RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/96 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJuly

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJuly
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJuly 1
  • Vhiki Inotanga naJuly 8
  • Vhiki Inotanga naJuly 15
  • Vhiki Inotanga naJuly 22
  • Vhiki Inotanga naJuly 29
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 7/96 p. 2

Misangano Yebasa yaJuly

Vhiki Inotanga naJuly 1

Rwiyo 90

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pomushumo webasa romumunda waMarch wenyika ino neungano yomunzvimbomo.

15 min: “Kuita Mhiko Yedu Zuva Nezuva.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dzinobva muna Insight, Vhoriyamu 2, peji 1162, ndima 6-7, muchiratidza chikonzero nei mhiko iri musengwa wakakomba.

18 min: “Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi.” (Ndima 1-3) Shandisai ndima yokutanga kukudziridza musoro wenyaya yacho. Wanai kuti mabhurocha api ari mudura pari zvino muungano angagamuchirwa zvakanaka mundima yenyu. Ipapo hwirudzurai ndima 2-3 bedzi, uye ratidzirai kuti dzose dziri mbiri shanyo yokutanga neshanyo yedzokerero zvinogona sei kuitwa nebhurocha ra“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva.” Ratidzai kuti vaparidzi vangaumba sei mharidzo dzavo vamene dzerimwe bhurocha iro ringava rakakodzera nokuda kwendima yomunzvimbomo.

Rwiyo 112 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 8

Rwiyo 43

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo Weakaunzi.

15 min: “Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi.” (Ndima 4-5) Kurukurai bedzi ndima 4-5 nemapfundo makuru ebhurocha raHurumende Ichaunza Paradhiso. Ipapo enzanisirai mharidzo dzakakarakadzwa dzeshanyo yokutanga neshanyo yedzokerero.

20 min: “Hama Dzakawanda Dziri Kudikanwa Mubasa Roupiyona.” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumidza, hwirudzurai zvikarakadzo pamusoro penzira yokutarisira nayo zvinodikanwa zvemari, sezvinokurukurwa muNharireyomurindi, yaSeptember 15, 1993, mapeji 28-31. Pwere dzakawanda dziri kuedza kusarudza kuti inharidzanoi dzokuronda pashure pokupedza chikoro chapamusoro. Nepo dzakawanda dzichifarira betsero dzokunyama dzinopiwa nemabasa okunyika, onesai zvikonzero zvakanaka nei dzichifanira kusvasvavirira basa roupiyona panzvimbo pezvo.

Rwiyo 16 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 15

Rwiyo 162

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

20 min: “Wakaedza Kupupura Kwemanheru Here?” Hurukuro nokutora rutivi kwavateereri nebvunzurudzo. Rondedzerai zvakacherekedzwa munzvimbomo pakushanda ndima pakupera kwezuva. Batanidzai zvakaitika zvinoratidza migumisiro yakanaka yakabva mukupupura kwemanheru. Ratidzai rudungwe rwevhiki nevhiki rwomunzvimbomo rwemisangano yebasa. Kana iyi nhau isingashandi munzvimbomo, rangarirai mushumo womutariri wedunhu wazvino uno. Kurudzirai vose kupinda muushumiri mukati memwedzi miviri yokupedzisira yegore rebasa uye kuva nechokwadi chokushuma mubato wavo.

15 min: “Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Hanya Vamwe Zvepachokwadi.” (Ndima 6-8) Shandisai ndima yokupedzisira yenyaya yacho kukurudzira vose kuita shanyo dzedzokerero nokukurumidza paavo vanogoverwa mabhurocha. Muchishandisa ndima 6-7, enzanisirai nzira yokugovera nayo bhurocha raMidzimu Yavakafa pashanyo yokutanga uye nzira yokutanga nayo fundo muganhuro rokutanga rebhuku raZivo pashanyo yedzokerero. Yeuchidzai vaparidzi kuti vanogona kuumba mharidzo dzavo vamene dzemamwe mabhurocha, dzichitevera muenzaniso wemharidzo dzakakarakadzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

Rwiyo 64 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 22

Rwiyo 108

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai nokupfupikisa zvinyorwa zvazvino uno zvemagazini, muchionesa mapfundo makuru anofadza ayo angashandiswa mukuagovera pasuo.

20 min: “Kokorodzano Yoruwa ya1996 ye‘Nhume Dzorugare rwaMwari.’”—Rutivi 1. Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro yendima 1-15. Simbisai kudikanwa kwokutarisira vana noukoshi hwomufambiro wakanaka.

15 min: “Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo.” Hurukuro inofukidza ndima 12-16 dzewedzero yaJune 1996. Batanidzai mienzaniso miviri yefundo yeBhaibheri iri kufambira mberi. Wokutanga unoratidza nzira yokurovedza nayo mudzidzi kugadzirira chidzidzo kupfurikidza nokutara kana kuti kuisa mitsetse pasi pamashoko anokosha kana kuti zvikamu zvinopindura zvakananga zvikurusa mibvunzo yakadhindwa. Wechipiri unoenzanisira zvaungataura kukurudzira mudzidzi weBhaibheri kupinda Musangano Wavose neFundo yeNharireyomurindi.

Rwiyo 116 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 29

Rwiyo 212

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu.”

15 min: Chii Chakunoda Kuwana Fundo yeBhaibheri? Mumwe mukuru anotungamirira kurukurirano pakati pevaviri kana kuti vatatu avo vakawana budiriro mubasa refundo yeBhaibheri, vachihwirudzura nzira dzokuva nadzo vanobudirira zvikuru mukutanga fundo: (1) Nyengeterera betsero yaJehovha. (2) Goverana nguva dzose mumativi akasiyana-siyana oushumiri kuti uwane vanhu vanofarira. (3) Nyora fariro yose, uye ita shanyo dzedzokerero dzokukurumidza. (4) Karakadza nguva dzose fundo uko fariro inoratidzwa. (Ona musoro muduku unoti “Kuita Kuti Fundo dzeBhaibheri Dzitange,” papeji 20 yeNharireyomurindi yaFebruary 15, 1996.) (5) Vaka chivimbo mumano ako okudzidzisa kupfurikidza nokushandisa zvikarakadzo zvina zvakarongwa pamapeji 13-17 eNharireyomurindi yaJanuary 15, 1985.

20 min: “Kokorodzano Yoruwa ya1996 ye‘Nhume Dzorugare rwaMwari.’”—Rutivi 2. Fukidzai ndima 16-26 nemibvunzo nemhinduro. Simbisai kuti sezvo zvokudya zvichave zvakapfaviswa, Sosaiti ichatsamira pamipiro inoitwa neungano navanhu vamwe navamwe kuti ifukidze ndyiko dzokuhaya nzvimbo yekokorodzano. Kurudzirai vose kurangarira ikoku nokunyengetera. Hwirudzurai “Zviyeuchidzo Zvekokorodzano Yoruwa.”

Rwiyo 165 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe