RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 11/15 pp. 31-32
  • ‘Hapana Chinhu Chiri Pasi Pezuva Chinofanira Kukutadzisai!’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Hapana Chinhu Chiri Pasi Pezuva Chinofanira Kukutadzisai!’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • ZVAVAIITA KUTI VATAURE NEVANHU
  • KUVA NEZVISHOMA UYE KUSURUKIRWA HAZVINA KUVATADZISA KUITA BASA
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 11/15 pp. 31-32

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Hapana Chinhu Chiri Pasi Pezuva Chinofanira Kukutadzisai!”

Kushambadzirwa kweGungano Renyika Dzakawanda raMay 1931 rakaitirwa kuParis, France

NDEMUNA May mugore ra1931. Pamusuo weimba yekuimbira yePleyel muParis panozara vaeni vanobva kunyika 23. Matekisi anodzikisa vanhu vakarova mucheno pamberi peimba yacho, uye pasina nguva chikamu chikuru cheimba yacho chinozara nevanhu. Vanhu vanenge 3 000 vauya. Havana kuuya kuzonzwa mimhanzi, asi kuzoteerera Joseph F. Rutherford, uyo aitungamirira pabasa redu rekuparidza panguva iyoyo. Hurukuro dzake dzine simba dzinoturikirwa muchiFrench, muchiGerman, uye muchiPolish. Inzwi guru raHama Rutherford rinoita maungira muimba yacho.

Gungano remuParis rakaita kuti basa rekuparidza Umambo muFrance riwedzere zvikuru. Hama Rutherford vakakurudzira vateereri vaibva kunyika dzakasiyana-siyana, kunyanya vechidiki, kuti vashumire semacolporteur (mapiyona) muFrance. Mumwe wechidiki anonzi John Cooke, ainge abva kuEngland, haana kumbokanganwa kurudziro yekuti: “Hapana chinhu chiri pasi pezuva chinofanira kukutadzisai imi vechidiki kuti muite basa reucolporteur!”a

Vamwe vakawanda vakabvuma ‘kuyambukira kuMakedhoniya,’ kusanganisira John Cooke, uyo akazova mumishinari. (Mab. 16:9, 10) Nhamba yemacolporteur muFrance yakawedzera kubva pa27 muna 1930 kusvika pa104 muna 1931. Uku kwaiva kuwedzera kwakakura zvikuru mugore rimwe chete. Sezvo vakawanda vemapiyona iwayo vaisataura chiFrench, vaizotaura sei nevanhu, vaizogona sei kurarama nezvishoma uye vaizoita sei pavaisurukirwa?

ZVAVAIITA KUTI VATAURE NEVANHU

Macolporteur akabva kune dzimwe nyika aishandisa makadhi ekupupurira pakutaura nezveUmambo hwaMwari. Imwe hama yaitaura chiGerman iyo yaiparidza neushingi muParis inoti: “Taiziva kuti Mwari wedu ane simba zvikuru. Kana kuri kuti tairohwa nehana pataiita ushumiri, yaisava mhaka yekutya vanhu asi taityira kuti tingakangwanwa mashoko ekuti: ‘Voulez-vous lire cette carte, s’il vous plaît? [Mungaverengawo here kadhi iri?]’ Taiva nechokwadi chekuti basa redu raikosha zvikuru.”

Macolporteur achichovha mabhasikoro uye achityaira midhudhudhu

Macolporteur ekutanga aishandisa mabhasikoro nemidhudhudhu kuti aparadzire mashoko akanaka muFrance

Pavaiparidza mumafurati, macolporteur aiwanzodzingwa nevanhu vaichengetedza mafurati acho. Rimwe zuva, hanzvadzi mbiri dzekuEngland dzakanga dzisinganyatsogona chiFrench dzakasangana nemuchengeti wepafurati aiva nehasha uyo akabvunza kuti vaida kuona ani. Imwe hanzvadzi payaiedza kudzikamisa murume wacho yakaona kachikwangwani kaiva padhoo. Kainge kakanyorwa kuti: “Tournez le bouton [Ridza bhero].” Ichifunga kuti iri ndiro raiva zita rasaimba wacho hanzvadzi yacho yakapindura ichifara kuti: “Tauya kuzoona Mai ‘Tournez le bouton.’” Macolporteur aya aishingaira akabatsirwa nekugona kutaura zvinosetsa.

KUVA NEZVISHOMA UYE KUSURUKIRWA HAZVINA KUVATADZISA KUITA BASA

Kuma1930, vanhu vakawanda vaigara muFrance vaitofanira kutsungirira kurarama muurombo, uye izvi zvaibatanidza macolporteur akabva kune dzimwe nyika. Imwe hanzvadzi yaitaura chirungu inonzi Mona Brzoska yakataura zvakaitika kwairi newayaishanda nayo ichiti: “Taiwanzogara mudzimba dzechinyakare, uye dambudziko rakakura raiva rekuita kuti mumba mudziye munguva yechando. Kazhinji kacho taifanira kugara muimba yaitonhora zvekufa, mataifanira kupwanya chando chaiva pamusoro pemvura yaiva mujagi kuti tigeze kumeso mangwanani.” Mapiyona iwayo akaodzwa mwoyo here nekuoma kweupenyu? Kwete! Mumwe wavo akataura muchidimbu manzwiro avo achiti: “Hatina chataiva nacho, asi hatina chataishaiwa.”—Mat. 6:33.

Hanzvadzi 5 dzokuEngland dzakapinda gungano rakaitirwa kuParis, France muna 1931

Mapiyona ekuEngland ayo akapinda gungano ra1931 rakaitirwa muParis

Macolporteur aya aiva neushingi asi aifanirawo kukurira kusurukirwa. Pakutanga kwema1930, nhamba yevaparidzi veUmambo muFrance yaisapfuura 700, uye vakawanda vavo vainge vakapararira munyika yacho yese. Chii chakabatsira macolporteur aisurukira kuti arambe achifara? Mona, uyo akasangana nedambudziko iri pamwe chete newaaipayona naye, akatsanangura kuti: “Kuti tirwisane nekusurukirwa taifanira kugara tichidzidza mabhuku eSosaiti pamwe chete. Mazuva iwayo taisadzokera kunoona vanhu vanenge vafarira uye takanga tisingaitisi zvidzidzo zveBhaibheri zvepamba, saka manheru taiva nenguva yekunyorerana nehama dzedu asi kunyanya mamwe mapiyona, tichiudzana zvataisangana nazvo uye tichikurudzirana.”—1 VaT. 5:11.

Macolporteur iwayo aizvipira zvikuru akaramba aine mufaro pasinei nematambudziko aaisangana nawo. Izvi zvinogona kuoneka mutsamba dzaaitumira kubazi, dzimwe dzacho pashure pekupayona kwemakumi emakore muFrance. Ichitarisa makore iwayo apfuura imwe hanzvadzi yakazodzwa inonzi Annie Cregeen iyo yakatenderera muFrance yese pamwe chete nemurume wayo kubva muna 1931 kusvika muna 1935, yakanyora kuti: “Takava neupenyu hunonakidza uye takasangana nezvakawanda zvinonakidza! Isu mapiyona taiva vanhu vakanyatsobatana. Sezvakataurwa nemuapostora Pauro, ‘Ini ndakadyara, Aporo akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure.’ Izvi zvinotifadza nekuti takawana mukana wekubatsira vakawanda mumakore apfuura.”—1 VaK. 3:6.

Mapiyona iwayo ekutanga akaratidza muenzaniso wekutsungirira uye kushingaira kuti vaya vanoda kuwedzera basa ravo reushumiri vagotevedzera. Iye zvino, muFrance mava nemapiyona enguva dzose anenge 14 000. Akawanda acho ari kushumira muungano nemapoka zvemitauro yekune dzimwe nyika.b Kungofanana nevakavatangira, vanoita kuti pasava nechimwe chinhu pasi pezuva chinovatadzisa kuita basa!—Kubva mudura renhoroondo yedu kuFrance.

a Kuti uzive nezvebasa raiitwa muFrance nevanhu vakabva kuPoland ona nyaya inoti, “Jehovha Akakuunzai kuFrance Kuti Muzodzidza Chokwadi,” iri muNharireyomurindi, yaAugust 15, 2015.

b Muna 2014, ungano nemapoka zvinopfuura 900 zvemimwe mitauro zvange zvichishanda zvichitungamirirwa nebazi reFrance, zvichibatsira vanhu vanoda kuziva chokwadi mumitauro 70.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe