Iwewo Unogona Kufarikanya Zvinoitika Zvakanaka!
Vamwe vaparidzi nguva dzose vanoratidzika kuva vane zvinoitika zvinofadza, zvinokurudzira zvokurondedzera pamusoro peshanyo yakaisvonaka kana kuti shanyo yedzokerero yakavaunzira mufaro wakawanda. Zvinoitika zvakanaka kazhinji kazhinji hazviuyi netsaona. Zvakawanda zvikurusa mugumisiro wenhamburiko yokushingaira uye inopfuuridzirwa. Hazvina hazvo chaizvoizvo kuganhurirwa kuvaparidzi avo vanotaura zvakanaka zvikuru kana kuti vanokwanisa zvikuru.
Hezvino zvimwe zvezvinhu izvo zvakacherekedzwa muavo vane budiriro hurusa: (1) Ivo vanogoverana mubasa romumunda pahwaro hwenguva dzose, kazhinji kazhinji kanoverengeka vhiki imwe neimwe, uko kunovimbisa mikana yakawanda yokuonana navanhu vanofarira; (2) ivo vanochengeta murangariro wakanaka kuna vanasaimba, vasingagumisi pachine nguva mberi kuti havazati vachizogamuchira; (3) ivo vane ushamwari, vachiratidzira fariro youshamwari, yechokwadi muavo vanoteerera; (4) ivo vanoshingaira uye vanoramba vachidzoka pashanyo dzedzokerero pamwe chete navasiri pamusha; uye (5) vane chinangwa chokutanga fundo dzeBhaibheri.
Pashure pokunge wanzvera mubato wako, zvichida unogona kuona kuti ungagona kufarikanya sei zvakawanda zvezvinoitika izvozvo zvinofadza izvo zvinoita zvakawanda kwazvo kuita kuti ushumiri huve hunobudirira uye hunogutsa.