RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 2/15 pp. 15-18
  • Ramba Uchishingaira Muushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchishingaira Muushumiri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • BATSIRA VAPARIDZI VATSVA
  • KURUKURA NEMUMWE WAURI KUPARIDZA NAYE
  • GARA UCHIVA NENGUVA YOKUDZIDZA URI WOGA
  • CHIMBOEDZAWO KUSHANDISA MAMWE MAZANO ATINOPIWA
  • IVA NEZVINANGWA ZVAUNOGONA KUZADZISA
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Shingaira Pakuparidza Sezvaiita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kudzidzisa Kwaungaita Vatsva Kuparidzira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Ramba Uine Tariro Muushumiri Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 2/15 pp. 15-18
Muparidzi achisangana nemamiriro aya ezvinhu: 1. Pamba pasina vanhu; 2. Saimba haafariri mashoko edu; 3. Saimba ane hasha

Ramba Uchishingaira Muushumiri

KUPARIDZA mashoko akanaka ndiro basa rinonyanya kukosha chaizvo riri kuitwa panyika mazuva ano. Sevashumiri vaJehovha, tinokoshesa chaizvo ropafadzo yatinayo yokuita basa rokudzidzisa vanhu. Asi tinozivawo kuti dzimwe nguva mapiyona nevaparidzi vanowanzosangana nematambudziko anoita kuti zvivaomere kuramba vachishingaira muushumiri.

Muparidzi woUmambo ari kugogodza pasuo achinyemwerera

Chii chingakubatsira kuti urambe uchishingaira muushumiri?

Vamwe vaparidzi vanoomerwa nokuwana vanhu vokukurukura navo pavanenge vachiparidza paimba neimba. Izvi zvinoitika nokuti dzimwe nguva vakawanda vanenge vasiri pamba. Pavanozowana munhu wokutaura naye, munhu wacho anogona kusafarira mashoko oUmambo kana kuti anogona kutovaitira hasha. Vamwewo ndivo vanoparidza mundima yakakura ine vanhu vanofarira asi chinovanetsa ndechokuti vachakwanisa kupedza ndima yacho here. Vamwe vaparidzi vava nemakore akawanda vachiparidza zvokuti vava kuora mwoyo nokuti mugumo hausati wauya.

Zvinofanira kutishamisa here kuti vashumiri vose vaJehovha vanosangana nematambudziko anogona kuita kuti vasaramba vachishingaira muushumiri? Aiwa. Hatingatarisiri kuti basa redu rokuzivisa mashoko aMwari anoponesa ringoita mutserendende iyo nyika ino “iri musimba reakaipa,” Satani Dhiyabhorosi.—1 Joh. 5:19.

Pasinei nematambudziko aunosangana nawo pabasa rokuzivisa mashoko akanaka, iva nechokwadi chokuti Jehovha anogona kukubatsira kuti uakunde. Asi chii chaungaita kuti uwedzere kushingaira muushumiri? Ngationei mamwe mazano angakubatsira.

BATSIRA VAPARIDZI VATSVA

Muparidzi woUmambo agara nebasa achidzidzisa muparidzi mutsva muushumiri

Gore negore, zviuru zvevanhu zvinobhabhatidzwa zvova Zvapupu zvaJehovha. Kana uchangobhabhatidzwa, hapana mubvunzo kuti ungaonga chaizvo kana ukabatsirwa nehama nehanzvadzi dzava nemakore dzichiparidza. Uye kana wava nemakore akawanda uri muparidzi woUmambo, hazvingavi zvakanaka here kuti ubatsirewo vaparidzi vatsva? Kuita izvi kunogona kuita kuti ufare.

Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaida mirayiridzo kuti vave vaevhangeri vanobudirira uye akavaratidza kuti basa racho raifanira kuitwa sei. (Ruka 8:1) Mazuva ano, vaparidzi vatsva vanodawo kudzidziswa kuti vabudirire muushumiri.

Hatifaniri kufunga kuti muparidzi mutsva achava neunyanzvi hwokudzidzisa nekungobuda muushumiri chete. Anoda kubatsirwa nemuparidzi ane mutsa uye ane hanya. Zvimwe zvinhu zvaanoda kudzidziswa zvinosanganisira (1) kugadzirira uye kudzidzira mharidzo, (2) kutanga kukurukura nevanhu, (3) kugovera mabhuku edu, (4) kudzokera kunoona vanenge vafarira, uye (5) kutanga kudzidza nemunhu Bhaibheri. Muparidzi mutsva anogona kubudirira kana akaona zvinoitwa nemuparidzi ari kumubatsira obva azvitevedzera. (Ruka 6:40) Achawedzera kuva nechivimbo kana aine mumwe munhu anogona kumubatsira kana ava kuomerwa. Kumurumbidza uye kumupa mazano pazvinenge zvakakodzera kuchamubatsirawo.—Mup. 4:9, 10.

KURUKURA NEMUMWE WAURI KUPARIDZA NAYE

Muparidzi woUmambo achikurukura nemumwe waari kuparidza naye

Pasinei nezvaungaedza kuita kuti utaure navanasaimba, dzimwe nguva ungatopedza zuva rose usina wawanyatsotaura naye zvinogutsa kunze kwewaunenge wabuda naye muushumiri musi iwoyo. Yeuka kuti Jesu akatuma vadzidzi vake kunoparidza vari “vaviri vaviri.” (Ruka 10:1) Pavaishanda vose, vaikwanisa kukurudzirana. Saka nguva yamunenge muri mose muushumiri inoita kuti mukwanise ‘kukurudzirana.’—VaR. 1:12.

Ndezvipi zvimwe zvinhu zvamungataura nezvazvo? Mumwe wenyu ane zvinhu zvinokurudzira zvaakasangana nazvo muushumiri here? Pane pfungwa inofadza here yawakawana pawaidzidza uri woga kana kuti uchiita kunamata kwemhuri? Pane chimwe chinhu chakakukurudzira chawakanzwa kumisangano here? Zvimwe wabuda nemuparidzi wausingagari uchibuda naye. Unoziva kuti akawana sei chokwadi here? Chii chakaita kuti abvume kuti iri ndiro sangano raJehovha? Ane ropafadzo dzaakawana here kana kuti zvimwe zvakaitika kwaari zvinokurudzira? Zvimwe unogona kumuudzawo zvawakasangana nazvo mubasa raJehovha. Pasinei nokuti vanhu vamuri kuparidzira vanoteerera here kana kuti kwete, kushanda nemumwe munhu muushumiri kunoita kuti mukwanise ‘kuramba muchinyaradzana nokuvakana.’—1 VaT. 5:11.

GARA UCHIVA NENGUVA YOKUDZIDZA URI WOGA

Muparidzi woUmambo achidzidza

Kuti urambe uchishingaira muushumiri, zvinokosha kuti ugare uchidzidza uri woga uye uvandudze madzidziro aunoita. “Muranda akatendeka, akangwara,” anobudisa nyaya dzakawanda dzaunogona kudzidza. (Mat. 24:45) Somuenzaniso, imwe nyaya yakanaka yokudzidza nezvayo ndeiyi: Nei basa rokuparidza Umambo richikosha chaizvo? Bhokisi rakanzi “Nei Uchifanira Kuramba Uchishingaira Muushumiri?” rinotaura zvimwe zvikonzero zvacho.

Kufungisisa zvinotaurwa mubhokisi iri kunogona kukubatsira kuti urambe uchishingaira mubasa rokuparidza. Wadii kuronga kuti panguva yaunodzidza uri woga utsvake zvimwe zvikonzero zvinoita kuti urambe uchishingaira pakuparidza. Zvadaro fungisisa zvikonzero zvacho nemagwaro anozvitsigira. Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti urambe uchishingaira muushumiri.

CHIMBOEDZAWO KUSHANDISA MAMWE MAZANO ATINOPIWA

Vaparidzi voUmambo vaviri vachigadzirira mharidzo yokushandisa muushumiri

Sangano raJehovha rinogara richitipa mazano anobatsira kuti tivandudze ushumiri hwedu. Somuenzaniso, kuwedzera pakuparidza kwatinoita paimba neimba, tinogona kuita zvokunyora tsamba, kushandisa foni, kuparidza mumugwagwa kana munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, kuparidza zvisina kurongwa uye munzvimbo dzebhizimisi. Tinogonawo kuronga kunoparidza munzvimbo dzisingawanzoparidzwa.

Unoona sei mazano aya? Wakamboedza kushandisa mamwe acho here? Vakawanda vakaashandisa vakanakidzwa chaizvo. Funga nezvemienzaniso mitatu inotevera.

Muenzaniso wokutanga unoratidza kubatsira kwakaita imwe nyaya yakabuda muUshumiri hwoUmambo yaitaura kuti tingatanga sei kudzidza Bhaibheri nevanhu. Nyaya iyi yakaita kuti imwe hanzvadzi inonzi April ibvunze vakadzi vatatu vainoshanda navo kana vaida kudzidza Bhaibheri. April akashamiswa uye akafara chaizvo nokuti vose vari vatatu vakabvuma kudzidza uye vakatangawo kupinda misangano yedu.

Muenzaniso wechipiri ndewekugovera magazini edu. Tinogara tichikurudzirwa kutsvaka vanhu vatinofunga kuti vangafarira imwe nyaya inenge iri mumagazini edu. Mumwe mutariri wedunhu wokuUnited States akati akagovera Mukai! yaiva nenyaya yaitaura nezvematai emota kumamaneja ezvitoro zvinotengesa matai emota. Iye nemudzimai wake vakaendesawo magazini yaiva nenyaya yaiti “Understanding Your Doctor,” kumasejari anopfuura 100 avanachiremba. Mutariri wedunhu wacho akati: “Kuenda kunzvimbo idzodzo kwakaita kuti vanhu vazive nezvebasa redu rokuparidza uye mabhuku edu. Nokufamba kwenguva takaumba ushamwari nevanhu ivavo uye tichiri kuramba tichidzokera kunovaona.”

Muenzaniso wechitatu ndewokuparidza nefoni. Imwe hanzvadzi inonzi Judy yakanyora tsamba kumahofisi edu makuru ichionga chaizvo kukurudzirwa kwatakaitwa kuparidza tichishandisa foni. Judy aiva naamai vaiva nemakore 86 uye vaigara vachirwara. Akati amai vake vaigara vachiparidza vachishandisa foni uye vaifara chaizvo nokuti vaidzidza Bhaibheri pafoni nevamwe mbuya vane makore 92.

Mazano okuparidza ari mumabhuku edu anobatsira chaizvo. Ashandise! Anokubatsira kuti urambe uchifara uye uchishingaira muushumiri.

IVA NEZVINANGWA ZVAUNOGONA KUZADZISA

Kubudirira kwedu mubasa rokuparidza hakubvi pakuti tagovera mabhuku edu akawanda sei, tinodzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda sei kana kuti tabatsira vanhu vangani kuti vave vashumiri vaJehovha. Funga nezvaNoa. Vanhu vangani vaakabatsira kuti vave vanamati vaJehovha tisingatauri nezvevomumhuri make? Asi anonzi akabudirira pakuparidza. Saka kubudirira kwedu kunobva pakuti tinoshumira Jehovha takatendeka.—1 VaK. 4:2.

Vaparidzi voUmambo vakawanda vakaona kuti chinogona kuvabatsira kushingaira pabasa rokuparidza, kuva nezvinangwa zvavanogona kuzadzisa. Zvimwe zvinangwa zvacho ndezvipi? Ona bhokisi rakanzi “Iva Nezvinangwa Zvaunogona Kuzadzisa.”

Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti unakidzwe uye uwane zvibereko muushumiri hwako. Pauchazadzisa zvinangwa zvako, uchafara chaizvo uye uchagutsikana nokuziva kuti uri kuita zvose zvaunogona pakuparidza mashoko akanaka.

Ichokwadi kuti unogona kusangana nematambudziko mubasa rokuparidza mashoko akanaka. Asi pane zvaunogona kuita kuti uve muzivisi woUmambo anoshingaira. Kurudziranai newaunenge uchiparidza naye, gara uchiva nenguva yokudzidza uri woga, shandisa mazano atinopiwa nemuranda akatendeka uye iva nezvinangwa zvaunogona kuzadzisa. Kupfuura zvose, yeuka kuti Mwari akakupa ropafadzo yakakura chaizvo yokuzivisa mashoko akanaka semumwe weZvapupu zvake. (Isa. 43:10) Zvechokwadi uchafara chaizvo kana ukaramba uchishingaira muushumiri!

NEI UCHIFANIRA KURAMBA UCHISHINGAIRA MUUSHUMIRI?

  • Basa rokuparidza rinozadzisa uprofita hweBhaibheri.—Mako 13:10.

  • Tinoratidza kuti tinoteerera nokuita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 28:19, 20.

  • Jehovha anoda kuti tiudze vanhu vakaipa zvichaitika kwavari kana vakasatendeuka panzira dzavo dzakaipa.—Ezek. 3:19.

  • Takapiwa basa rokuudza vanhu mashoko akanaka.—Mab. 20:26, 27; VaR. 1:14, 15.

  • Kuita basa rokuparidza kunoita kuti tisava nemhosva yeropa.—Ezek. 3:18.

  • Kana tichida kuzopona uye kuponesawo vamwe, tinofanira kuvadzidzisa chokwadi chomuMagwaro.—1 Tim. 4:16.

  • Kuudza vanhu nezvaJehovha uye kumurumbidza kunokosha chaizvo pakunamata kwedu.—VaH. 13:15.

  • Patinoita basa iri tinenge tichiratidza kuti tinoda Jehovha naJesu.—Joh. 14:15; 1 Joh. 5:3.

  • Ushumiri hwedu hunobudisa pachena nhema dzaSatani.—Isa. 43:10-12; 2 VaK. 4:4.

IVA NEZVINANGWA ZVAUNOGONA KUZADZISA

  • Iva nepurogiramu yokubuda muushumiri vhiki nevhiki uye edza nepaunogona napo kuitevedzera.

  • Nguva dzose edza kutanga kudzidza Bhaibheri nemumwe munhu.

  • Kana zvichiita, verenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pose paunokurukura nasaimba.

  • Edza kugovera magazini akawanda.

  • Dzoka kunoona vose vanenge vateerera mashoko oUmambo.

  • Paridza nenzira dzakasiyana-siyana.

  • Shandisa mukana wose wokuparidza zvisina kurongwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe