RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/98 p. 2
  • Misangano Yebasa yaOctober

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaOctober
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na5 October
  • Vhiki Inotanga na12 October
  • Vhiki Inotanga na19 October
  • Vhiki Inotanga na26 October
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 10/98 p. 2

Misangano Yebasa yaOctober

Vhiki Inotanga na5 October

Rwiyo 199

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Takabetserwa neKokorodzano dze‘Nzira yaMwari Youpenyu.’” Mibvunzo nemhinduro. Ratidzai bhuku idzva nebhurocha, uye ratidzai nzira dzatingaashandisa nadzo zvakanaka.

20 min: “‘Kudyara Mbeu yoUmambo’ Kwakamirirwa Magazini.” Kukurukura navateereri. Itai kuti vamwe vatsanangure kuti vakatanga sei ndokuchengeta kwakamirirwa magazini. Moenzanisira kugoverwa kwemagazini panorongwa kudzoka nezvinyorwa zvinotevera. Dudzai kuti mupiro wenguva dzose wechinyorwa choga choga imarii.

Rwiyo 133 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na12 October

Rwiyo 42

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

10 min: “Vatariri Vanopa Nhungamiro—Munyori.” Hurukuro inopiwa nomunyori weungano, achihwirudzura mabasa ake aakagoverwa. Anosimbisa kuti vose vanogona kubatira pamwe kupfurikidza nokukurumidza kuunza mishumo yebasa.

10 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo kana kuti zvinotevera: Vane Mudzimu Wokushingaira Wokupayona. Hurukuro inokurudzira inobva mu1998 Yearbook, mapeji 104-7. Tsanangurai kuti nei kuJapan kune mapiyona akawanda zvikuru, chinoita kuti vadzimai vomumba ikoko vaise zvinhu zvomudzimu pokutanga, chinosunda vose vanokumbira kupayona, uye kuti mapiyona akawanda acho vanhu vorudzii. Enzanisirai kupesvedzera kwakanaka kunoitwa nevabereki vanopayona. Tsanangurai kuti zvinoda kutenda kworudzii kuti munhu agadziridze upenyu hwake zvakafanira kuti apayone. Kurudzirai vose kuti vafungisise, vachinyengetera pamusoro pokunzverazve kana vachigona kupayona.

20 min: “Unorava Magazini here?” Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai zvikarakadzo zvinoshanda zvokuronga nguva yokurava munhu ari oga zvinowanwa muBhuku Rinotungamirira Rechikoro, fundo 4, ndima 5-6.

Rwiyo 107 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na19 October

Rwiyo 16

10 min:  Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai mifungo yokutaura iri muzvinyorwa zvichangobva kubudiswa zvemagazini. Rondedzerai zvakaitika zvinobva mu1997 Yearbook, peji 45. Kurudzirai vose kuparadzirawo magazini kupera kwevhiki ino.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.

20 min: Nzira yokugadzirira nayo Fundo yeNharireyomurindi. Kukurukura navateereri kunoitwa nomuitisi weFundo yeNharireyomurindi, kubva muNharireyomurindi yaNovember 1, 1986, mapeji 13-14, ndima 16-18 neBhuku Rinotungamirira Rechikoro, fundo 7, ndima 11, uye fundo 18, ndima 4-6. Kumbirai tsinhiro pamibvunzo inotevera: (1) Nei zvichikosha kuti tibetserwe zvikurusa nechinyorwa choga choga cheNharireyomurindi? (2) Tinofanira kuitei patinogamuchira chinyorwa chitsva? (3) Ndeipi nzira yakanaka yokugadzirira nayo Fundo yeNharireyomurindi? (4) Tinofanira kuita sei nemagwaro akanongedzerwa uye musoro wechidzidzo chacho? (5) Tingahwirudzura sei zvatakadzidza? (6) Mifungoi mikuru yatinofanira kufungisisa patinopedza fundo yomunhu oga yechidzidzo chacho? (7) Tinofanira kugadzirira sei mhinduro? (8) Mhinduro dzakasiyana-siyana dzingapiwa sei pamubvunzo mumwe chete? Itai kuti vamwe varondedzere zvavakaita somunhu oga kuti zvivayamure kubetserwa zvikuru neFundo yeNharireyomurindi.—Onawo Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 65-7.

Rwiyo 95 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na26 October

Rwiyo 98

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Dudzai zvinyorwa zvekare zviri mudura munzvimbomo uye zvinogona kugoverwa muushumiri pazvinenge zvichiita. Sezvo kune mazororo ari kuuya muna December naJanuary, iyi ingava nguva yakanaka yokuti pwere dzakabhabhatidzwa nevamwe vafunge nezvekuita upiyona hwebetsero.

20 min: Kuteerera Kwoumwari Mumhuri Yakakamukana Mune Zvorudzidziso. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJune 1, 1995, mapeji 26-9. Kurudzirai nomutsa uye ipai zano richabetsera vane varume kana kuti vadzimai vasingatendi kuchengeta pfungwa yakanaka nokusonganirana nokushingaira neungano.

15 min: Kusvika Kumisangano Nenguva. Kukurukura kunoitwa nevaitisi veFundo Dzebhuku Dzeungano vaviri kana kuti vatatu kana kuti vabatiri vanoshumira nezvechinetso chokunonoka kusvika kumisangano. Vanobvuma kuti mamiriro ezvinhu asiri enguva dzose, kubatanidza zvinhu zvinongoerekana zvaitika, mamiriro ekunze, motokari, uye zvichingodaro, zvinogona kuita kuti chero munhu upi zvake anonotswe. Zvisinei, vamwe vane tsika yokunonoka. Boka racho rinokurukura nenzira yakanaka, ndokuenzanisira chinodiwa kuti munhu asvike nenguva: (1) kuonga kwomwoyo wose ropafadzo yokupinda misangano neyezvokudya zvomudzimu noushamwari zvinogoverwa ikoko, (2) kufanoronga kwakanaka nokuronga zvinhu zvomunhu oga, (3) kubatira pamwe kwokudisa kwemitezo yemhuri, (4) kusimuka nokukurumidza nokubvumira nguva yezvinetso zvisingakarirwi, uye (5) kuitira hanya kwepachokwadi kusadzongonyedza vamwe vanenge vachiteerera. Vose vanobvumirana kuti chinetso ichi chokunonoka kusvika chinogona kupedzwa kupfurikidza nokuramba uchiedza kuvandudza.

Rwiyo 86 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe