167 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na23 November
8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Taurai zvakaitika zvakadhindwa seri kweMukai! yaAugust 8, 1998, pamusoro pekubaya mwoyo kwave kuchiita bhuku raMunhu Mukurusa. Vaparidzi vose vanofanira kungwarira kugovera bhuku iri panhambo dzakafanira.
17 min: “Budirira Muushumiri Hwako.” Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro yendima 8-21 dzewedzero. Simbisai mifungo ingave ichinyanyoshanda mundima yemunzvimbomo.
20 min: Mazano Okuvandudza Kurava Kwako Bhaibheri. Hurukuro inobva muNharireyomurindi, yaMay 1, 1995, mapeji 16-17. Budisai pachena zvinhu zvomudzimu zvakanaka zvinowanwa nokurava Bhaibheri zuva nezuva. Hwirudzurai mazano akapiwa, uye kurukurai kuti anoshandiswa sei. Itai kuti vaparidzi vaviri kana kuti vatatu vataure kuti vari kubatsirwa sei nekurava Shoko raMwari nguva dzose.
Rwiyo 46 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na30 November
15 min: Zviziviso zvemunzvimbomo. Yeuchidzai vose kuunza mishumo yavo. Kurudzirai vose vasina kutanga fundo mumwedzi waNovember kuramba vachiedza muna December, pachange pachigoverwa bhuku raZivo. Itai kuti muparidzi anokwanisa aratidze kuti shanyo yedzokerero inoitwa sei achishandisa bhokisi riri papeji 19 mubhuku raZivo; muparidzi anorondedzera kuti bhuku racho rinogona sei kushandiswa kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri ndokutanga fundo.
15 min: Shandisa Zvakanaka Karenda ya1999 yeZvapupu zvaJehovha. Hurukuro. Hwirudzurai zviri pakarenda: (1) mifananidzo yakaisvonaka inoratidza zvakaitika nedzidziso dzinozivikanwa dzomuBhaibheri, (2) chirongwa chokurava Bhaibheri vhiki nevhiki cheChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari (3) chirongwa chokurava Bhaibheri chegore chevhiki rinotangira Chirangaridzo, (4) zviratidzo zvepachaitwa hwirudzuro dzokunyora, uye (5) zviyeuchidzo zvekuitawo basa remagazini nguva dzose. Kurukurai nzira dzokushandisa nadzo nzvimbo isina chinhu iripo kunyorera chirongwa chebasa romumunda, kunyorera mushumo webasa uye rangano dzekushanda nevamwe, kunyorera hurukuro dzemisangano dzamakapiwa, kunyorera zviyeuchidzo zvekushanya kwemutariri wedunhu nemagungano anotevera. Kuisa karenda racho panonyatsooneka mumba kana kubasa, kungangomutsa mikana yekukurukura zvinhu zvemuMagwaro. Taurai zvakaitika zviri mu1988 Yearbook, peji 8.
15 min: Kubatsirwa neBhurocha Idzva, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? Hwirudzurai zvinhu zvinokosha zviri mariri. Rinoronda kwakabva dzidziso yekusafa kwemweya nekuongorora kuti pfungwa yacho yabata sei zvinenge zvitendero zvose zvenyika. Rinotsanangura nenzira inogutsa chinotaurwa neBhaibheri pamusoro pemweya, nei tichifa, mugariro wevakafa, tariro iripo youpenyu pashure perufu, uye nei tichifanira kuziva chokwadi pamusoro penhau idzi. Vose vanofanira kurava bhurocha iri. Dudzai mimwe yemifananidzo 40 uyewo mashoko akatorwa muBhaibheri anooneka pamavambo pechikamu choga choga, zvinogona kushandiswa kuti vanhu vafarire. Ratidzai kuti chikamu chokupedzisira chinogona kusimbiswa sei kana uchida kufunda Bhaibheri nemumwe munhu. Kumbirai vaparidzi kutsinhira kuti vari kuronga kushandisa sei bhurocha idzva muushumiri.
Rwiyo 121 nomunyengetero wokugumisa.