Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo
1 Nharidzano yakanaka nokuda kwavaKristu vose ndeyokudzidzisa vamwe zvokwadi ndokuita vadzidzi vaavo “vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48, NW; Mat. 28:19, 20) Sangano raJehovha rakatipa chishandiso chakaisvonaka chokuita nacho ikoku—bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Musoro waro unosimbisa ukoshi hukuru hwefundo dzeBhaibheri dzapamusha, nokuti upenyu husingaperi hunotsamira pakupinza zivo yaJehovha, Mwari bedzi wechokwadi, neyeMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Joh. 17:3.
2 Bhuku raZivo zvino rava chinyorwa chikuru cheSosaiti chokushandisa mukuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Tichirishandisa, tinogona kudzidzisa zvokwadi norupfave, kujekesa, uye kupfupikisa. Ikoku kuchabetsera kusvika mwoyo yaavo vari kudzidziswa. (Ruka 24:32) Chokwadika, pane kudikanwa kwokuti muitisi wefundo ashandise unyanzvi hwokudzidzisa hwakanaka. Nechinangwa ichocho, iyi wedzero yakagadzirirwa kugovera zvikarakadzo nezviyeuchidzo pamusoro pemitoo yokudzidzisa iyo yakabvumikisa kuva inobudirira. Nenzwisiso, uye mukuwirirana nemamirire ezvinhu mamwe namamwe, ungakwanisa kushandisa zvishoma nezvishoma zvimwe kana kuti zvose zvezvinopiwa muno. Chengeta iyi wedzero, uye nongedzera kwairi kazhinji kazhinji. Mapfundo akasiyana-siyana ari mairi angakubetsera kuva anobudirira zvikuru mukushandisa bhuku raZivo kuita vadzidzi.
3 Itisa Fundo yeBhaibheri Yapamusha Inofambira Mberi: Farira zvechokwadi somunhu oga mudzidzi wacho semudzidzi wechiKristu anobvira nehama kana kuti hanzvadzi yomudzimu. Iva wepachokwadi, ane ushamwari, uye ane mbavarira. Kupfurikidza nokuva muteereri akanaka, unogona kusvika pakuziva mumwe munhu wacho—mugariro wake nemamirire ezvinhu muupenyu—izvo zvichakubetsera kuziva nzira yokumubatsira nayo zvakanakisisa mumudzimu. Iva anodisa kuzvipa umene nokuda kwomudzidzi.—1 VaT. 2:8.
4 Kana fundo yangotangwa bedzi, kunorumbidzwa kuti maganhuro ari mubhuku raZivo afundwe munhevedzano yenhamba. Ikoku kuchabvumira mudzidzi wacho kuwana nzwisiso inofambira mberi yezvokwadi, sezvo bhuku racho richikurukura misoro yeBhaibheri mukutevedzana kune mufungo zvikurusa. Ita kuti fundo yacho irambe iri yakapfava neinofadza zvokuti inova mhenyu uye inofambira mberi. (VaR. 12:11) Zvichitsamira pamamirire ezvinhu nemano zvomudzidzi wacho, kungava kunobvira kuti mufukidze maganhuro akawanda zvikurusa murusando rumwe rweinenge awa, pasina kumhanya mufundo yacho. Vadzidzi vachaita fambiro mberi iri nani apo vose vari vaviri mudzidzisi nomudzidzi vanochengeta rangano yavo yefundo vhiki imwe neimwe. Nokudaro, navanhu vakawanda zvikurusa, kungava kunobvira kupedza maganhuro 19 ebhuku racho mumwedzi inenge mitanhatu.
5 Tanga rusando rumwe norumwe netsinhiro pfupi dzinonyandura kufarira mashoko acho. Uchacherekedza kuti musoro weganhuro rimwe nerimwe ndiwo nhau huru yaro, iyo inofanira kusimbiswa. Musoro muduku mumwe nomumwe unotanhamarisa pfundo guru, kuchikubetsera kuita kuti nhau huru yeganhuro irambe yakanangidzirwa ngwariro pairi. Ngwarira kusanyanyotaura. Panzvimbo pezvo, edza kuita kuti mudzidzi ataure mashoko ake. Kubvunza mudzidzi mibvunzo yakananga inotungamirira, yakavakirwa paizvo anotoziva, kuchamubetsera kurangarira ndokusvika pamhedziso dzakarurama. (Mat. 17:24-26; Ruka 10:25-37; ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, peji 51, ndima 10.) Sanoomerera kumashoko akadhindwa ari mubhuku raZivo. Kupinza udzame hwokuwedzera kungagona kuderedza kana kuti kudzikatidza mapfundo makuru ndokurebesa fundo yacho. (Joh. 16:12) Kana mubvunzo usina chokuita nenhau iri kufundwa ukamutswa, muzviitiko zvakawanda zvikurusa ungagona kuupindura pamugumo worusando rwacho. Ikoku kuchakubvumira kufukidza chidzidzo chevhiki yacho pasina kutsauswa. Tsanangurira mudzidzi wacho kuti pakupedzisira yakawanda zvikurusa yemibvunzo yake yomunhu oga ichapindurwa mukufambira mberi kwefundo yacho.—Ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, peji 95, ndima 14.
6 Kana mudzidzi wacho achidavira zvakasimba Utatu, kusafa kwomweya, mwoto wehero, kana kuti dzimwe dzidziso dzenhema dzakadaro, uye zvinopiwa mubhuku raZivo zvisingamugutsi, ungagona kumupa bhuku raKurangarira kana kuti chimwe chinyorwa chinokurukura nhau yacho. Muudze kuti uchakurukura nhau yacho naye pashure pokunge afunga pamusoro pezvaanorava.
7 Kuvamba nokugumisa fundo yacho nomunyengetero nokuda kwenhungamiro yaJehovha nechikomborero kunoita kuti nhambo yacho iremekedzwe, kunoisa munhu muchimiro chendangariro chokuremekedza, uye kunokwevera ngwariro kuna Jehovha soMudzidzisi wechokwadi. (Joh. 6:45) Kana mudzidzi wacho achiri mushandisi wefodya, pakupedzisira ungafanira kumukumbira kurega mukati mefundo.—Mabasa 24:16; Jak. 4:3.
8 Dzidzisa Nenzira Inobudirira neMagwaro, Mienzaniso, uye Mibvunzo Yehwirudzuro: Pasinei zvapo nokuti angave akafunda mashoko acho kakawanda zvakadini kare, mudzidzisi ane unyanzvi acharangarira chidzidzo chimwe nechimwe achirangarira mudzidzi akati. Ikoku kunobetsera kukarira mimwe yemibvunzo yomudzidzi. Kuti udzidzise nenzira inobudirira, nzwisisa zvakajeka mapfundo makuru ari muganhuro racho. Tarira magwaro acho kuti uone kuti anoshanda sei kumashoko acho, uye sarudza kuti ndeapi anofanira kuraviwa mukati mefundo. Funga kuti unogona sei kudzidzisa uchishandisa mienzaniso nemibvunzo yehwirudzuro iri pamugumo weganhuro racho.
9 Kupfurikidza nokushandisa zvinobudirira magwaro, uchabetsera mudzidzi wacho kunzwisisa kuti zvirokwazvo ari kufunda Bhaibheri. (Mabasa 17:11) Uchishandisa bhokisi rinoti “Shandisa Bhaibheri Rako Zvakanaka,” riri papeji 14 yebhuku raZivo, mudzidzise nzira yokuwana nayo magwaro. Muratidze nzira yokuziva nayo ndima dzakanokorwa mashoko dziri muchidzidzo chacho. Kana nguva ichibvumira, tsvaga uye rava magwaro akanongedzerwa ayo asina kunokorwa mashoko. Ita kuti mudzidzi atsinhire pamusoro pokuti anotsigira sei kana kuti kujekesa zvinotaurwa mundima yacho. Simbisa zvikamu zvinokosha zvemagwaro zvokuti anosvika pakunzwisisa zvikonzero zvemapfundo makuru echidzidzo chacho. (Neh. 8:8) Kazhinji kazhinji, hapana kudikanwa kwokuti mudzidzisi abatanidze mamwe magwaro mukurukurirano kupfuura ayo bhuku racho rinogovera. Tsinhira pamusoro poukoshi hwekuziva mazita nenhevedzano yemabhuku eBhaibheri. Kungava kunobetsera kuti mudzidzi arave mapeji 27-30 eNharireyomurindi, yaJune 15, 1991. Apo kunenge kwakakodzera, kurudzira kushandiswa kweNew World Translation.
10 Fundo 34 muBhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari inotsanangura kuti mienzaniso inonyandura kufunga kwomunhu uye inoita kuti kuve nyore zvikuru kunzwisisa mifungo mitsva. Inobatanidza kufadza pfungwa nesundo yemirangariro, zvokuti shoko racho rinoendeswa nesimba iro risingabviri kazhinji kazhinji nokutaurwa kwakapfava kweidi. (Mat. 13:34) Bhuku raZivo rine mienzaniso mizhinji yokudzidzisa iyo iri yakapfava asi ine simba. Somuenzaniso, muenzaniso unoshandiswa muganhuro 17 unovaka kuonga nzira iyo, mupfungwa yomudzimu, Jehovha anogovera nayo zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara kupfurikidza neungano yechiKristu. Mienzaniso yakaisvonaka yemapikicha yebhuku raZivo inogona kushandiswa nenzira inobudirira kunyandura mirangariro. Pasi pomusoro muduku unoti “Rumuko Runofadza,” uri papeji 185, sundo yendima 18 ichasimbiswa kupfurikidza nokuita kuti mudzidzi atarire shure papikicha iri papeji 86. Ikoku kungamusunda kufunga nezverumuko sechinhu chaichoicho muUmambo hwaMwari.
11 Vadzidzi veBhaibheri vanofanira kuita fambiro mberi yomudzimu nechidzidzo chimwe nechimwe. Nokuda kwechikonzero ichochi, usakundikana kubvunza mibvunzo yehwirudzuro iri mubhokisi rinoti “Edza Zivo Yako” riri pamugumo weganhuro rimwe nerimwe. Teerera zvinopfuura tsananguro youngwaru yezvafundwa. Inoverengeka yeiyi mibvunzo yakagadzirirwa kuwana mhinduro yomunhu oga inobva pamwoyo. Somuenzaniso, ona peji 31, apo mudzidzi anobvunzwa, kuti: “Mavarai aJehovha Mwari anokufadza zvikuru?”—2 VaK. 13:5.
12 Rovedza Vadzidzi Kugadzirira Fundo: Mudzidzi anofanorava chidzidzo, anotara mhinduro, uye anofunga nzira yokudzitaura nayo namashoko ake amene achaita fambiro mberi yomudzimu inokurumidza zvikuru. Kupfurikidza nomuenzaniso wako nekurudziro, unogona kumurovedza kugadzirira fundo. Muratidze bhuku rako, umo wakaratidza kana kuti kutara mashoko anokosha nezvikamu zvamashoko. Tsanangura nzira yokuwana nayo mhinduro dzakananga dzemibvunzo yakadhindwa. Kugadzirira ganhuro rimwe pamwe chete kungava kunobetsera kumudzidzi wacho. Mukurudzire kutaura nemashoko ake amene. Ndipapo bedzi apo kunova kwakajeka kana achinzwisisa mashoko acho. Kana akarava mhinduro yake mubhuku, unogona kunyandura kufunga kwake kupfurikidza nokumubvunza kuti aizotsanangura sei pfundo racho kumumwe munhuwo zvake nemashoko ake amene.
13 Kurudzira mudzidzi kutarira magwaro asina kunokorwa mashoko serutivi rwegadziriro yake yevhiki nevhiki, sezvo pangasava nenguva yokurava ose zvawo mukati mefundo. Murumbidze nokuda kwenhamburiko yaari kuita muzvidzidzo zvake. (2 Pet. 1:5; ona Nharireyomurindi, yaAugust 15, 1993, mapeji 13-14, nokuda kwezvikarakadzo zvokuwedzera pamusoro pezvinogona kuitwa nevose vari vaviri mudzidzisi nomudzidzi kuwedzera kudzidza pafundo yeBhaibheri.) Neiyi nzira, mudzidzi ari kurovedzwa kugadzirira nokuita tsinhiro pamisangano yeungano. Anenge achidzidza nzira yokukudziridza nayo miitiro yakanaka yefundo yomunhu oga iyo ichamushongedzera kupfuurira kuita fambiro mberi muzvokwadi pashure pokunge fundo yake yomunhu oga yeBhaibheri mubhuku raZivo yapedzwa.—1 Tim. 4:15; 1 Pet. 2:2.
14 Nangidzira Mudzidzi Kusangano raJehovha: Ibasa romuiti womudzidzi kunangidzira fariro yomudzidzi kusangano raJehovha. Mudzidzi wacho achafambira mberi nokukurumidza zvikuru kuukuru mumudzimu kana achiziva uye achinzwisisa sangano uye achiziva kudikanwa kwokuva rutivi rwaro. Tinoda kuti awane mufarwa mukusonganira nevanhu vaMwari uye kukarira kuva nesu paHoro yoUmambo, uko anogona kugamuchira tsigiro yomudzimu neyemirangariro iyo ungano yechiKristu inogovera.—1 Tim. 3:15.
15 Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Zvakabatana Mukuita Kuda kwaMwari Munyika Yose rakabudiswa kuti rirovedzanise vanhu nesangano bedzi rinooneka iro Jehovha ari kushandisa nhasi kuita kuda kwake. Kana fundo yangotangwa bedzi, kuregererei kupa mudzidzi wacho kopi? Kubvira pakutanga pamene, ramba uchikokera mudzidzi wacho kumisangano. Tsanangura kuti inoitiswa sei. Ungagona kumuudza musoro wehurukuro yavose iri kuuya kana kuti kumuratidza nyaya ichakurukurwa muFundo yeNharireyomurindi. Zvichida ungaenda naye kundoona Horo yoUmambo apo kunenge kusina musangano uri kuitwa kuti abvise rutyo rupi norupi rwaangave narwo pamusoro pokuenda kunzvimbo itsva kwenguva yokutanga. Ungakwanisa kugovera chokufambisa kuenda kumisangano. Apo anopinda, ita kuti anzwe achigamuchirwa uye akasununguka. (Mat. 7:12) Musume kuzvimwe Zvapupu, kubatanidza vakuru. Tinovimba kuti, achavamba kurangarira ungano semhuri yake yomudzimu. (Mat. 12:49, 50; Marko 10:29, 30) Ungamugadzira nharidzano, yakadai sokupinda musangano mumwe vhiki imwe neimwe, uye kuwedzera nharidzano yacho zvishoma nezvishoma.—VaH. 10:24, 25.
16 Sezvo fundo yacho yeBhaibheri yepamusha inopfuurira mubhuku raZivo, simbisa zvikamu zvinosimbisa kudikanwa kwesonganiro yenguva dzose neungano pamisangano. Cherekedza zvikurukuru mapeji 52, 115, 137-9, 159, pamwe chete neganhuro 17. Ratidzira kunzwa kukuru kwako umene kwokuonga sangano raJehovha. (Mat. 24:45-47) Taura zvakanaka pamusoro peungano yomunzvimbomo uye pamusoro pezvaunodzidza pamisangano. (Pis. 84:10; 133:1-3) Kwaizova kwakanaka kudai mudzidzi wacho aigona kuona imwe neimwe yemavhidhiyo eSosaiti, kuvamba neJehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Nokuda kwemimwe mifungo pamusoro penzira yokunangidzira nayo fariro kusangano, ona Nharireyomurindi, yaMarch 15, 1985, mapeji 14-18, uye wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1993.
17 Kurudzira Vadzidzi Kupupura Kuvamwe: Nharidzano yedu mukufunda navanhu ndeyokuita vadzidzi avo vanopupurira Jehovha. (Isa. 43:10-12) Ikoko kunoreva kuti mudzidzisi anofanira kukurudzira mudzidzi kutaura kuvamwe pamusoro pezvaari kudzidza muBhaibheri. Ikoku kunogona kuitwa zvakapfava sokubvunza kuti: “Maizotsanangurira sei mhuri yenyu iyi zvokwadi?” kana kuti “Rugwaroi rwamaizoshandisa kubvumikisa ikoku kushamwari?” Simbisa nzvimbo dzinokosha mubhuku raZivo umo kupupura kunokurudzirwa, zvakadai sepeji 22, 93-5, 105-6, pamwe chete neganhuro 18. Apo kunenge kwakakodzera, mudzidzi wacho angapiwa maturakiti kuti ashandise mukupupura nenzira isina kurongwa kuvamwe. Karakadza kuti akoke mitezo yemhuri yake kuti ivepowo pafundo yake. Ane shamwari dzingadawo kufunda here? Mukumbire kuti akunongedzere kune avo vanofarira.
18 Kupfurikidza nokupinda Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neMusangano Webasa, mudzidzi anokarirwa anogona kugamuchira rovedzo yokuwedzera nesundo zvichamubetsera kuva muparidzi wamashoko akanaka. Apo anoratidzira kufarira kunyoresa muchikoro kana kuti kuva muparidzi asina kubhapatidzwa, nheyo dzakarongwa pamapeji 98 ne99 ebhuku raHushumiri Hwedu dzichashanda. Kana rutivi rwakati rwoupenyu hwake ruchimudzivisa kukwanirisa, unogona kutsvaka muzvinyorwa zveSosaiti mashoko anobetsera ane chokuita nenhau yacho ndokuagoverana naye. Somuenzaniso, mumwe mudzidzi angave ari kuva nechinetso chokukurira kupindwa muropa nefodya kana kuti mimwe mirimo. Bhuku raKurangarira rinoonesa zvikonzero zvakasimba zvapaMagwaro nei vaKristu vachidzivisa miitiro inokuvadza yakadaro, uye papeji 233 rinoratidza nzira yakabvumikisa kuva inobudirira mukubetsera vamwe kurega. Nyengetera naye pamusoro penhau yacho, uchimudzidzisa kuvaka kutsamira kwake pana Jehovha nokuda kwebetsero.—Jak. 4:8.
19 Muitiro unofanira kuteverwa wokusarudza kana munhu achikwanirisa kugoverana muushumuri hwapachena wakarongwa muNharireyomurindi, yaJanuary 15, 1996, peji 16, ndima 6. Apo mudzidzi anokwanirisa, kwaizova kunobetsera kuitisa rusando rwerovedzo kumugadzirira nokuda kwezuva rake rokutanga mubasa romumunda. Nomutoo wechokwadi, kurukura kuita kwavanhu nezvirambidzo zvinozivikanwa navose mundima yako. Muite kuti atange mubasa rapaimba neimba kutanga kana kuchitongobvira, uye murovedze zvishoma nezvishoma mumamwe mativi oushumiri. Kana uchiita kuti mharidzo yako irambe iri pfupi uye yakapfava, kuchava kuri nyore kuti atevedzere. Iva anovaka neanokurudzira, uchiratidzira mufaro mubasa racho, zvokuti anoona mudzimu wako ndokuuratidzira. (Mabasa 18:25) Nharidzano yomudzidzi mutsva inofanira kuva yokuva muparidzi wenguva dzose, anoshingaira wamashoko akanaka. Zvichida unogona kumubetsera kuita rudungwe runoshanda rwebasa. Kuti afambire mberi mumano ake okupupura kuvamwe, ungakarakadza kuti arave zvinyorwa zveNharireyomurindi zvaJuly 15, 1988, mapeji 9-20; January 15, 1991, mapeji 15-20; uye January 1, 1994, mapeji 20-5.
20 Nyandurira Vadzidzi Kutsauriro Norubhapatidzo: Kunofanira kuva kunobvira kuti mudzidzi ane mwoyo wakatendeseka adzidze zvakakwana kupfurikidza nefundo yebhuku raZivo zvokugona kuita tsauriro kuna Mwari ndokukwanirisa nokuda kworubhapatidzo. (Enzanisa naMabasa 8:27-39; 16:25-34.) Zvisinei, munhu asati anyandurwa kuti aite tsauriro, anofanira kukudziridza kuzvipira kuna Jehovha. (Pis. 73:25-28) Mukufambira mberi kwefundo kwose, tsvaka mikana yokuvaka kuonga mavara aJehovha. Ratidza kunzwa kwako kwomukatikati nokuda kwaMwari. Betsera mudzidzi kufunga pamusoro pokukudziridza ukama hwakanaka, hwomunhu oga naJehovha. Kana akasvika chaizvoizvo pakuziva uye kuda Mwari, ipapo achaMubatira nenzira yokutendeka, nokuti kuzvipira kuna Mwari kune chokuita nenzira yatinonzwa nayo pamusoro paJehovha somunhu.—1 Tim. 4:7, 8; ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, peji 76, ndima 11.
21 Vavarira kusvika mwoyo womudzidzi. (Pis. 119:11; Mabasa 16:14; VaR. 10:10) Anofanira kuona nzira iyo zvokwadi inomutapura nayo pachake uye kuti asarudze zvaanofanira kuita nezvaakadzidza. (VaR. 12:2) Anodavira chaizvoizvo zvokwadi inopiwa kwaari vhiki nevhiki here? (1 VaT. 2:13) Nechinangwa ichocho, unogona kuita kuti mudzidzi ataure kupfurikidza nokubvunza mibvunzo yemurangariro, yakadai sokuti: Munonzwa sei pamusoro paikoku? Munogona sei kushandisa ikoku muupenyu hwenyu? Kupfurikidza netsinhiro dzake ungacherekedza apo imwe betsero inodikanwa kusvika mwoyo wake. (Ruka 8:15; ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, peji 52, ndima 11.) Mashoko anotsanangura emifananidzo iri pamapeji 172 ne174 ebhuku raZivo ndokubvunza, kuti: “Makaita tsauriro kuna Mwari mumunyengetero here?” uye “Chii chinokudzivisai kubhapatidzwa?” Iyoyi inganyandurira mudzidzi kuchiito nenzira inobudirira.
22 Muitiro unofanira kuteverwa apo muparidzi asina kubhapatidzwa anoshuva kubhapatidzwa wakarongwa muNharireyomurindi, yaJanuary 15, 1996, peji 17, ndima 9. Bhuku raZivo rakanyorwa nechinangwa chokushongedzera munhu kupindura “Mibvunzo Yaavo Vanoshuva Kubhapatidzwa,” inowanwa muapendikisi yebhuku raHushumiri Hwedu, iyo vakuru vachahwirudzura naye. Kana wakasimbisa mhinduro dzemibvunzo yakadhindwa iri mubhuku raZivo, mudzidzi anofanira kusanoshongedzerwa nokuda kwemarusando emibvunzo anoitiswa nevakuru mukugadzirira rubhapatidzo rwake.
23 Betsera Avo Vanopedza Fundo yeBhaibheri Yepamusha: Kunofanira kukarirwa kuti panozosvika nguva apo munhu anopedza fundo yebhuku raZivo, uchokwadi hwake noukuru hwokufarira kubatira Mwari zvichave zvava pachena. (Mat. 13:23) Ndicho chikonzero nei musoro muduku wokupedzisira webhuku racho uchibvunza kuti, “Uchaitei?” Ndima dzokupedzisira dzinokumbira mudzidzi kunangidzira ngwariro paukama hwaanofanira kuva akatanga naMwari, kudikanwa kwokushandisa zivo yaakawana, uye kudikanwa kwokuita chiito nokukurumidza kuti aratidzire kuda kwake Jehovha. Hapana gadziriro yokufunda zvinyorwa zvokuwedzera naavo vanopedza bhuku raZivo. Tsanangurira mudzidzi anokundikana kudavidza kuzivo yaMwari nenzira yomutsa uye nenzira yakajeka zvaanofanira kuita kuti afambire mberi mumudzimu. Ungaramba uchiwanika panhambo nenhambo, uchisiya nzira yakamuzarukira kuti aite matanho anotungamirira kuupenyu husingaperi.—Mup. 12:13.
24 Mudzidzi mutsva uyo anogamuchira zvokwadi ndokubhapatidzwa achava nekumwe kukura kukuru kwokuita muzivo yake nenzwisiso kuti ave akatsiga zvizere mukutenda. (VaK. 2:6, 7) Panzvimbo pokupfuuridzira fundo yake yeBhaibheri yapamusha pashure pokupedza bhuku raZivo, unogona kuzviita umene anowanika kuti ugovere rubatsiro rupi norupi rwomunhu oga rwaangada kuti akure mumudzimu. (VaG. 6:10; VaH. 6:1) Kana ari iye, anogona kukwanisa nzwisiso yake kupfurikidza nokurava Bhaibheri zuva nezuva, kufunda somunhu oga Nharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zvo‘muranda akatendeka,’ kugadzirira nokupinda misangano; uye kukurukura zvokwadi nevatendi biyake. (Mat. 24:45-47; Pis. 1:2; Mabasa 2:41, 42; VaK. 1:9, 10) Kurava kwake bhuku raHushumiri Hwedu nokushandisa zvarinazvo kuchaita rutivi runokosha mukuva kwake akarongeka nenzira youbati ushe hwaMwari kuti apedze ushumiri hwake zvizere.—2 Tim. 2:2; 4:5.
25 Kudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa: Takatumwa kuti ti“ite vadzidzi vavanhu . . . , [ti]chivadzidzisa.” (Mat. 28:19, 20, NW) Sezvo unyanzvi hwokudzidzisa hwakabatana nenzira isingaparadzaniswi nekuita vadzidzi, tinoda kuvavarira kuvandudza savadzidzisi. (1 Tim. 4:16; 2 Tim. 4:2) Nokuda kwezvikarakadzo zvokuwedzera pamusoro penzira yokukudziridza nayo unyanzvi hwokudzidzisa, ungada kurava: “KuKudziridza Unyanzvi hwokuDzidzisa” uye “KuSvika Mwoyo waVatereri Vako” muBhuku rinoTungamirira reChikoro, fundo 10 ne15; “Teacher, Teaching” muna Insight, Vhoriyamu 2; uye nyaya dzeNharireyomurindi “Kuvaka Nezvinhu Zvisingatsvi” uye “Apo Unodzidzisa, Svika Mwoyo,” January 15, 1985; “Ko Iwe Unorangarira Nenzira Inobudirira muMagwaro Here?,” August 15, 1986; uye “Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Mukuita Vadzidzi,” February 15, 1996.
26 Sezvaunoedza kuita vadzidzi, uchishandisa bhuku raZivo, nguva dzose nyengetera kuti Jehovha, uyo “unomeresa,” akomborere nhamburiko dzako mukusvika mwoyo yavanhu nemashoko akanaka oUmambo. (1 VaK. 3:5-7) Wana mufaro wokudzidzisa vamwe kunzwisisa, kuonga, uye kuita chiito pamusoro pezivo inotungamirira kuupenyu husingaperi!