RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/95 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJuly

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJuly
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJuly 3
  • Vhiki Inotanga naJuly 10
  • Vhiki Inotanga naJuly 17
  • Vhiki Inotanga naJuly 24
  • Vhiki Inotanga naJuly 31
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 7/95 p. 2

Misangano Yebasa yaJuly

Vhiki Inotanga naJuly 3

Rwiyo 194

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

17 min: “Murinde.” Mibvunzo nemhinduro.

18 min: “Shandisa Mhatsa yamaBhurocha muUshumiri Hwako.” Kurukurai navateereri mharidzo dzakakarakadzwa. Itai tsinhiro pfupi pamusoro pemativi anofadza emabhurocha. Ivai nemienzaniso miviri kana kuti mitatu mipfupi inoratidzira kuti anogona kugoverwa sei.

Rwiyo 213 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 10

Rwiyo 110

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

15 min: “Zviyeuchidzo zvaJehovha Zviri Kutinyandura Mumudzimu Here?” Mibvunzo nemhinduro.

20 min: Kuita Mikana Yokupupura. Mukati memwedzi yekokorodzano, vakawanda vedu tine mukana wokufamba mukuwirirana nekokorodzano uye mazororo, uye mikana yakaisvonaka yokupupura kwamasanga inomuka. Uchishandisa Bhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 81-3, ndima 11-16, hwirudzura zvikarakadzo zvokuti ungatanga sei kurukurirano navausingazivi. Ratidza kuti gadziriro yapachine nguva mberi inobetsera sei kuwana migumisiro iri nani. Itai kuti vaparidzi vatatu vakasiyana vaenzanisire nokupfupikisa nzira yokutanga nayo kurukurirano nomudiri wepeturu, mufambi ari muchifambiso chavose, uye munhu akamira mumutsetse pasupamaketi. Yeuchidzai vaparidzi kuchengeta chinyorwa chaavo vanoratidza fariro uye kuronga kuti mumwe munhu avasvike gare gare.

Rwiyo 154 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 17

Rwiyo 192

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

20 min: “Ita Shanyo Dzedzokerero Kwose Kwakagoverwa Mabhurocha.” Hama yakagoverwa urwu rwutivi ichakurukura nevamwe vaparidzi vatatu chikonzero nei kwakakosha kutevera fariro yose pane zvakagoverwa. Ivo vanohwirudzura mharidzo dzakakarakadzwa uye vanoenzanisira kuno mumwe nomumwe nzira yadzinogona kushandiswa nayo.

15 min: Kuitisa Fundo yeBhaibheri Yapamusha. Hurukuro inopiwa nomukuru anoitisa fundo dzeBhaibheri dzinofambira mberi. Kurudzirai nhamburiko huru yokutanga fundo dzeBhaibheri. Hwirudzurai zvikarakadzo zvinopiwa muna Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 89-91. Mungabatanidza zvakaitika zvipfupi zvomunzvimbomo.

Rwiyo 164 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 24

Rwiyo 126

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu.”

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti ipai hurukuro inoti “Kuratidza Rudo RwechiKristu Kuvakura,” yakavakirwa paNharireyomurindi, yaAugust 1, 1994, mapeji 27-30.

20 min: “Kokorodzano Yoruwa ya‘Varumbidzi Vanofara’ ya 1995—Rutivi 1. Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro kwendima 1-16.

Rwiyo 169 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJuly 31

Rwiyo 136

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe.

15 min: “Iva Anovaka.” Kurukurirano nehurukuro inopiwa nomukuru.

20 min: “Kokorodzano Yoruwa ya‘Varumbidzi Vanofara’ ya 1995”—Rutivi 2. Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro kwendima 17-29. Hwirudzurai “Zviyeuchidzo zveKokorodzano Yoruwa.” Sezvo Sosaiti iri kuedza kubva pakutsamira pane zvokudya kufukidza ndyiko dzekokorodzano, tichatsamira zvikuru pamipiro inoitwa neungano navanhu vamwe navamwe kuti vasvike ndyiko yokuhaya nhandare. Kurudzirai vose kurangarira iyi nhau nenzira yokunyengetera. Munyori achachengeta ungano ichiziviswa zvinoitika sezvaanogamuchira mashoko anobva kudare rekokorodzano.

Rwiyo 179 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe