Misangano Yebasa yaApril
Vhiki Rinotanga naApril 4
8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvomuHushumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidzai vose pamusoro pehurukuro chaiyo ichapiwa pana April 10, ine musoro unoti “Rudzidziso Rwechokwadi Runoita Zvinodikanwa Zvechaunga Chavanhu.” Nhamburiko chaiyo inofanira kuitwa kubatsira vanhu vatsva kupinda.
12 min: “Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Ezvokwadi.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai vateereri kutaura pamusoro pemitoo yavakashandisa kuwedzera magazini anogoverwa. Itai kuti vamwe varondedzere zvinoitika kana nguva ichibvumira.
15 min: “Govera Magazini Akanakisisa Munyika.” Kurukurai mashoko acho navateereri, muchisimbisa betsero chaidzo dzamagazini. Mukufukidza ndima 2, kumbirai muparidzi anobudirira kutsanangura nzira yokurovedzana nayo nezviri mukati nenzira yokugadzirira nayo mharidzo. Rongai mienzaniso miviri inoratidza nzira dzokugovera nadzo zvinyorwa zvaApril 1 na 15. Gumisai nokupa zvikarakadzo pamusoro penyaya dzingashandiswa mukugovera zvinyorwa zvazvino zvaMukai!
10 min: “Ropafadzo Yakaisvonaka Yebasa.” Hurukuro inokurukurwa nomukuru kana kuti mubatiri anoshumira anokwanisa, nokutora rutivi kwavateereri. Kurudzirai kutora rutivi kwakazara mubasa ramagazini mukati momwedzi.
Rwiyo 69 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Rinotanga naApril 11
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai mapfundo makuru ari muBhokisi Remibvunzo.
15 min: “Musangano Webasa Unotishongedzera nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai muenzaniso unoratidza kuti mhuri inogadzirira sei musangano wacho; simbisai ukoshi (1) hwokugadzirira pachine nguva mberi, (2) kusanopa ngwariro, uye (3) kutora rutivi.
20 min: “Batira Jehovha Pasina Chinotsausa.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro. Fukidzai ndima 1 kusvikira ku 6.
Rwiyo 90 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Rinotanga naApril 18
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ravai mushumo weakaunzi nokubvumwa kupi nokupi kwokugamuchirwa kwemipiro kubva kuSosaiti.
15 min: “Tevera Magazini Namabhurocha Zvakagoverwa.” Kurukurai navateereri. Kumbirai tsinhiro pamusoro pechikonzero nei kune kudikanwa kwokusanorovedzana nezviri mukati mamagazini nokukamuranisa nokungwarira mhinduro yomunguva yakapfuura yasaimba kuti uzive kuti kusvikai kungava kwakanakisisa. Kana nguva ichibvumidza, itai kuti vaparidzi vanokwanisa vaenzanisire mharidzo dzinokarakadzwa.
20 min: “Batira Jehovha Pasina Chinotsausa.” Wedzero. Mibvunzo nemhinduro. Fukidzai ndima 7 kusvikira ku 12.
Rwiyo 51 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Rinotanga naApril 25
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe.
15 min: Kutenda. Yakavakirwa pabhuku raKurangarira, mapeji 169-172. Kurukurirano pakati pomukuru neboka repwere. Mukuru anokurukura rondedzero yokutenda, ipapo anobvunza mibvunzo yeboka. Neiko vakawanda vasina kutenda? Ndohupi huri hwaro hwokutenda kwedu? Tinogona sei kuchengeta kutenda kwakasimba? Tinoratidzira sei kutenda kwakadaro? Mukuru anogumisa kupfurikidza nokurumbidza nokukurudzira boka.
20 min: “Rucheno Runokudza Mwari.” Mukuru anokurukura nyaya yacho navateereri. Gumisai nehurukuro pfupi inohwirudzura zano rinopiwa muNharireyomurindi, June 1, 1989, mapeji 15-20.
Rwiyo 75 nomunyengetero wokugumisa.