Zviri Mukati
January 15, 2015
© 2015 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
YOKUDZIDZA
MARCH 2-8, 2015
MARCH 9-15, 2015
Nei Tichikoshesa Kudya kwaShe Kwemanheru?
MARCH 16-22, 2015
Vakai Imba Yakasimba Uye Inogara Ichifara
PEJI 18 • NZIYO: 36, 51
MARCH 23-29, 2015
Itai Kuti Jehovha Asimbise Imba Yenyu Uye Aichengete
PEJI 23 • NZIYO: 87, 50
MARCH 30, 2015–APRIL 5, 2015
Murume Nomukadzi Vanokwanisa Kuva Nerudo Rwusingaperi Here?
PEJI 28 • NZIYO: 72, 63
NYAYA DZOKUDZIDZA
▪ Ongai Jehovha Mukomborerwe
Tinogona kuramba tiri vanhu vanoonga kana tikafungisisa makomborero atakapiwa naJehovha uye tomutenda. Kukoshesa zvatakaitirwa kunotibatsira kuti tisava nemafungiro ane vanhu vakawanda okusaonga uye kuti titsungirire matambudziko atinosangana nawo. Rugwaro rwedu rwegore rwa2015 ruchaita kuti tirambe tichiyeuka izvi mugore rino rose.
▪ Nei Tichikoshesa Kudya kwaShe Kwemanheru?
Nyaya ino inoratidza kuti nei tichifanira kuyeuka rufu rwaJesu. Inotsanangura kuti chingwa newaini zvepaChirangaridzo zvinomirirei uye kuti munhu angaziva sei kana achifanira kudya nokunwa. Ichatibatsirawo kuona kuti mumwe nomumwe wedu angagadzirira sei Kudya kwaShe Kwemanheru.
▪ Vakai Imba Yakasimba Uye Inogara Ichifara
▪ Itai Kuti Jehovha Asimbise Imba Yenyu Uye Aichengete
Vanhu vakaroorana vari kurwisana nemiedzo uye matambudziko akawanda. Asi vachibatsirwa naJehovha, vanogona kuvaka imba yakasimba uye inofara. Nyaya yokutanga ichakurukura zvinhu zvishanu zvavangashandisa kuti vavake imba yakasimba inogara kwenguva refu. Ichataurawo kuti rudo rwungasimbisa sei imba yavo. Nyaya yechipiri ichatsanangura zvavangaita kuti vadzivirire imba yavo.
▪ Murume Nomukadzi Vanokwanisa Kuva Nerudo Rwusingaperi Here?
Rudo rwechokwadi pakati pemurume nomukadzi rwakaita sei? Zvinoita here kuti murume nomudzimai varambe vachidanana? Rudo irworwo rwunoratidzwa sei? Ona kuti tinodzidzei muRwiyo rwaSoromoni nezverudo rwechokwadi uye runogara nokusingaperi.
DZIMWEWO NYAYA
KAVHA: Zvapupu zvichiparidza zviine maBhaibheri mumaoko kuGrindelwald, uye makomo eBernese Alps achioneka necheshure
SWITZERLAND
VAGARI VEMO
7 876 000
VAPARIDZI
18 646
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO (2013)
31 980