Vatariri Vanopa Nhungamiro—Mutariri Anotungamirira
1 Kushanda somutariri muungano mutoro wakakomba. (Mabasa 20:28; 1 Tim. 3:1) Iyi ndeyokutanga panyaya dzinotevedzana dzicharonga mabasa akasiyana-siyana evakuru vechiKristu kuitira kuti tose zvedu tinzwisise basa rinokosha ravanotiitira.
2 Sosaiti inogadza mutariri anotungamirira kuti ashande kwenhambo yenguva isina kuganhurirwa. Kana mutariri anotungamirira achioona kuti zvinhu zviri kuitwa, zvinobatsira vakuru kuisa ngwariro yakafanira pamabasa avo avakapiwa. (Ushumiri Hwedu, p. 42) Izvi zvinobatanidzei?
3 Mutariri anotungamirira anogamuchira tsamba dzeungano ndokukurumidza kudzipfuudza kumunyori kuti ashande nadzo. Pakugadzirira misangano yevakuru, mutariri anotungamirira anowana zvikarakadzo kubva kuvakuru pamusoro penhau dzinoda kukurukurwa ndokuronga ndaza yezvichakurukurwa. Anoshandawo sasachigaro pamusangano wevakuru. Apo zvisarudzo zvinoitwa, nenzira yakafanira anoona kuti zvatevedzerwa. Anotarisira kugadzirirwa kweMusangano Webasa nokurongwa kwerudungwe rwehurukuro dzavose. Anotendera zviziviso zvose zvinoitwa kuungano, anotendera kubhadharwa kwezvinhu zvinoshandiswa nguva dzose, uye anova nechokwadi chokuti kunzverwa kwemaakaunzi kunoitwa mwedzi mitatu yoga yoga kwaitwa.
4 Sasachigaro, mutariri anotungamirira anoona kuti basa reDare Rebasa Reungano riri kuitwa. Apo mudzidzi weBhaibheri anokumbira kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa kana kuti muparidzi asina kubhabhatidzwa anoda kubhabhatidzwa, mutariri anotungamirira anoronga kuti vakuru vaonane naye. Mutariri anotungamirira anotungamirirawo kugadzirirwa kweshanyo yomutariri wedunhu kuitira kuti ungano ibatsirwe zvakazara nevhiki chaiyo yebasa.
5 Mabasa omutariri anotungamirira akawanda uye akasiyana-siyana. Sezvo anoitira hanya nokuzvininipisa mitoro yake “nomwoyo wose,” tose zvedu tinogona kuita rutivi rwedu kupfurikidza nekushanda pamwe chete nevakuru. Kana tichi“terera” uye tichi“zviisa pasi” peavo vari kutitungamirira, vanogona kuita basa ravo nomufaro wechokwadi wakawedzerwa.—VaH. 13:17.