RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/97 p. 3
  • Ndichataurei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndichataurei?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Uri Kushandisa Bhuku Rinonzi Kurangarira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Tsvaka Vanhu Vanodzidzisika
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Kuvandudzwa Kunoitwa Mano Okufunga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 11/97 p. 3

Ndichataurei?

Patinosangana nevanhu vanodavidza zvakanaka muushumiri, tinoshuva kudzokera kuti tinovapupurira zvekare. Zvisinei, tingave tisina chokwadi chezvokutaura kuti tinyandure kurukurirano inotevera. Ungaedza mutoo uyu: Bvunza mubvunzo unofadza, uye ipapo vhura bhuku raKurangarira kuti uratidze mhinduro yeMagwaro. Zvingabetsera kuva nendaza yemibvunzo yaungagona kusarudza mumwe waunofunga kuti ungapindurwa zvakanakisisa pashanyo yakati. Ndaza iri pasi apa, yakarongwa kubva mubhuku raKurangarira, inoratidza nhamba yepeji inowanwa mhinduro imwe neimwe:

◼ Nei tichikwegura ndokufa? (327)

◼ Pane zvikonzero zvakanaka zvokudavira muna Mwari here? (259)

◼ Mwari anoitira hanya chaizvoizvo zvinoitika kwatiri vanhu here? (261)

◼ Munhu anofanira kuenda kudenga here kuti ave nenguva yemberi inofadza chaizvoizvo? (70)

◼ Nei zvichikosha kuziva uye kushandisa zita remunhu oga raMwari? (93)

◼ Chii chichaitwa neUmambo hwaMwari? (368)

◼ Chinangwa choupenyu hwevanhu ndechei? (375)

◼ Nei kune marudzidziso akawanda kwazvo? (309)

◼ Munhu anogona sei kuziva rudzidziso rwakarurama? (316)

◼ Satani munhu ane simba rakaita sei munyika yanhasi? (360)

◼ Nei Mwari achibvumidza kutambura? (149)

◼ Nei kune uipi hwakawanda kwazvo? (362)

Ungaisa ndaza yemibvunzo yakadaro muBhaibheri rako kana kuti bhuku raKurangarira kuti ugoitarira nokukurumidza. Kuva nechimwe chinhu chaicho chokutaura pashanyo dzedzokerero kuchakukurudzira kuva akatendeka mukutevera fariro yose yaunowana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe