Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna November: Kuparadzirwa kweMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 kuchapfuurira. Ungano dzinofukidza ndima dzadzo nokusvika vanasaimba mumusha mumwe nomumwe nekopi yeMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 dzingagovera bhuku raZivo. December: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa 1985 asati asvika iro ungano ingava naro mudura. Ungano dzisina mugove wemabhuku akadaro dzingagona kugovera bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.
◼ Pashure pokunge nhimbe chaiyo yapedzwa pamusi waNovember 16, ungano dzichine migove yeMashoko oUmambo turakiti Nha. 35 dzingakurudzira vaparidzi kuagovera nomutoo mumwe chetewo unoshandiswa nawo maturakiti, pangava paimba neimba kana kuti kumwewo. Kana zvakakodzera, vaparidzi vangasiya rimwe pavose vasiri pamba, vachiva nechokwadi chokuti hariwonekwi nevanopfuura. Nhamburiko dzinofanira kuitwa mukuparadzira makopi ose asara eshoko iri rinokosha.
◼ Makadhi matsva eAdvance Medical Directive/Release anofanira kugoverwa kuvaparidzi muna January. Vana vevabereki vakabhabhatidzwa vanofanirawo kuwana maIdentity Cards panguva imwe cheteyo. Kana ungano yenyu isina mugove wakafanira weaya, tapota isai odha nokukurumidza.
◼ Sezvo odha dzose dzemabhuku zvino dzava kugoverwa nebazu reSouth Africa, ungano dzinokurudzirwa kupinza odha dzadzo dzemabhuku pachine nguva zvikuru. Tapota bvumirai nguva isati iri pasi pemavhiki matanhatu kusvika kumavhiki masere yekugadzira nokutumira.