RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/97 p. 6
  • Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Kutanga Fundo Mubhurocha raAnodei
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 8/97 p. 6

Vimba naJehovha Kuti Akudze Zvinhu

1 “Kwenguva yekutanga ndakawana mufaro wakasiyana wekubetsera kutanga ungano itsva. Izvi zvakatora makore anopfuura maviri ebasa rokushingaira, minyengetero yenguva dzose uye kuvimba naJehovha uyo ‘anokudza zvinhu.’” Akanyora kudaro piyona akavimbika uyo akadzidza kudikanwa kwekutsamira pana Jehovha nokuda kwekukura. (1 VaK. 3:5-9) Mukutsvaka kwedu vanhu vanoshuva zvinhu zvomudzimu, isuwo tinoda kuva netsigiro yaMwari kana ushumiri hwedu huchizobereka zvibereko.—Zvir. 3:5, 6.

2 Kukura Kunoda Kusakurirwa: Mbeu yechokwadi inoda kusakurirwa kana ichizokura. Kushanyazve muzuva rimwe kana kuti maviri pashure peshanyo yekutanga kakawanda kunoguma nemigumisiro yakanaka. Iva akasununguka uye ane ushamwari. Ita kuti munhu wacho asununguke. Usataura zvinhu zvose. Mubvumire kukuziva, uye ratidza kuti unomufarira semunhu.

3 Muna July uye kupfuurira muna August, tiri kuisa ngwariro pakugovera mabhurocha akasiyana-siyana kuvanhu vatinosangana navo. Zvisinei, tinodawo kutevera fariro inowanwa uye zvakagoverwa. Izvi tinozviita kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero uye kugovera fundo dzeBhaibheri. (Mat. 28:19, 20) Nechinangwa ichochi, bhurocha raAnodei ringashandiswa kutanga fundo. Ungawana kuti zvikarakadzo zvina zvinotevera zvinobetsera.

4 Kana wakataura nemunhu akanga achiitira hanya mamiriro ezvinhu anowedzera kuipa munyika, ungamutsidzira kurukurirano yacho kupfurikidza nokuti:

◼ “Ndinodavira kuti munoitira hanya sezvandinoita kuparara kwetsika munzanga yevanhu. Tinonzwa mishumo inotambudza yemasimba masimba emumba, anoguma nokubatwa zvisina kufanira kwevana, vabereki, uye vakaroorana. Uye zvinoratidzika kuti vanhu vakawanda havaoni chakaipa nokureva nhema kana kuti kuba kuti vangogutsa zvishuvo zvavo chete. Munofunga kuti zvinokosha here kuna Mwari kuti vanhu vanorarama sei upenyu hwavo? [Bvumira mhinduro.] Mwari akavamba mipimo yakati yokuti munhu ararame nayo, uye chaizvoizvo haitiremeri.” Rava 1 Johane 5:3. Ipapo suma bhurocha raAnodei, uye rivhure pachidzidzo 10. Rava ndima yekutanga. Ratidza mashoko nezvitsama zvemashoko akatsveyamiswa zviri pakuvamba kwendima 2-6, uye bvunza saimba kuti miitiro ipi yaanofunga kuti inokuvadza nzanga zvikurusa. Rava ndima inobatanidzwa uye nzvera rugwaro rumwe kana kuti maviri kana mukana uchibvumira. Pedzisa nokurava ndima 7, uye ita gadziriro dzokushanyazve nokuda kweimwe kurukurirano.

5 Kuavo vawakasangana navo vanofarira zvemhuri, ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:

◼ “Munofunga kuti zvine mufungo here kudavira kuti Musiki aizotipa maturusi atinoda kushandisa kuvaka upenyu hwemhuri hunobudirira?” Bvumira mhinduro. Suma bhurocha raAnodei, enda kuchidzidzo 8, uye tsanangura kuti rine nheyo dzinobva muBhaibheri nokuda kwemitezo yose yemhuri. Karakadza kuenzanisira mashandisirwe ebhurocha racho neBhaibheri nokuda kwekuwana betsero hurusa mariri. Tevera mirayiridzo inowanwa papeji 2 yebhurocha racho. Ita gadziriro dzekushanyazve kuzopfuudzira chidzidzo, kana kuti kana machipedza, kuzofunda chimwe chidzidzo icho saimba anosarudza mubhurocha racho.

6 Hekuno kusvika kwakananga kwaungashandisa kukarakadza purogiramu yedu yekufunda Bhaibheri. Ratidza bhurocha ra“Anodei”, uye iti:

◼ “Bhurocha iri rine kosi yekufunda yakakwana inofukidza dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Papeji imwe neimwe, muchawana mhinduro dzemibvunzo yakatambudza vanhu kwemazana emakore. Somuenzaniso, Nderipi riri donzo raMwari nokuda kwepasi?” Enda kuchidzidzo 5, uye rava mibvunzo iri pakutanga pechidzidzo chacho. Bvunza saimba kuti ndeupi waanofarira zvikurusa, uye ipapo rava ndima i(dzi)noenderana, muchinzvera magwaro akafanira. Tsanangura kuti mhinduro dzinogutsa dzemimwe mibvunzo dzinogona kuwanwa nenzira iri nyore sekuwanikwa kwaitwa ino. Karakadza kudzoka zvekare kuzokurukura mumwe mubvunzo nemhinduro.

7 Kana kuti ungaedza kusvika kwakapfava kwekutanga fundo yeBhaibheri kupfurikidza nokuti:

◼ “Maimboziva here kuti nokungoshandisa maminiti mashomanene chete, munogona kuwana mhinduro yemubvunzo unokosha weBhaibheri? Somuenzaniso, . . .” Ipapo taura mubvunzo unowanwa pakuvamba kwechimwe chezvidzidzo mubhurocha racho, waunofunga kuti uchafadza munhu wacho. Nokuda kwemifungo yemibvunzo yaungashandisa, ona ndima 15 ne16 muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997, ine musoro unoti: “Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero.”

8 Kugamuchira nomufaro denho yekuita shanyo dzedzokerero ndokuitisa fundo dzeBhaibheri rutivi rwekuva “vabati pamwe chete” vaMwari. (1 VaK. 3:9) Sezvatinoshanda nesimba kusakurira fariro yatinowana ndokuvimba naJehovha kuti akudze zvinhu, tichawana gutsikano yechokwadi iyo isingagoni kuwanwa mune rimwe basa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe