Bhokisi Remibvunzo
◼ Chii chinofanira kuitwa apo ngwavaira inorovanya iyo inotapura zvakananga hama dzedu?
Kana Ngwavaira Ikarovanya Munharaunda Menyu: Usavhunduka. Ramba wakadzikama, uye ipa ngwariro pachinokosha zvirokwazvo—upenyu, kwete zvinhu. Tarisira zvinodikanwa zvekunyama zvokukurumidza zvemhuri yako. Ipapo zivisa vakuru nezvemamiriro ako ezvinhu nekwauri zvino.
Vakuru nevabatiri vanoshumira vanoita basa rinokosha mukugovera rubatsiro rwokuyamura. Kana nyevero yengwavaira ikafanopiwa, senemamwe madutu makuru, hama idzi dzinofanira kuva nechokwadi chokuti munhu ari wose ari munzvimbo yakakotsekana, uye kana nguva ichibvumidza, vanofanira kuwana ndokuparadzira zvinhu zvingadikanwa.
Pashure pezvo, vaitisi vefundo dzebhuku vanofanira kuwana mhuri imwe neimwe ndokubvunza garikano yavo. Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe mukuru anofanira kuziviswa nezvemamiriro ezvinhu emhuri imwe neimwe, kunyange kana zvinhu zvose zvakanaka. Kana mumwe munhu akuvadzwa, vakuru vachaedza kuronga kurapwa. Vachagoverawo zvinhu zvokunyama zvipi nezvipi zvakadai sezvokudya, zvokupfeka, pokugara, kana kuti zvinhu zvomumba zvinodikanwa. (Joh. 13:35; VaG. 6:10) Vakuru vomunzvimbomo vachapa tsigiro yomudzimu neyendangariro kuungano uye vacharonga nokukurumidza sezvinobvira kutangazve misangano yeungano. Pashure pokunge nzvero yakakwana yaitwa, mumwe mukuru anofanira kuonana nomutariri wedunhu nokuda kwomutumbi wose wevakuru kuti amuzivise nezvekukuvara kupi nokupi, kuparadzwa kweHoro yoUmambo, kana kuti kuparadzwa kwemisha yehama, pamwe chete nezvinodikanwa chaizvo zvipi nezvipi. Mutariri wedunhu ipapo acharidzira runhare hofisi yebazu nomushumo wamamiriro acho ezvinhu. Hofisi yebazu ichatsinhiranisa mabasa makuru okuyamura api neapi anodikanwa.
Kana Ngwavaira Ikarovanya Kumwe: Yeukai hama nehanzvadzi muminyengetero yenyu. (2 VaK. 1:8-11) Kana muchida kugovera rubatsiro rwemari, mungatumira mipiro yenyu kuSosaiti, uko mari yekuyamura inotsaurirwa donzo iri. Kero yacho ndeiyi: Watch Tower, P. Bag A-6113, Avondale. (Mabasa 2:44, 45; 1 VaK. 16:1-3; 2 VaK. 9:5-7) Musatumira zvinhu kana kuti zvokudya kunharaunda ine ngwavaira kutoti mukakumbirwa zvakananga nehama dzinotarisira. Ikoku kuchavimbisa nhamburiko yokuyamura yakarongeka uye kuparadzirwa kwezvinhu kwakafanira. (1 VaK. 14:40) Tapota musaridzira Sosaiti runhare zvisiri madikanwa, sezvo ikoku kuchigona kubatikanisa nhare dzinodikanwa dzinobva kunzvimbo ine ngwavaira.
Pashure pokunge nzvero yakafanira yaitwa, Sosaiti ichasarudza kana dare rezvekuyamura richifanira kuumbwa. Hama dzakavimbika dzichaziviswa. Vose vanofanira kubatira pamwe nevakuru vanenge vachitungamirira kuitira kuti zvinodikanwa zvakakomba zvehama dzose zvigoverwe zvakakwana.—Onai Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom, mapeji 310-15.