RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/95 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 11/95 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achashandiswa mukati maNovember: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$5,00. Kana musina iri bhuku mudura, mungagovera bhuku raRugare Rwechokwadi Nechengeteko—Ungaruwana Sei? nokuda kwe$5,00. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Nhamburiko chaiyo ichaitwa kutevera zvinogoverwa zvose, nomurangariro wokutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. January: Rugare Rwechokwadi Nechengeteko—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose kana kuti bhuku ripi neripi ramapeji 192 rakabudiswa 1982 asati asvika. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! richagoverwa. CHEREKEDZAI: Ungano dzisati dzaodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita kudaro paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14).

◼ Ungano dzingatumira maodha eYearbook ya1996. Iwaya achawanika muchiNgezi uye Zulu. Munoyeuchidzwa kuti izvi Zvinhu Chaizvo Zvinodzorwa uye hazvifaniri kuchengetwa. Mapiyona angawana kopi imwe pachena. Ungano dzinofanira kukumbira chikwereti nokuda kweaya makopi apachena pafomu radzo romwedzi nomwedzi reMari Inotumirwa (S-20).

◼ MUTARIRI ANOTUNGAMIRIRA: Kana ungano yenyu ine pepa rine kero yayo imene tapota cherekedzai kuti kero iri pariri inofanira kuva yomutariri anotungamirira sezvo tsamba dzose dzichifanira kutumirwa kumutariri anotungamirira, kwete munyori.

◼ Gadziridzo: Papeji 128, ndima 21, mutsetse 5 webhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi muShona, chinjai “mwana achangobva kunambwa” kuti “mwana asati aberekwa . . .”

◼ Mazororo echikoro pashure petemu yechitatu anovamba pana December 8 1995. Wati waronga kupedza kwauchaita zororo rako here? Tinokurudzira vadzidzi vose vakabhapatidzwa kurangarira chaizvoizvo bviro yokunyoresa samapiyona ebetsero mukati meiyi nhambo.

◼ Vamwe vaparidzi vakabvunza nzira iyo fundo neshanyo dzedzokerero zvinofanira kushumwa muzviitiko apo fundo inoitiswa neunopfuura mutezo mumwe wemhuri. Pasinei hapo nokuti mitezo mingani yemhuri inokumbanira fundo yeBhaibheri, dzokerero imwe chete bedzi inofanira kushumwa apo inenge yaitiswa. Pakupera kwomwedzi, fundo imwe bedzi inofanira kushumwa. Zvisinei, kana nokuda kwechikonzero chakati mitezo yemhuri isingagoni kufundira pamwe chete, ipapo fundo imwe neimwe inoitiswa inofanira kushumwa zvakasiyana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe