RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/95 p. 2
  • Misangano Yebasa yaDecember

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaDecember
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naDecember 4
  • Vhiki Inotanga naDecember 11
  • Vhiki Inotanga naDecember 18
  • Vhiki Inotanga naDecember 25
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 12/95 p. 2

Misangano Yebasa yaDecember

Vhiki Inotanga naDecember 4

Rwiyo 181

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Rumbidza Jehovha Zuva Nezuva.” Mibvunzo nemhinduro. Itai kuti ndima dziraviwe. Itai kuti muparidzi mumwe kana kuti vaviri varondedzere zvakaitika zvinokurudzira zvakafarikanywa pakupupura kusina kurongwa.

20 min: “Kugovera Bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.” Rumbidza nenzira yembavarira kugovera bhuku idzva, zvikurukuru kuavo vakaratidzira fariro munguva yakapfuura. Hwirudzurai mharidzo dzakakarakadzwa, uye itai kuti imwe kana kuti mbiri dzaidzodzi dzienzanisirwe.

Rwiyo 224 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 11

Rwiyo 201

13 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Hwirudzurai nokupfupikisa zvikonzero zvakati nei tichifanira kuronga goverano yakazara uye ine revo mubasa romumunda. Panzvimbo pokuzviganhurira timene kuawa imwe kana kuti kupfuura apo tinobuda, kuregererei kuronga kugara kwamaawa maviri kana kuti anopfuura kana zvichibvira? Kubudirira kazhinji kazhinji kunotsamira pakuronga shanyo dzedzokerero pachine nguva mberi uye kuronga kushanda nevamwe avo vanoronga kugara kwamaawa maviri kana kuti kupfuura.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti hurukuro yakavakirwa panyaya inoti “Tuso Dzokupfuurira,” inobva muNharireyomurindi yaAugust 1, 1995, mapeji 25-9.

17 min: “Gadzirira uye Farikanya Misangano yeUngano.” Hurukuro nekurukurirano. Kumbirai kuti muparidzi mumwe kana kuti vaviri varondedzere zvavanoita izvo zvinovabetsera kufarikanya misangano uye kuwana betsero yakazara mairi.

Rwiyo 28 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 18

Rwiyo 139

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Goverai zvikarakadzo zvakati pamusoro penzira yokupindura nayo nenzira yokungwarira pakutaura kwaziso dzezororo. Zivisai gadziriro dzokupupura chaikwo dzaDecember 25.

15 min: “Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuoneke.” Mibvunzo nemhinduro.

20 min: “Dzokera Kuna Avo Vakaratidza Fariro.” Hwirudzurai mharidzo dzakarakadzwa, uye ivai nemienzaniso miviri mipfupi. Kurudzirai vose kuita shanyo dzedzokerero nenharidzano yokutanga fundo mubhuku raZivo.

Rwiyo 44 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naDecember 25

Rwiyo 88

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kana nguva dzemisangano yenyu dzichizochinja pana January 1, ipai kurudziro yokuti vose vape tsigiro yakazara kupfurikidza nokuita gadziridzo dzipi nedzipi dzinodikanwa. (Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 1994, peji 2.) Zivisai gadziriro dzokupupura chaikwo dzaJanuary 1.

15 min: “Mibato Yechikoro Yapashure Pechikoro—Ndoupi Uri Murangariro Wakafanira?” Vakuru vaviri vomuenzaniso vanokurukura mashoko acho. Simbisai mapfundo anobva kubhurocha raSchool. Batanidzai kubvunzurudza mwana wechikoro uyo nenzira inobudirira akadzivisa kutora rutivi mumutambo wamakwikwi kuchikoro. Iye akakuita sei? Vadzidzisi vakasvikwa here? Vabereki vake vakabetsera sei? Ndezvipi zvikomborero zvakawanwa nemhaka yeichi chiito?

25 min: “Kuita Kuti Chiedza Chedu Chipenye Nguva Dzose.” Mukuru anoita urwu rutivi achavakira sumo yake yeminiti imwe kusvikira kumbiri pandima 1-5. Ndima 6-16 dzichafukidzwa kupfurikidza nemibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 6-9, 15, uye 16. Ndima 17-19 dzingava hwaro hwemhedziso pfupi. Inoitiswa nomutariri webasa kana zvichibvira.

Rwiyo 3 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe