Misangano Yebasa yaJuly
Vhiki Inotanga naJuly 4
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvinoshanda zvomuHushumiri Hwedu hwoUmambo. Dudzai misoro yemabhukwana ayo ungano inawo mudura; kurudzirai vaparidzi kuwana mugove wokushandisa mubasa. Kana ungano isina mabhukwana, karakadzai mabhurocha angashandiswa.
17 min: “Paimba Neimba Tisingaregi.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai kutaura kwokuonga kunobva muvamwe vari muvateereri avo vakatanga kuwanwa kupfurikidza nebasa rapasuo nesuo.
18 min: “Betsera Vamwe Kudzidza Zvokwadi.” Kurukurai navateereri. Rongai kuti vaparidzi vanokwanisa vaenzanisire mharidzo mbiri kana kuti nhatu dzinokarakadzwa. Simbisai betsero dzokusvika kupfupi, kwakapfava.
Rwiyo 120 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 11
7 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ravai mushumo weakaunzi pamwe chete nokubvuma kupi nokupi kwokugamuchirwa kwemipiro kunobva kuSosaiti. Ipai rumbidzo nokuda kwemipiro. (Eks. 35:29)
20 min: “1994 ‘Rutyo Rwoumwari’ Kokorodzano Yoruwa.” Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro inoitwa nomukuru yendima 1-10 dzewedzero. Rereudzirai ngwariro chaiyo ku“Zviyeuchidzo zveKokorodzano Yoruwa.”
18 min: “Vachanzwa Seiko Kutoti Tikadzoka?” Kurukurai navateereri. Enzanisirai zvikarakadzo zviri mundima 3 ne 4. Ipai tsinhiro dzokuwedzera kuratidza chikonzero nei shanyo dzedzokerero dzichifanira kuitwa nenharidzano yokutanga fundo.
Rwiyo 123 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 18
15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ratidzai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki, uye kurudzirai kutora rutivi mukugoverwa kwamagazini. Hwirudzurai “Wedzero Dzemitengo.”
8 min: Bhokisi Remibvunzo. Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro.
22 min: “Kuwana Vanofarira Kupfurikidza Nokupupurira Mumugwagwa Kunobudirira.” Mutariri webasa kana kuti mumwe mukuru anokwanisa uyo anobudirira mukupupurira mumugwagwa anokurukura nyaya yacho navaparidzi vaviri kana kuti vatatu vanewo ruzivo rwokuzviwanira mukupupurira mumugwagwa. Kurukurirano inogona kubatanidza zvakaitika zvipfupi zviviri kana kuti zvitatu. Enzanisirai kusvika namagazini azvino uno.
Rwiyo 134 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 25
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe. Enzanisirai mharidzo yezvinyorwa zvazvino uno zvamagazini. Kurudzirai vose kutora rutivi mukugoverwa kwamagazini.
15 min: “Vaduku Vanoda Muenzaniso Wakanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Bvunzurudzai vaduku mumwe kana kuti vaviri vari mienzaniso yakanaka. Vaitei kuti vatsanangure nharidzano dzomudzimu dzavakazvigadzira uye nenzira iyo nhamburiko dzavo dzakavaunzira zvikomborero zvomuraudzo.
20 min: “1994 ‘Rutyo Rwoumwari’ Kokorodzano Yoruwa.” Hurukuro nomunyori weungano pandima 11-26 dzewedzero. Batanidzai zviyeuchidzo zvokupa ngwariro kukuchengeta nzvimbo dzekokorodzano dzakachena. Musarasira marara pose pose; shandisai mabhini emarara. Rovedzai vana muna izvozvi. Uyewo kumbirai kuti vabereki vaperekedze vana vaduku kuzvimbudzi. Rovedzo mune zvoutsanana hwomunhu oga nezverucheno inofanira kuvambira kumusha, nguva refu kokorodzano isati yavamba.
Rwiyo 187 nomunyengetero wokugumisa.