Zviri Mukati
3 Vakazvipa neMwoyo Unoda—kuMadagascar
VHIKI YAFEBRUARY 26, 2018–MARCH 4, 2018
Tingaitei patinoremerwa nematambudziko eupenyu? Nyaya ino inotaura nezverugwaro rwedu rwegore rwa2018 uye inoratidza kuti nei tichifanira kupa Jehovha mukana wekuti atisimbise uye kuti anozviita sei.
VHIKI YAMARCH 5-11, 2018
12 Chirangaridzo Chinobatanidza Vanhu vaMwari
Chirangaridzo cherufu rwaKristu, icho chinoitwa gore negore, chichaitwa musi weMugovera, 31 March 2018. Tingagadzirira sei chiitiko ichi iye zvino, tichabatsirwa sei nekupinda musangano wacho, uye musangano wacho unobatsira sei pakuita kuti vanhu vaMwari vave vakabatana kwese kwese? Wana mhinduro dzacho munyaya ino.
VHIKI YAMARCH 12-18, 2018
Zvese zvatiinazvo zvinobva kuna Jehovha. Kunyange zvakadaro, anotarisira kuti tishandise mari yedu kuti titsigire basa riri kuitwa nesangano rake mazuva ano. Nyaya ino ichakurukura kuti nei tichifanira kukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha uye kuti tingazviita sei.
VHIKI YAMARCH 19-25, 2018
22 Mufaro Wechokwadi Unobva Parudo Rwakaita Sei?
VHIKI YAMARCH 26, 2018–APRIL 1, 2018
27 Ona Kusiyana Kwakaita Vanhu
Nyaya yekutanga inokurukura kuti mufaro wechokwadi unobva sei kuna Mwari ane rudo kwete parudo rwekunyepera rwatinoona ‘mumazuva ekupedzisira.’ (2 Tim. 3:1) Nyaya yechipiri inotaura kuti unhu hune vanhu vemumazuva ekupedzisira hwakanyatsosiyana sei neunhu hune vanhu vaMwari.