RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/95 p. 2
  • Misangano Yebasa yaNovember

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaNovember
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naNovember 6
  • Vhiki Inotanga naNovember 13
  • Vhiki Inotanga naNovember 20
  • Vhiki Inotanga naNovember 27
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 11/95 p. 2

Misangano Yebasa yaNovember

Vhiki Inotanga naNovember 6

Rwiyo 6

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Bhuku Idzva Rinosimbisa Kuziva Mwari.” Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro. Kurudzirai vose kuva vakarovedzana zvizere nezviri mubhuku kuitira kuti vagogona kurishandisa zvakanaka mumunda.

20 min: “Rugwaro Rwose Runobetsera Pakudzidzisa.” Simbisai uchenjeri hunoshanda hweBhaibheri uye shoko raro rine simba. Ratidzira nzira iyo bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? richaumba nayo chivimbo muShoko raMwari. Itai kuti mharidzo mbiri dzienzanisirwe.

Rwiyo 2 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 13

Rwiyo 33

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Hwirudzurai gadziriro dzebasa romumunda mukati mokupera kwevhiki.

15 min: “Kokorodzano Yoruwa Inoita Kudana Kunonyandura!—Rumbidzai Jehovha Nomufaro Zuva Nezuva!” Mibvunzo nemhinduro.

20 min: “Zvibate Nomutoo Wakafanira Mashoko Akanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Itai tsinhiro dzokuwedzera dzakavakirwa paNharireyomurindi yaJune 15, 1989, mapeji 16-17, ndima 5-9.

Rwiyo 23 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 20

Rwiyo 64

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: “Zvapupu zvaJehovha Nedzidzo.” Mukuru, achishandisa zvinonyorwa zvakatorwa pahurukuro yepakokorodzano, anokurukura navateereri mativi ebhurocha idzva. Iva nomuenzaniso wakasanogadzirirwa unoratidza nzira iyo mubereki aizotaura nayo nomudzidzisi kana kuti mukuru wechikoro ndokugovera bhurocha. Kurudzirai avo vane vana vari muchikoro kugovera bhurocha racho sezvakanongedzerwa nehurukuro yepakokorodzano kana vasati vatoita kudaro.

20 min: “Betsera Vamwe Kunzwisisa Ukoshi hweBhaibheri.” Mukuru anokurukura nevaparidzi vaviri kana kuti vatatu chikonzero nei tichifanira kuita shanyo dzedzokerero nechinangwa chokutanga fundo dzeBhaibheri. Hwirudzurai uye ipapo enzanisirayi mharidzo dzakakarakadzwa nokuda kweshanyo dzedzokerero, somurusando rwerovedzo.

Rwiyo 8 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 27

Rwiyo 96

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: “Chengeta Murangariro Wako Wakanangidzirwa Pazvinhu Zviri Kudenga.” Mibvunzo nemhinduro.

20 min: Kugovera Bhuku Idzva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, mukati maDecember. Hwirudzurai mativi anofadza ebhuku racho—misoro yemaganhuro inonyandura uye mifananidzo inofadza pamwe chete nokupfava kwakaita tsananguro dzacho, uduku, uye kushandiswa kwounyanzvi kwemibvunzo. Sarudza mapfundo okutaura mashomanene ayo angafadza vanhu mundima yomunzvimbomo. Bhuku raZivo rakagadzirwa nomutoo wakasiyana nokuda kwokuitisa fundo dzinofambira mberi dzeBhaibheri, uye nhamburiko chaiyo inofanira kuitwa kutevera zvinogoverwa zvose, nomurangariro wokutanga fundo dzeBhaibheri. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo imwe kana kuti mbiri pfupi. Kurudzirai vose kushandisa zvakanaka iri bhuku idzva mumunda, kutangira muna December.

Rwiyo 78 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe