RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 3 pp. 10-11
  • Rufu Ruchakundwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rufu Ruchakundwa Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • RUDZIKINURO RWUNOTISUNUNGURA PARUFU
  • RUFU RUCHAKUNDWA RIINI?
  • Rufu rwaJesu Rwunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Icho Mwari Akaita Kuti Aponese Rudzi Rwomunhu
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 3 pp. 10-11
Jesu; Jesu akaturikwa padanda rekutambudzirwa ari pakati pevarume vaviri vaiita zvakaipa

Rufu Ruchakundwa Sei?

ADHAMU naEvha pavakatadza vakaita kuti vanhu vese vave nechivi uye vafe. Asi izvozvo hazvina kuchinja chinangwa chaMwari chekuti vanhu vararame nekusingaperi. MuBhaibheri mune mavhesi akawanda anoratidza kuti chinangwa chaMwari hachina kumbochinja.

  • “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”​—Pisarema 37:29.

  • “Achaparadza rufu zvachose, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvese.”​—Isaya 25:8.

  • “Muvengi wekupedzisira, rufu, achaparadzwa.”​—1 VaKorinde 15:26.

  • “Hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”​—Zvakazarurwa 21:4.

Mwari “achaparadza” sei rufu? Sezvataona, Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti ‘vakarurama vachagara panyika nekusingaperi.’ Asi rinotiwo “hapana munhu akarurama panyika anongogara achiita zvakanaka.” (Muparidzi 7:20) Saka zvinoreva here kuti Mwari acharegeredza mitemo yake kuti vanhu vanotadza vararame nekusingaperi? Aiwa hazvingamboiti nekuti ‘Mwari haarevi nhema.’ (Tito 1:2) Saka achaita sei kuti azadzise chinangwa chake chekuti vanhu vararame nekusingaperi?

MWARI “ACHAPARADZA RUFU ZVACHOSE.”​—ISAYA 25:8

RUDZIKINURO RWUNOTISUNUNGURA PARUFU

Jehovha Mwari akaita urongwa hwekuti vanhu vanunurwe parufu. Akabhadhara rudzikinuro rwaidiwa. Rudzikinuro mubhadharo wakaenzana nechinhu chinenge charaswa kana kuti chakanganiswa. Sezvo vanhu vese vari vatadzi uye vachifa, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Hapana kana mumwe chete wavo anogona kudzikinura hama yake kana kupa Mwari rudzikinuro nekuda kwake, (mutengo wekudzikinura upenyu hwavo unokosha kwazvo zvekuti havambofa vakaukwanisa).”​—Pisarema 49:7, 8.

Munhu ane chivi paanofa, anenge angobhadhara zvivi zvake chete; haakwanisi kuzvidzikinura kana kudzikinura mumwe munhu. (VaRoma 6:7) Saka paidiwa munhu asina chivi kuti ape upenyu hwake achifira zvivi zvedu.​—VaHebheru 10:1-4.

Ndizvo zvakabva zvarongwa naMwari. Akatuma Mwanakomana wake Jesu kubva kudenga, kuti aberekwe panyika semunhu asina chivi. (1 Petro 2:22) Jesu akati akauya ‘kuzopa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.’ (Mako 10:45) Akafira zvivi zvedu kuitira kuti tikwanise kuzowana upenyu husingaperi.​—Johani 3:16.

RUFU RUCHAKUNDWA RIINI?

Tiri kurarama munguva “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri” sezvakagara zvataurwa neBhaibheri. Izvi zvinoratidza kuti tava “mumazuva ekupedzisira” enyika ino yakaipa. (2 Timoti 3:1) Mazuva aya ekupedzisira achaguma ‘nezuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.’ (2 Petro 3:3, 7) Asi vanhu vanoda Mwari vachapona pachaparadzwa vakaipa uye vachapiwa “upenyu husingaperi.”​—Mateu 25:46.

Vanhu vemazera uye marudzi akasiyana-siyana

Jesu akauya kuzopa “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.”​—Mako 10:45

Kune vamwewo vakawanda vachawana mukana wekuzorarama nekusingaperi pavanomutswa. Jesu paakaenda kuguta rainzi Naini, akaona chirikadzi yakanga yafirwa nemwanakomana wayo. “Akasiririswa” nayo, ndokubva amutsa mwana wacho. (Ruka 7:11-15) Uyewo, muapostora Pauro akati: “Ndine tariro kuna Mwari . . . yekuti kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Tariro iyi inoratidza kuti Mwari anotida.​—Mabasa 24:15.

Mabhiriyoni evanhu achararama nekusingaperi. Bhaibheri rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.” (Pisarema 37:29) Panguva iyi, vachafara kuona kuzadzika kwemashoko anonyaradza akanyorwa nemuapostora Pauro makore 2 000 apfuura ekuti: “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?” (1 VaKorinde 15:55) Muvengi wedu anotyisa achange akundwa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe