RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/95 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 5/95 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achashandiswa mukati maMay: Kuzvinyoresa kumagazini yeNharireyomurindi nokuda kwe$25,00 kwegore rimwe kana kuti $12,50 kwemwedzi mitanhatu. June, July uye August: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano (chinyorwa chiduku) nokuda kwe$7,50 kana kuti bhurocha ripi neripi (kunze kwebhurocha raSchool) nokuda kwe$1,50.

◼ Kana kero yomutariri anotungamirira iri kuchinjwa, tapota tumirai fomu reChinjo Yekero Yomutariri Anotungamirira (S-29) rakazadzwa kuSosaiti nokukurumidza, sezvo Ushumiri Hwedu hwoUmambo huchitumirwa kukero yomutariri anotungamirira.

◼ Makaita Zvakanaka! Hwerengedzo yenhamba yakashuma muna January yakanga iri 23 094. Ichi chiverengero chapamusoro kupfuura nguva dzose. Tinokuongai zvikuru, hama nehanzvadzi. Kana vaparidzi vose vakapfuurira kushuma panguva mumwedzi mitatu yasara yegore rebasa, tine chokwadi chokuva nechimwe chiverengero chapamusoro. Tapota rambai muchidaro!

◼ Kubvira muvhiki yechipiri muna June tichave tichishandisa bhuku raKuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze pafundo dzebhuku dzeungano. Kana usina kopi yeiri bhuku, tapota iwane nokukurumidza. Ungano dzinofanira kuodha migove inodikanwa nokukurumidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe