RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w16 August p. 30
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chaizvo Chinosvibisa Munhu?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mutemo Kristu Asati Asvika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Chii Chinosvibisa Munhu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • 5 Kuna Mwari Hapana Kusiri Kunamata, Chero Uchingoita Nemwoyo Wose—Ichokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
w16 August p. 30
MuFarisi ari kugeza maoko achitevedzera tsika yavo uye ari kudzvokora mumwe murume ava kutodya

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei kugeza maoko yakanga iri nyaya hombe kuvavengi vaJesu?

Iyi ndeimwe yenyaya dzakawanda idzo vavengi vaJesu vaimupomera uyewo dzavaipomera vadzidzi vake. Mutemo waMosesi waiva nemirayiro yakawanda yaitaura nezvekuzvichenesa panyaya dzakaita sekubuda zvinoyerera, maperembudzi, uye mabatirwo aifanira kuitwa zvitunha zvevanhu nezvemhuka. Waitaurawo zvaifanira kuitwa pakuchenesa zvinhu kana kuti vanhu. Izvi zvaigona kuitwa pachishandiswa zvibayiro, kugeza, kana kuti kusasa mvura.—Revh., chitsauko 11-15; Num., chitsauko 19.

Vanarabhi vechiJudha vaitsanangura zvakapfurikidza kanhu kese kaiva mumitemo iyi. Rimwe bhuku rinoti chinhu chese chaiita kuti munhu anzi haana kuchena “chainyatsoongororwa kuti chingazonzi chasvibisa munhu mumamiriro ezvinhu akaita sei, chinosvibisa sei uye kuti chingapararira sei kune vamwe, midziyo ipi uye zvinhu zvipi zvinogona kusvibiswa uye zvisingasvibiswi, uye chekupedzisira, kuti inzira ipi yaifanira kushandiswa pakuzvichenesa netsika dzaifanira kutevedzerwa pakuita izvozvo.”

Vavengi vaJesu vakamubvunza kuti: “Nei vadzidzi vako vasingazvibati maererano netsika yevanhu vomunguva yekare, asi vanodya zvokudya zvavo nemaoko akasviba?” (Mako 7:5) Vakanga vasiri kungotaura nezvekugeza maoko munhu asati adya. Vaiva netsika yekuti munhu anofanira kudirwa mvura mumaoko asati adya. Bhuku ratambotaura pamusoro apa rinotiwo: “Zvinotoongororwawo kuti mudziyo wakaita sei uchashandiswa pakudira, imvura yerudzii inokodzera kushandiswa, ndiani achadira mvura yacho, uye kuti maoko acho anofanira kugezwa nemvura kusvika papi.”

Jesu akaita sei patumitemo twese utwu twainge twagadzirwa nevanhu? Akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha ivavo kuti: “Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu imi vanyengeri, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni [Jehovha]. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’ Munobatisisa tsika yevanhu muchirega murayiro waMwari.”—Mako 7:6-8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe