Bhaibheri—Nhungamiro yaMwari Kuvanhu Vose
1 Anenge mabhiriyoni mana emaBhaibheri anofungidzirwa kuti akadhindwa mumitauro inopfuura 2 000 netumitauro, zvichiita kuti Shoko raMwari riwanike kuinopfuura 90 muzana yevagari vapasi. Bva, munyika mune nzara “yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amo. 8:11) Vanhu vakawanda vane kopi yeBhaibheri havariravi kana kuti zvimwe havanzwisisi zvirimo. Tingavasunda sei kuti vashandise Bhaibheri senhungamiro inoshanda muupenyu hwavo?
2 Muna December tichagovera bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Kunowanwa fariro, tingagoverawo shanduro yeBhaibheri yakatibetsera kwemakore 47 apfuura—New World Translation. Izvi zvinogona kuitwa kupfurikidza nokuenzanisira mutauro waro wakajeka, wazvino uno. (Ona bhuku ra“Rugwaro Rwose,” peji 328, ndima 6.) Ticharatidza kuonga kwedu kwokudisa chipo ichi chinobva kuna Jehovha kupfurikidza nokubetsera vamwe nembavarira kuti vagamuchire Bhaibheri senhungamiro yaMwari yavanhu vose.
3 Ungagona kusuma mharidzo kupfurikidza nokushandisa turakiti ra“Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri.” Ungataura kuti:
◼ “Kunyange zvazvo Bhaibheri richiwanika kuinopfuura 90 muzana yevagari venyika, vanhu vashomanene vanorirava nguva dzose. Chii chamunofunga kuti ndicho chikonzero?” Rava ndima mbiri dzokutanga dzeturakiti racho, pamwe chete na2 Timotio 3:16. Govera bhuku raShoko raMwari. Kana bhuku racho rikarambwa, kumbira saimba kurava rutivi rwasara rweturakiti racho. Simbisa musoro muduku wokupedzisira unoti, “Kudeya Kuzivisa Nguva Yemberi.”
4 Pakudzokera kuvanhu vawakasiyira turakiti ra“Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri,” ungaedza izvi:
◼ Pashure pekuzvisumazve, rava ndima mbiri dzokupedzisira dzeturakiti racho. Bvunza saimba kana akamborangarira kubvira kwekurarama nokusingaperi pasi pano. Pashure pokunge apindura, iti: “Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi chokuti uporofita hwose hunowanwa muBhaibheri huchazadzikwa, kubatanidza uhwo hunofanozivisa ramangwana rinoshamisa kuvanhu vose vanosvitsa zvinodiwa naMwari.” Ratidza mufananidzo uri papeji 13 mubhurocha raAnodei, enda zvekare kupeji 5, uye karakadza kukurukura mhinduro dzemibvunzo yakarongwa, nokudaro uchitanga fundo.
5 Mundima ine vanhu vanoda zverudzidziso, ungaedza kutanga kukurukura uku:
◼ “Tiri kukurudzira kuti Bhaibheri riremekedzwe zvikuru. Mhuri dzakawanda dzine Bhaibheri, asi havawanzoriravi pavanova nezvinetso zvakakomba. Makambocherekedza izvozvi here? [Bvumira mhinduro.] Zvimwe vanodavira kuti Bhaibheri harichawirirani nomusi. Bhuku rino, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rinogovera ufakazi hunopwisa hwokuti Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi uye kuti rinopa mhinduro dzinoshanda nokuda kwezvinetso zvakaoma zvanhasi.” Simbisa mapfundo mashomanene anobva muganhuro 8 kana kuti ganhuro 12 rebhuku racho, uye ipapo rigovere.
6 Pakutevera kwakagoverwa bhuku ra“Shoko raMwari,” ungagona kuti:
◼ “Pandakapedzisira kukushanyirai, takakurukura kuti Bhaibheri rinobetsera sei kupedza zvinetso zvakaoma kunzwisisa zvezuva ranhasi. Avo vakarigamuchira seShoko raMwari vakabetserwawo kurarama upenyu hunofadza zvikuru, hunogutsa. Ndingada kukuratidzai imwe yenheyo dzinoshanda dzeBhaibheri inotsanangurwa mubhuku randakakusiyirai.” Kurukura imwe yenheyo dzeMagwaro dzinowanwa muganhuro 12, ndima 3-6, uye gumisa nokurava ndima 7. Kana fariro ikaratidzwa, karakadza fundo mubhuku raZivo kana kuti zvimwe bhurocha raAnodei.
7 Mharidzo inotevera ingafadza vanhu vakura:
◼ “Pakambova nenguva apo Bhaibheri rairaviwa mumisha mizhinjisa uye apo mhuri dzairarama mukutsinhirana nenheyo dzaro. Zvakanga zvakadaro mumhuri yenyu here? [Bvumira mhinduro.] Nhasi zvinoratidza sokuti vakawanda vakanyanyobatikana kuti vawane nguva yokurava Bhaibheri kana kuti vanofunga kuti nheyo dzaro dzetsika hadzichawirirani nomusi. Ganhuro 13 rebhuku rino, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rine zvakaitika chaizvo zvitatu zvevanhu vakachinjira kuzvakanaka pashure pokufunda Bhaibheri. Kana mungada kurava kuti simba reShoko raMwari rakavabetsera sei, ndichafara kukusiyirai bhuku rino.”
8 Pashanyo yedzokerero, ungagona kuti:
◼ “Patakapedzisira kutaura, takabvumirana kuti nheyo dzetsika dzeBhaibheri dziri kufuratirwa munzanga yanhasi. Kusarangarira ikoko kunofanira kutinetsa here? [Bvumira mhinduro.] Jesu Kristu aikoshesa zvikuru kupinza zivo yeBhaibheri.” Rava Johane 17:3. Ipapo goverana ndima 5 muganhuro 1 yebhuku raZivo. Tsanangura purogiramu yedu yefundo yeBhaibheri yapachena, uye karakadza kuiratidzira.
9 Nyengeterera kuti Jehovha akomborere nhamburiko dzako dzose dzokuendesa ngwariro kuBhaibheri—nhungamiro yaMwari kuvanhu vose.