Chengeta Murangariro Wako Wakanangidzirwa Pazvinhu Zviri Kudenga
1 Ichitsinhira pamusoro pechizvarwa icho chakatipoteredza uye murangariro wacho wenguva yemberi, nyaya yemuThe New York Times yaDecember 31, 1994, yakati: “Ivo vari kutya nguva yemberi. Ivo vanoitya mune zvemabasa, mune zvezvirwere, mune zvemari, mune zvinoitika zvenyika.” Kuri kwose kwatinotarira, pane kunzwa kwokusagadzikana pamusoro poupenyu. Ushumiri hwedu seZvapupu zvaJehovha hunotipinza mukukurukura zuva nezuva navanhu vanonzwa neiyi nzira. Nepo tichitarisana nezvinetso zvimwe chetezvo sezvavanoita, kutenda kwedu nechivimbo muzvipikirwa zvechokwadi zveShoko raMwari zvinotigonesa kuva nomurangariro wakasiyana zvikuru paupenyu uye nguva yemberi yorudzi rwomunhu.—Isa. 65:13, 14, 17.
2 Kuva kwedu nechivimbo nomurangariro zvetariro yechokwadi kunoparira vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka kuteerera kushoko ratinovaunzira. Vanhu vamwe navamwe vakawanda avo vanonzwa vakaora mwoyo uye vapera mwoyo vanokuwana kuchinyaradza kutaura nesu. Nemhaka yokuti vanoda zvavanonzwa, vamwe vanobvuma kufunda Bhaibheri nesu. Padzimwe nguva, zvisinei, vanhu pakutanga vangada kusazviremedza vamene nezvinetso zvavo zvomunhu oga. Nepo nguva yakati ingagona kupedzerwa mukuteerera kufunganyo dzomumwe munhu oga, hatifaniri kusarasikirwa nechiono chechinangwa chedu, icho chiri chokudzidzisa vanhu zvokwadi dzakananga dzeShoko raMwari.
3 Tinoda kuva vanonzwira tsitsi avo vakaremedzwa. Jesu akagadza muenzaniso apo iye akati, sezvakanyorwa pana Mateo 11:28: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa.” Tinoda kukurudzira vanhu nomutoo wakafanana. Cherekedza, zvisinei, pamhedziso yendima 28, Jesu akati: “Ini ndichakuzorodzai.” Ichocho ndicho chinofanira kuva chinangwa chedu. Tinoita kudaro kupfurikidza nokugovera zvipikirwa zvinozorodza zvinobva muShoko raMwari. Kuva muteereri akanaka kunoratidzira fariro yedu yomunhu oga uye kuitira hanya uye kunokosha kukuita basa redu rokuparidza mashoko akanaka oUmambo, kuchibetsera vamwe kuziva kuti Umambo ndihwo mushonga bedzi wezvinetso zvose zvorudzi rwomunhu.—Mat. 24:14.
4 Basa redu harisi riya renyanzvi dzokutarisira utano ravanachiremba. Panzvimbo pakwo, zvakaita seizvo muapostora Pauro akatsanangura, sezvakanyorwa pana 1 Timotio 4:6, ushumiri hunonangidzira ngwariro pa“dzidziso yakanaka,” dzidziso dzinowanwa muShoko raMwari. Avo vane zvinetso zvomunhu oga kana kuti zvomurangariro vangada kukurudzirwa kutsamira pana Jehovha. Vadzidzisei kuchengeta ku“funga zviri kumusoro”—zvinhu zvinowirirana netariro yoUmambo. (VaK. 3:2) Apo vanhu vanochengeta ngwariro yavo yakanangidzirwa paShoko raMwari, ivo vanogona kuvakwa somugumisiro wepesvedzero ine simba yainoshandisa muupenyu hwavo.—VaH. 4:12.
5 Naizvozvo chinangwa chedu ndechokubetsera vanhu kupa ngwariro kukufunga kwavo pazvinhu ‘zvakarurama, zvakachena, zvinodikanwa, uye zvinorumbidzwa.’ (VaF. 4:8) Kana vakanangidzira ngwariro yavo patariro yoUmambo, ivo vachakomborerwa munzira yakafanana neyedu. Ivowo vachawana mufaro unouya nezivo yokuti Jehovha achagadzikisa zvinetso zvavo zvose pakupedzisira kupfurikidza noUmambo hwake.—Pis. 145:16.