Kubetsera Pwere Kudzivisa Ngwavaira
1 Jehovha anoda kuti tifarikanye chipo chake chinokosha cheupenyu. Nechinangwa ichocho, akatibvumira mwero wakati werusununguko rwemunhu oga kuitira kuti tironde zvishuvo zvemwoyo wedu. Asi pamwe chete nerusununguko irworwo rwokuita, Jehovha nenzira yakarurama anotiita kuti tizvidavirire nokuda kwezvatinoita.—Mup. 11:9.
2 Mukati memwedzi yaApril naMay, tichawana pwere dzakawanda mundima yedu dziri pazororo rechikoro. Nhamba huru yemibvunzo ine ava vaduku inopindurwa mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Tinoda kushandisa zvakanakisisa ichi chinyorwa muShona sezvo chiri kugoverwa pamutengo chaiwo wakaderedzwa. Zvichida wakatotanga mharidzo yaungada kushandisa. Tine chokwadi chokuti uchawana zvikarakadzo zvinotevera zvichibetsera pakugovera ichi chinyorwa.
3 Kusvika Pwere nebhuku racho: Pasina mubvunzo vanhu vaduku vakawanda vachava vasiri pamusha apo tinoshanya paimba neimba. Tingada kutsvaka ndokutaura kuidzi pwere mukati meiyi nhimbe chaiyo. Wedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1996 yakatikurudzira kuparidza mashoko akanaka kwose kwose—mumugwagwa, muzvokufambisa zvavose, uye mekupakira motokari, uye nzvimbo dzebhizimisi. Yakatiitawo kuti tizive kudikanwa kwekutanga mikana yekuparidza nenzira isina kurongwa. Vamwe vangada kuwedzera goverano yavo mubasa remumunda kuti vasvike vanhu vaduku vakawanda sevanobvira. Ikoku kungaguma nezvikomborero zvikuru, sezvinoratidza chakaitika chinotevera chakabva kuSwitzerland: Imwe hanzvadzi yakanyoresa sapiyona webetsero uye yakasarudza kushanyira vabereki vepachikoro chemwana wayo. Izvi zvakagovera mukana wekurukurirano yakaisvonaka nevabereki vakawanda uye mabhuku 20 (zvikurukuru bhuku raVechiduku Vanobvunza) akasiyiwa navo.
4 Pakutaura kumubereki ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Kazhinji kazhinji tinofunga nezveupwere senhambo inofadza zvikurusa muupenyu hwedu. Nenzira isingafadzi, tinoona vanhu vaduku vakawanda vasingafari nhasi. Hazvisirizvo here? [Bvumira mhinduro.] Mipimo inochinja yakatanga nyika yakavhiringidzika ine zvinetso zvakawanda zvinotapura pwere uye zvinodzibira mufaro. Ndokupi kwadzinogona kuwana nhungamiro yakavimbika? [Bvumira mhinduro.] Cherekedzai icho Bhaibheri rinorumbidza paPisarema 119:9.” [Rava.] Ipapo unogona kuzarura ndaza yezviri mukati mubhuku raVechiduku Vanobvunza ndokuratidza mubereki wacho zvikamu gumi zvebhuku racho uye kuti zvinobata sei nemativi akasiyana-siyana eupenyu hwevanhu vaduku. Tsanangura kuti zano reBhaibheri rakanaka rinowanwa muaya maganhuro rinogona kubetsera pwere kugonana neidzi nguva dzakaoma. Govera bhuku racho pamutengo chaiwo we$5,00. Ronga kudzoka nokuda kwedzimwe kurukurirano pamusoro peukoshi hwechinyorwa chacho.
5 Kana kwakafanira munharaunda yako, ungaedza mharidzo dzinotevera mwedzi uno:
◼ “Mishumo inoratidza kuti nhasi vaduku vanopara mhaka dzakakomba dzakanga dzisingazivikanwi kupwere makumi emakore mashomanene akapfuura. Nei kune kusateerera mutemo kwakakura kwazvo kuri kuwedzera pakati pepwere dzedu nhasi? [Bvumira mhinduro.] Kunyange zvazvo pwere dzichifanira kuva nemutoro nokuda kwekuzvibata kwadzo, munofunga kuti vabereki vanogoveranawo rutivi rwepomero yacho here? [Mirira mhinduro.] Bhaibheri rinosimbisa basa revabereki mukudzidzisa chiri chakarurama. Rinopa uyu murayiridzo pana Zvirevo 1:8 [Rava.] Mutsinhirano naizvozvi, bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rakazadzwa nenhungamiro inoshanda yakavakirwa paBhaibheri, uye rine zvakaitika chaizvoizvo zvichabetsera vabereki mukurovedza vana vavo. Iri bhuku rinobetsera rinogona kuva renyu kuti mufunde nevana venyu pamupiro chaiwo we$5,00.”
Pakutaura kumunhu muduku ungabvunza kuti:
◼ “Unofunga kuti Mwari aida kuti isu tirarame takakomberedzwa nezvinetso zvakadai sezvatinotarisana nazvo nhasi here? Nderipi riri remangwana repasi rino uye rerudzi rwomunhu?” Pashure pokunge pwere yapindura, ungagona kuti: “Sezvingabvira wakarovedzana nemunyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, vachikumbira kuti Umambo hwaMwari huuye. Wakambofunga here kuti chii chaizvo icho Umambo hwaMwari huchaiitira rudzi rwomunhu rwunoteerera?” Tendeukira kuChikamu 10 chebhuku raVechiduku Vanobvunza. Kurukurai chikamu chinoti “Nguva Yako Yemberi” papeji 304. Ipapo tendeukira kupeji 307. Ratidza kuti ndima mbiri dziri papeji iyoyo dzinopa mufananidzo unoshamisa wechichaitira Umambo hwaMwari vadzorwi vahwo. Govera bhuku kupwere yacho nokuda kwemupiro chaiwo we$5,00.
◼ “Nezvinetso zvakawanda kwazvo zviri kutarisana nepwere nhasi, wakamboshamisika here nezvechinokosha nokuda kwekuwana mufarwa?” Mirira mhinduro, uye tsanangura kuti muBhaibheri Mwari anozivisa chinokosha chaichoicho chomufarwa. Zvichida ungagona kurava Isaya 48:17. Ipapo tendeukira kupeji 6 mubhuku raVechiduku Vanobvunza, uye nongedzera kudzimwe ndima dzeBhaibheri dzinonongedzerwa idzo dzinogovera nhungamiro yakavimbika nokuda kwevanhu vaduku. Rava ndima yose yechipiri papeji 6, ipapo zarura ndaza yezviri mukati. Pashure pekuratidza munhu muduku zvikamu zvakasiyana-siyana nemaganhuro zvebhuku racho, govera bhuku racho nokuda kwemupiro chaiwo wehafu yemutengo.
◼ “Kukura muidzi nguva dzinotambudza hakusi nyore. Pwere dzinotarisana nemamiriro ezvinhu matsva akawanda ayo anoda kuti dziite zvisarudzo zvinokosha. ‘Ndinofanira kunwa here? Kushandisa mirimo? Mufambiroi wakafanira nevemitezo yakasiyana?’ Apo vanhu vaduku vanobvunza pamusoro peidzi nhau dzinokosha, kazhinji kazhinji vanorovanywa nemhinduro dzinorwisana. Ndokupi kwaunofunga kuti vakawanda vadzo vanotendeukira nokuda kwezano? [Bvumira tsinhiro.] Iri bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rinogovera mashoko anobetsera. [Nangidzira ngwariro kundaza yezviri mukati, uchiratidza mhatsa yemisoro inofukidzwa.] Pwere dzinoda mhinduro dzakananga uye dzechokwadi. Mhinduro dziri mubhuku rino dzinotsigirwa nezvinotaura Bhaibheri.”
6 Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997 yakatikurudzira kuwana ushingi hwekuita shanyo dzedzokerero. Tinokukurudzira kudzokera kuavo vakawana bhuku raVechiduku Vanobvunza nemurangariro wekutanga fundo mubhuku raZivo. Chinodikanwa chikurusa cherudzi rwomunhu kudzidza icho Mwari anoda uye ipapo kuchiita.—VaK. 1:9, 10.