Zviri Mukati
VHIKI YAFEBRUARY 4-10, 2019
VaKristu vechokwadi vane tariro yakasimba yekuti vachararama muParadhiso. Nyaya ino inotaura zvikonzero zvemuBhaibheri zvinoita kuti tive netariro iyoyo uye kuti vimbiso yakataurwa naJesu nezveParadhiso inorevei.
VHIKI YAFEBRUARY 11-17, 2019
10 Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
Nyaya ino inotsanangura zvinotaurwa neBhaibheri nezvewanano. Tingaratidza sei kuti tinokudza wanano? Uye tingashandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri nezvekurambana uye kuparadzana?
15 Nyaya Yeupenyu ‘Jehovha Akatiratidza Mutsa’
VHIKI YAFEBRUARY 18-24, 2019
19 Vechidiki, Musiki Wenyu Anoda kuti Mufare
VHIKI YAFEBRUARY 25, 2019–MARCH 3, 2019
24 Vechidiki, Munogona Kuva Neupenyu Hunogutsa
Vechidiki vane zvisarudzo zvakakura zvavanofanira kuita, semuenzaniso vanofanira kusarudza kuti nezvipi zvavanofanira kuita muupenyu. Vamwe vanogona kuvakurudzira kuti vaite dzidzo yepamusoro kana kutsvaga basa rinobhadhara. Asi Jehovha anokurudzira vechidiki kuti vamuise pekutanga muupenyu hwavo. Nyaya mbiri idzi dzicharatidza kuti kuchenjera kuteerera Mwari.