Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaJune: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi nokuda kwe$5,00 kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. July naAugust: Ripi neripi remabhurocha anotevera ane mapeji 32 nokuda kwe$1,50 rimwe: Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, kana kuti bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50. September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50) kana kuti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anogadzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana June 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Zivisai ungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Kero Itsva YESOSAITI: Kubvira pana June 1, 1996 tapota tumirai tsamba dzose dzeSosaiti kukero itsva inotevera: Private Bag A-6113, Avondale, Harare. Nepo mahofisi edu acharamba ari panzvimbo yawo yazvino mutaundi nokuda kwemakore anenge maviri anotevera, tichatanga kushandisa iyi kero yetsamba kubvira pana June 1, 1996.
◼ Tapota cherekedzai kuti pashure pokupedza bhuku raZivo pafundo yebhuku yeungano, tichavamba kufunda bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama.
◼ Tinokurudzira vaparidzi vose kuva nechokwadi chokupinza mishumo yavo yebasa romumunda panguva nokuda kwemwedzi mitatu yasara yegore rebasa ra1996. Vanyori veungano vanokurudzirwawo kutumira mishumo yeungano panozosvika musi wa6 wemwedzi unotevera.
◼ MUNYORI: Makatumira Mushumo wenyu weChirangaridzo kuSosaiti here? Zvinyorwa zvedu zvinoratidzira kuti ungano dzinoverengeka dzichigere kuita saizvozvo. Tapota nzverai mipakwa yenyu zvakare kuti muve nechokwadi chokuti hamuna kukanganwa kutumira uyu mushumo.
◼ Makava nechakaitika chomubasa romumunda chakatanhamara chipi nechipi here mukati menguva yeChirangaridzo kana kuti mukati menhambo yokushanda ndima isina kugoverwa? Kana makava nacho, tapota titumirei chakaitika chenyu kupfurikidza nomutariri wenyu anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira.
◼ Ruramiso: Mubhuku raZivo muShona tapota itai ruramiso inotevera papeji 36, ndima 8: Chinjai “Jeremia 2:1-8” kuva “Nehemia 2:1-8.”