RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/94 p. 2
  • Misangano Yebasa yaOctober

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaOctober
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naOctober 3
  • Vhiki Inotanga naOctober 10
  • Vhiki Inotanga naOctober 17
  • Vhiki Inotanga naOctober 24
  • Vhiki Inotanga naOctober 31
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 10/94 p. 2

Misangano Yebasa yaOctober

Vhiki Inotanga naOctober 3

Rwiyo 203

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidza vose kuunza makopi avo ebhurocha raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa kuMusangano Webasa wevhiki inotevera.

17 min: “Zvino Yava Nguva.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidza tsinhiro pamusoro muduku unoti “Ronda Nharidzano Dzomudzimu” uri pamapeji 4 ne 5 oUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1993.

18 min: “Itira Hanya Magazini Mukati maOctober.” Kurukura navateereri. Iva nemienzaniso miviri yakasanogadzirirwa inoratidza nzira yokushandisa nayo magazini kutanga kurukurirano. Simbisa kukosha kwokugovera magazini pasuo riri rose nenharidzano yokutanga ndokuchengeta kwakamirirwa magazini kana kugovera kuzvinyoresa.

Rwiyo 212 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 10

Rwiyo 104

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi nokubvumwa kupi nokupi kwemipiro.

20 min: “Vabereki—Ivai Vanotsigira!” Hurukuro inokurukurwa nomukuru yakavakirwa panyaya nhatu dzokutanga muMukai! yaAugust 8, 1994. Shandisa mashoko acho kumigariro yomunzvimbomo. Nokupfupikisa bvunzurudza mubereki angave akava nechinoitika chokutaura navadzidzisi kana vakuru vakuru vechikoro. Simbisa nzira iyo vabereki vanogona kuva vanotsigira nayo vana vavo.

15 min: “Kushandisa Bhurocha Idzva Nenzira Inobudirira.” Kurukura nyaya yacho navateereri. Onesa mativi ebhurocha racho, uye ipa zvikarakadzo zvinoratidza nzira iyo rinogona kushandiswa nayo mukunyaradza vanofirwa.

Rwiyo 108 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 17

Rwiyo 194

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe.

15 min: Ngatirege Kuneta Mukuita Zviri Zvakaisvonaka. Hurukuro inokurukurwa nomukuru. Kuneta kwomudzimu kunogona kuderedza mufaro wedu neshingairo mubasa raJehovha. Hwirudzura nzira dzokumutsidzira nadzo simba redu romudzimu uchishandisa zvikarakadzo zvinopiwa muNharireyomurindi yaJuly 1, 1986, peji 19 (bhokisi). Simbisa tsigiro yomwoyo wose yemibato yeungano.

20 min: “Betsera Nenzira Yorudo Avo Vanoratidza Fariro.” Kurukura navateereri. Ronga mienzaniso miviri uchishandisa mharidzo dzakakarakadzwa. Tsanangura chinorumbidzwa pamusoro pokugovera kuzvinyoresa. Edza kugovera kuzvinyoresa pasuo riri rose. Kana saimba asingagoni kuzvinyoresa kwegore rimwe, govera kwemwedzi mitanhatu. Kana asingagoni kunyange ikoku, karakadza kuti atore makopi maviri emagazini.

Rwiyo 156 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 24

Rwiyo 141

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzura inoti “Chikoro Chebasa Roupiyona cha 1994.”

15 min: Une Odha Yenguva Dzose Here? Magazini eNharireyomurindi neMukai! iyamuro huru mukuparadzira shoko roUmambo. Tinofanira kuagovera pamukana uri wose. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 1984 (wedzero) hwakarumbidza kuti muparidzi mumwe nomumwe ave ne“odha chaiyoiyo yamagazini . . . muchiverengero chaicho chamakopi echinyorwa chimwe nechimwe.” Kana tikasadaro tingawana kuti hatina zvinyorwa zvazvino uno zvokugovera uye tinofanira kutsamira pamaturakiti kana mabhurocha. Kwaizova kwakanaka kuti mutezo mumwe nomumwe wemhuri uve neodha yawo yenguva dzose. Nyoresa odha pakaunda yemagazini. Iva nechokwadi chokutora magazini vhiki imwe neimwe. Dudza betsero dzinobva mukuva neodha yenguva dzose.

18 min: “Tanga Kutsvaka Umambo hwaMwari—Kupfurikidza Nokupa Nguva Dzose Zvibayiro Zverumbidzo.” Mibvunzo nemhinduro. Dudza dzimwe nharidzano dzinobetsera dzatingavavarira somunhu oga. Kurukura nzira dzatingakwanisa kubetsera nadzo vamwe kuita zvakawanda.

Rwiyo 171 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 31

Rwiyo 169

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Nemazororo enyika ari kuuya muna December, kurudzira vose kufunga pamusoro pokunyoresa samapiyona ebetsero. Ipa zvikarakadzo pamusoro pemawanire atingaita nguva yakaringana kukuita.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuita kuti mukuru ape hurukuro panyaya inoti “Unogona Kushandisa Shiviriro Here?” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 1994, mapeji 21-3.

18 min: Govera bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? muna November. Sezvo vanhu vazhinji vachitova neBhaibheri, tinofanira kuratidza chikonzero nei kuchikosha kurirava. Shandisa ganhuro 8 papeji 98 yebhuku racho kuratidza uzvokwadi nokururama kweBhaibheri panhau dzesayenzi. Nongedzera kundima 10 ne 11 uye ratidza manakire akaita nhungamiro inobva muMagwaro panhau dzoutano. Nongedzera kubhuku raKurangarira (peji 40, musoro muduku unoti “Chiporofita cheBhaibheri chinotsanangura revo yemigariro yenyika”), uye kurukura matangire ekurukurirano yapaMagwaro yakavakirwa pana Johane 17:3 nePisarema 37:10, 11, 29. Ronga kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire nzira iyo bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? ringagoverwa nayo mundima yomunzvimbomo.

Rwiyo 136 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe