Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aMay 1 kusvikira kuna August 21, 1995. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Kunamata Mwari inhau yomunhu oga uye hakutsamiri munzira ipi neipi paukama hwedu navamwe. (1 Joh. 4:20) [uw-CA peji 134 ndima 7]
2. Zano romutumbi unodzora kuvaKristu vaVamarudzi rokuti varege kunamata zvifananidzo, ropa, uye ufeve rakanga rakavakirwa paMutemo waMosesi. (Mabasa 15:28, 29) [uw-CA peji 149 ndima 8]
3. Pamavambo, Mutemo waMosesi waifanira kusunga parudzi rwose rwomunhu. (Pis. 147:19, 20) [uw-CA peji 147 ndima 5]
4. Chinokosha kukupa zano kunobudirira kuremekedza kwakafanira mumwe munhu namaruramiro ake okubatwa nomutoo unechiremera, wokuitira hanya. [w94-CA 2/1 peji 27]
5. Mashoko aSoromoni ari pana Muparidzi 3:1, 2 anongonongedzera zvawo kunduramo inopfuurira norufu uye kwete kufanotemerwa mugumo kwomunhu oga. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 10/15 peji 5.]
6. Hakuna manyuko enyika angaenzana nezano rakanaka iro Bhaibheri rinopa panhau dzemhuri. [uw-CA peji 144, ndima 11]
7. Vanhu vasina chimiro chendangariro chamakwikwi vanofadza kuva navo. [w94-CA 3/1 peji 5]
8. Vabereki vanobvumidza vana vavo kuona chipi kana chipi chingava chiri muterevhizheni vari, chaizvoizvo, kuvaregerera. (Zvir. 29:15) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 8/1 peji 12 ndima 8.]
9. Apo zvinetso zvinomuka muroorano, muKristu wechokwadi haasati achizoshandisa nenzira youdyire zvikanganiso zvomukwanyina wake sepembedzo yokuregeredza basa rake amene. [uw-CA mapeji 140-1 ndima 4, 5]
10. Nemhaka yekuti tinotarisana nezvinetso, hakubviri kuchengeta mufaro wedu mukuita kuda kwaMwari. [w94-CA 3/1 peji 30]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Ndeipi nheyo huru yaEks. 20:7? [uw-CA peji 152]
12. Zvibvumikisoi zvitatu zvinopwisa zvinonongedzera kukunyorwa kwoumwari kweBhaibheri? [w94-CA 5/1 peji 5]
13. Sezvarondedzerwa pana Isaya 14:4, 12-14, chimiro chaani chendangariro chakaratidzirwa namambo weBhabhironi? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85-CA 3/15 peji 16 ndima 2.]
14. Maererano naEksodho 19:10, 11, Jehovha anodei kuvanamati vake? [uw-CA peji 152]
15. Ndiani murindi womuzuva razvino uno, uye iye ari kuzivisei? (Isa. 21:8, 12) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 3/1 peji 12 ndima 10.]
16. Nemhaka yei Muparidzi 12:12 ichipa murangariro wakaipa kudaro wemabhuku? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 9/15 peji 25.]
17. Ndeipi iri revo yeshoko rechiGiriki rokuti bi·bliʹa umo shoko rokuti “Bhaibheri” rinotorwa, uye nei rakakodzera? [w94-CA 5/15 peji 4]
18. Pauro akarevei apo akakurudzira vaKorinte ku“kurisw[a]”? (2 VaK. 6:13) [uw-CA peji 137 ndima 14]
19. Rudo “rwakasimba sorufu” sei? (Rwiyo 8:6, 7) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona 87-CA 11/15 peji 25.]
20. Ndedzipi dziri dzimwe dzengozi dzatinofanira kuramba tichidzivisa kuti tidzivise kuparadzwa kwokutenda kwedu? [w94-CA 2/15 mapeji 23-5]
Govera shoko kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kupedza kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
21. Kunyange zvazvo tisiri muMutemo waMosesi, tinobetserwa nezivo yakarurama ye․․․․․․․․ pawakavakirwa nemienzaniso ye․․․․․․․․ iyo unawo. [uw-CA peji 153 ndima 14]
22. Mutemo uri pana Eksodho 20:4-6 unorambidza ․․․․․․․․, uye rugwaro rwacho rwumene rwunoratidzira kuti mutemo uyu wakavakirwa panheyo yokuti Jehovha anorayira ․․․․․․․․. [uw-CA peji 152]
23. Nheyo iri pana Dheuteronomio 7:1-4 inoratidza zvakajeka kuti mubatiri waMwari haafaniri kuita mubatanidzwa we․․․․․․․․ nomumwe munhu asiri kubatira ․․․․․․․․. [uw-CA peji 152]
24. PaRwiyo rwaSoromoni 2:1-3, kutaura kwokufananidzira kunoshandiswa kunoratidzira kuzvininipisa kwomu․․․․․․․․ uye kuva nomwero, pamwe chete namavara uye mano anofadza e․․․․․․․․ wake anodiwa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 11/15 peji 24.]
25. Vabatiri vakatendeka vaJehovha vanoramba muitiro wokubvunza ․․․․․․․․ nokuda kwa․․․․․․․․, sezvo kurukurirano dzakadaro dziri chaizvoizvo na․․․․․․․․. (Isa. 8:19) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 3/15 peji 20 ndima 11.]
Sarudza mhinduro yakarurama mukumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
26. Maererano naZvirevo 26:20, 21, kana tiri (vanokurumidza kupindura; vakananga mukutaura; vanyoro), panzvimbo ‘pokuwedzera huni kumwoto’ uye kutsamwisa vamwe, tichava (nezvinetso zvomunhu oga; kurukurirano yakashata; ukama hwakanaka) navo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 10/15 peji 13 ndima 16.]
27. Maererano naZvirevo 27:6, munhu anokuda haa(sati achizotaura chinhu chipi nechipi chinokuvadza mirangariro yako; kutya kukuudza chokwadi pamusoro pako umene; kukupa zano apo unenge uchirida). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 9/15 peji 28.]
28. Ufakazi hwokuti Soromoni akanga ari munyori waMuparidzi hunogona kuonekwa mukuti (zita rake rinooneka mubhuku racho rose; vanyori vemamwe mabhuku eBhaibheri vanomududza semunyori waro; bhuku racho rimene rinosimbisa Soromoni somunyori risingamududzi). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w80 3/1 peji 25.]
29. Vanhu vanofunga kuti murangariro wokusatonga, wamadiro wanhasi wakanaka vari chaizvoizvo (vasingakuvadzi; vanongoshivira havo; vari murima romudzimu). (Isa. 5:20) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 3/1 peji 11.]
30. Rwiyo rwaSoromoni rwunosimbisa (Basa raSoromoni samambo; upfumi hukuru hwaSoromoni; kutendeka kwomusikana wokumaruwa kumukomana mufudzi). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w87-CA 11/15 peji 24.]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Zvir. 22:3; Mup. 7:21, 22; Isa. 13:19, 20; Mat. 5:23, 24; VaK. 3:18-20, 23, 24
31. Kunyange zvazvo Jehovha asingaerekane adzivirira vanhu vake patsaona, kurwisana kwevagari venyika, kana kuti pautsotsi, kushandiswa kwouchenjeri hunoshanda hwakavakirwa paBhaibheri kunogona kuva kwoukoshi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 1/1 peji 17 ndima 23.]
32. Kune chikonzero chakanaka chokusatongopokana nekuzadzikwa kwouporofita hwakafuridzirwa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 5/15 peji 6.]
33. MuKristu wechokwadi achatora nhanho yokutanga kusimudzira ukama hworugare nehama dzake. [uw-CA peji 135 ndima 10]
34. Fambiro mberi muukama hwemhuri inouya, kwete kupfurikidza nomumwe nomumwe anomirira mumwe munhu kuti aite chimwe chinhu, asi kupfurikidza nomumwe nomumwe anoita rutivi rwake amene zvakanaka, nokudaro achiratidza kuti iye somunhu oga anoshandisa kuzvipira kwoumwari pamusha. [uw-CA peji 143 ndima 10]
35. Usakarira nenzira isiri yechokwadi kukwana kwako umene kana kuti kweukama hwako nevamwe vanhu vasina kukwana. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 3/1 peji 8.]