Misangano Yebasa yaJune
Vhiki Inotanga naJune 3
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai pamusoro pomushumo webasa romumunda womwedzi nemwedzi wezvose zviri zviviri nyika neungano yomunzvimbomo.
15 min: “Tevedzera Kutenda Kwavo.” Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai ufakazi hwokutenda, hunofukidzwa mubhokisi riri papeji 13 muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1991. Bvunzurudzai muparidzi mumwe kana kuti vaviri kuti muwane chakavabetsera kuchengeta mubato wavo woUmambo wenguva dzose kwemakore akawanda.
20 min: “Kuparadzira Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.” (Ndima 1-3) Fukidzai ndima 1. (Batanidzai tsinhiro dzomuNharireyomurindi, yaJanuary 15, 1996, mapeji 12-13, ndima 11-12.) Tsanangurai kuti marongerwe matsva epeji yeseri yoUshumiri Hwedu hwoUmambo akaitirwa kutibetsera kugadzirira zviri nani kuita shanyo dzedzokerero. Sezvo kazhinji kazhinji kuri kwokuchenjera kuita shanyo yedzokerero mukati mezuva rimwe kana kuti maviri, panzvimbo pokumirira nguva refu zvikuru, ticharangarira mharidzo dzakakarakadzwa nokuda kwezvose zviri zviviri shanyo yapaimba neimba neshanyo yedzokerero paMusangano Webasa mumwe chetewo. Hwirudzurai nokupfupikisa ndima 2 ne3, dzichiteverwa nomuenzaniso weimwe neimwe. Dudzai kuti bhuku racho ringawanwa nokuda kwemupiro we$5,00. Mharidzo dzasara dziri munyaya yacho dzichafukidzwa paMisangano Yebasa miviri inotevera.
Rwiyo 143 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 10
7 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
8 min: Kurovedza Vana Mubasa Romumunda. Hurukuro inokurukurwa nomukuru. Kubvira pazera rapakuvamba, vana vedu vanofanira kushingaira nesu mubasa. Rovedzo neruzivo rwokuzviwanira zvavanowana zvichagovera hwaro hwakasimba hwokutenda kwavo neshingairo mumakore apashure. Kunokosha kuti vanzwisise kudikanwa kwokurangarira zvakakomba ushumiri ndokuzvibata vamene nenzira yakarurama. Vana vanofanira kudzivisa mufambiro wokusindimara; basa harisi nguva yokutamba. Kwakanakisisa kuti vashande navanhu vakura. Vanofanira kubetserwa kugoverana mukupa mharidzo mukuwirirana nemano avo. (Ona Nharireyomurindi, yaAugust 1, 1988, peji 15, ndima 20.) Vabereki vane mutoro wokugovera tarisiro; havafaniri kuendesa vana kumisangano yebasa pasina munhu mukuru kuti avatarisire. Rumbidzai vana apo vanoita zvakanaka.
10 min: “Kuparadzira Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.” (Ndima 4-5) Pashure pesumo pfupi, enzanisirai mharidzo dzeshanyo yokutanga neshanyo yedzokerero dziri mundima 4 ne5. Kurudzirai vaparidzi kutevera nokukurumidza mabhuku ose akagoverwa aZivo.
20 min: “Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo.” Itai tsinhiro pfupi dzokuzarura dzakavakirwa pandima 1-2. Fukidzai ndima 3-11 nemibvunzo nemhinduro. Tsanangurai kuti rutivi rwasara rwewedzero yacho rucharangarirwa paMisangano Yebasa muna July naAugust. Kurudzirai vose kuichengeta.
Rwiyo 92 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 17
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Bhokisi Remibvunzo.
15 min: “Kurukurirano Dzoushamwari Dzinogona Kusvika Mwoyo.” Mibvunzo Nemhinduro. Kumbirai muparidzi mumwe kana kuti vaviri kuti varondedzere zvakaitika zvinokurudzira zvinoratidza kuti vakawana sei davidzo yakanaka nokusvika kwoushamwari.
20 min: “Kuparadzira Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.” (Ndima 6-7) Simbisai nharidzano mukuita shanyo yedzokerero: Sakurira fariro, tanga fundo, ita gadziriro chaidzo dzokudzoka. Pashure pokuhwirudzura nokupfupikisa mharidzo dziri mundima 6 ne7, itai kuti imwe neimwe ienzanisirwe, muchiratidza nzira yokutanga nayo fundo. Ravai ndima 17 iri papeji 14 muNharireyomurindi, yaJanuary 15, 1996.
Rwiyo 211 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 24
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ratidzai gadziriro chaidzo dzebasa romumunda nokuda kwaJuly 4.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. (Kana kuti ipai hurukuro painoti “Unonatsa Kururamisa Shoko Razvokwadi,” yakavakirwa paNharireyomurindi, yaJanuary 1, 1996, mapeji 29-31.)
20 min: “Vabetsere Kubatira Zvakare.” Hurukuro nekurukurirano inoitwa nomukuru. Karakadzai kushandisa nyaya yeNharireyomurindi, yaAugust 1, 1992 inoti “Dzokerai Kwandiri, Uye Ndichadzokera Kwamuri” kukurudzira vasingachaiti basa. Dudzai mamwe amapfundo makuru.
Rwiyo 71 nomunyengetero wokugumisa.