RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/97 p. 1
  • Vakawanda Vari Kuwedzerwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakawanda Vari Kuwedzerwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uchifambira Mberi Mumudzimu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Tose Tingaitawo Basa Rokuita Vadzidzi Vatsva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Rambai “Muchivakana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 4/97 p. 1

Vakawanda Vari Kuwedzerwa

1 Sezvakwakanga kuri kwechokwadi muzana rokutanga ramakore, kukura uko ungano yechiKristu iri kuva nako nhasi kunoshamisa. (Mabasa 2:41; 4:4) Gore rapfuura, vadzidzi vatsva 366 579 vakabhabhatidzwa, avhareji ye1 000 zuva rimwe nerimwe! Vanopfuura miriyoni imwe vakabhabhatidzwa mumakore matatu apfuura. Zvirokwazvo, Jehovha aramba achiwedzera vatendi vakawanda.—Mabasa 5:14.

2 Vatsva vakawanda vasina ruzivo rwekuzviwanira mukurarama kwechiKristu vanoda rubatsiro nerovedzo zvinobva kuavo vakasimba mukutenda. (VaR. 15:1) Pakati pevaKristu vepakuvamba pakanga pane vamwe avo, kunyange makore pashure pekubhabhatidzwa kwavo, vakanga vakundikana ku“pfuurir[a] mberi pakukwaniswa.” (VaH. 5:12; 6:1) Ndicho chikonzero nei, mutsamba yake kuvaHebheru, Pauro akasimbisa nharaunda idzo vaKristu vanofanira kukura mumudzimu. Ndedzipi idzodzi, uye betsero inodikanwa inogona sei kupiwa?

3 Kuwana Tsika Dzakanaka Dzekufunda: Mutsinhirano nemurayiridzo waPauro, kuva mudzidzi akanaka kunobatanidza kudzidza nokushingaira, kudzokorora, uye kushandisa “zvokudya zvikukutu” zvinogoverwa nesangano raJehovha. (VaH. 5:13, 14; ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1993, mapeji 12-17.) Kupfurikidza nokubatanidza vatendi vatsva mukurukurirano dzomudzimu uye kugoverana navo zvinokosha zvechokwadi zvawakadzidza kupfurikidza nenzvero yemunhu oga, ungavanyandura kuwana tsika dzakanaka dzekufunda. Zvichida panhambo nenhambo ungagona kukoka mutsva kukukumbanira mufundo yako yemunhu oga kana kuti yemhuri.

4 Kupinda Misangano Nguva Dzose: Muenzaniso wako wekutendeka nemashoko erudo ekurudziro zvichabetsera mitezo mitsva yeungano kudzivisa imwe nharaunda yeitiro hanya inodudzwa naPauro—“tsika” ine vamwe yekupotsa misangano yechiKristu. (VaH. 10:24, 25, NW) Vabetsere kunzwisisa kuti misangano ndiyo mukoto wavo unokosha wemudzimu kuungano. Tanga kuita chiito kuvaita kuti vanzwe vachigamuchirwa serutivi rweuhama hwedu.

5 Kusvika Jehovha Nechivimbo: Kuti tikurire kuneta kwenyama nezvikanganiso zveunhu, tinofanira kutsvaka Jehovha mumunyengetero, tichitaura kwaari mifungo yedu mikurusa uye zvatinoitira hanya zvemunhu oga. Vatsva vanofanira kuziva kuti kupfurikidza nokuteterera Jehovha nokuda kwebetsero, sezvakakurudzira Pauro, havasati vachifanira kukundikana. (VaH. 4:15, 16; 10:22) Kurondedzera zvakaitika zvako zvemunhu oga muna ikoku kuchasimbisa chivimbo chemutsva chokuti Jehovha anonzwa minyengetero yemwoyo wose.

6 Kuronga Nguva Yeushumiri: Pauro akaratidzawo kuti apo “ti[no]bayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza,” kunosimbisa mumudzimu. (VaH. 13:15) Unogona kukoka muparidzi mutsva kukukumbanira mugadziriro dzako dzevhiki nevhiki dzebasa remumunda here? Zvichida muri vaviri mungagona kugadzirira mharidzo dzenyu kana kuti kurangarira rutivi rweushumiri urwo mutsva zvikuru asati aedza.

7 Vakawanda vari kuwedzerwa chisakiso chokufara kukuru. Kuzvishandisa kwedu mukurovedza nekukurudzira mitezo mitsva yeungano kuchavabetsera kutanga kutenda kwakasimba kunodikanwa ku‘chengetedza mweya yavo iri mipenyu.’—VaH. 3:12, 13; 10:39.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe