Zviri Mukati
VHIKI YAAUGUST 6-12, 2018
3 “Umambo Hwangu Hahusi Hwenyika Ino”
VHIKI YAAUGUST 13-19, 2018
8 Ngativei Vamwe Sezvakaita Jehovha naJesu
Vanhu vepanguva yaJesu vaiparadzaniswa nekusiyana kwavainge vakaita pane zvematongerwo enyika, upfumi uye madzinza avo. Munyaya mbiri idzi, tichaona kuti Kristu akadzidzisa sei vateveri vake kuti vave vakabatana uye kuti vakurire rusarura urwo runoparadzanisa vanhu. Tichaonawo kuti muenzaniso wavo uchatikurudzira sei kuti tiitewo izvozvo munyika isina kubatana.
13 Aigona Kunge Akafarirwa naMwari
VHIKI YAAUGUST 20-26, 2018
16 Hana Yako Ngaidzidziswe Nemitemo yaMwari Nechokwadi Chisingachinji
Kuti hana yedu ititungamirire zvakanaka, inofanira kudzidziswa. Jehovha akatipa mitemo nechokwadi chisingachinji kuti zvitibatsire kugadzirisa hana yedu toona zvinhu semaonero aanoita. Nyaya ino inotsanangura kuti tingashandisa sei chokwadi chisingachinji cheBhaibheri nenzira inobatsira.
VHIKI YAAUGUST 27, 2018–SEPTEMBER 2, 2018
21 “Chiedza Chenyu Ngachivheneke” Kuti Jehovha Akudzwe
Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vaite kuti chiedza chavo chipenye kuti Mwari akudzwe. Nyaya ino ine mazano ekuti tikaashandisa, achatibatsira kunyatsoita izvozvo.