Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maAugust naSeptember: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano (chinyorwa chiduku) nokuda kwe$7,50 kana kuti bhurocha ripi neripi (kunze kwebhurocha raSchool) nokuda kwe$1,50. Nhamburiko dzinofanira kuitwa kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. October: Kuzvinyoresa kweMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 pagore kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! i$12,50 pagore rimwe uye hapana kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.) November: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$5,00. Kana musina iri bhuku mudura, mungagovera bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? nokuda kwe$5,00. CHEREKEDZAI: Ungano dzichigere kuodha zvinhu zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita saizvozvo paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.
◼ Zvikoro zvinovharwa pana August 9 uye zvinovhurwazve pana September 12. Pwere dzakabhapatidzwa dzinokurudzirwa kurangarira kuita upiyona hwebetsero mukati meiyi nhambo.
◼ August 11 ne12 achave mazororo enyika. Mutariri webasa anofanira kuronga nokuda kwebasa romumunda paaya mazuva maviri.
◼ Sosaiti misi ichangobva kupfuura iyi yakaderedza mitengo yamabhuku kuitira kuti iwedzere kutengwa. Vatariri vanofambira vanoshuma kuti vamwe havasi kushandisa zvakanakisisa iyi gadziriro. Unotakura mabhuku nguva imwe neimwe yaunobuda mubasa here? Ngatishandisei zvakanakisisa mabhuku muushumiri hwedu.
◼ Munyori achaunganidza mishumo yebasa nokuda kwokupinza pafomu Rokunzveresa Mishumo Yeungano (S-10). Iye nenzira yokungwarira acharayiridzawo mukuru kana kuti mubatiri anoshumira upi noupi uyo angave achimubatsira kuunganidza mushumo wacho. Fomu Rokunzveresa Mishumo Yeungano rinofanira kuzadzwa zvakarurama uye rinofanira kunzverwa nokungwarira nedare rebasa.
◼ Ungano imwe neimwe ichagamuchira mafomu matatu oRudungwe Rwokuverengwa Kwamabhuku (S-18). Munyori anofanira kusangana nomubatiri wemabhuku pakuvamba muna August kuti vasarudze musi wokuverenga mabhuku ari mudura pakupera kwomwedzi. Kuverenga chaiko kunofanira kuitwa kwamabhuku ose ari mudura uye hwerengedzo dzinofanira kuiswa pafomu roRudungwe Rwokuverengwa Kwamabhuku. Hwerengedzo yemagazini aripo inogona kuwanwa kumubatiri wamagazini. Tapota tumirai rokutanga kuSosaiti pasati pari pashure paSeptember 6. Chengetai kopi yecarbon nokuda kwemafaira enyu. Kopi yechitatu ingashandiswa seyokushandisa. Fomu rendaza rinofanira kutarisirwa nomunyori uye fomu rapedzwa kunzverwa nomutariri anotungamirira. Munyori nomutariri anotungamirira vachasaina fomu racho.
◼ Uno ndiwo mwedzi wokupedzisira wegore rebasa ra1995. Kana vaparidzi vose vakapinda mubasa romumunda uye ipapo VAKASHUMA mubato wavo panguva, tinovimba tichava nenhamba yapamusoro yavaparidzi munyika gore rino. Tose zvedu, naizvozvo, ngativei vanoziva ikoku mukati momwedzi wokupedzisira wegore rebasa. Munyori anofanira kutumira mushumo weungano pasati pari pashure paSeptember 6. Mutariri anotungamirira anofanira kunzvera pachake kuona kuti ikoku kwaitwa.
◼ Vaparidzi vanoronga kuvamba basa roupiyona hwenguva dzose pana September 1, 1995 vanofanira kuisa kumbiriso dzavo pasina kunonoka.
◼ Ungano dzinofanira kuvamba kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya1996 uye Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva ra1996 neodha yadzo yemabhuku yaSeptember. Makarenda achawanika muChichewa, chiNgezi, Shona uye Zulu.