Zviri Mukati
August 15, 2014
© 2014 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
YOKUDZIDZA
SEPTEMBER 29, 2014–OCTOBER 5, 2014
Vakadzi Vanoitei Pakuzadziswa Kwechinangwa chaJehovha?
PEJI 6 • NZIYO: 86, 104
OCTOBER 6-12, 2014
Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!
PEJI 11 • NZIYO: 114, 101
OCTOBER 13-19, 2014
Jehovha Anoswedera Sei Pedyo Nesu?
PEJI 16 • NZIYO: 51, 91
OCTOBER 20-26, 2014
Inzwa Inzwi raJehovha Chero Kwaunenge Uri
PEJI 21 • NZIYO: 26, 89
NYAYA DZOKUDZIDZA
▪ Vakadzi Vanoitei Pakuzadziswa Kwechinangwa chaJehovha?
Ona kuti kupandukirwa kwakaitwa Mwari muEdheni kwakakanganisa sei varume nevakadzi. Funga nezvemienzaniso yevamwe vakadzi vekare vaitya Mwari. Onawo kuti mazuva ano vakadzi vechiKristu vanoitei pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari.
▪ Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!
Vaparidzi vose voUmambo vanoda kubudirira muushumiri. Ona mamwe mazano anobatsira okuti tingashandisa sei Bhaibheri uye mamwe maturakiti edu kuti titange kukurukura nevanhu uye kuti tibaye mwoyo yavo neShoko raJehovha benyu.
▪ Jehovha Anoswedera Sei Pedyo Nesu?
Tinofanira kuva noushamwari hwepedyo neMusiki wedu. Ona kuti rudzikinuro rwakapiwa naJehovha uye Shoko rake zvinoratidza sei kuti ndiye akatanga kuita kuti tiswedere pedyo naye.
▪ Inzwa Inzwi raJehovha Chero Kwaunenge Uri
Kuti tifambe munzira yechokwadi tinofanira kuteerera zvinotaurwa naJehovha. Ona kuti tingateerera sei inzwi raJehovha pasinei nezvinoitwa naSatani uye chivi chatiinacho. Nyaya ino ichatibatsira kuona kukosha kwekutaura naMwari wechokwadi.
DZIMWEWO NYAYA
3 Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?
26 ‘Dzoka Usimbise Hama Dzako’
KAVHA: Hanzvadzi dziri kuparidzira nemutauro wechiRussian mumugwagwa uri pedyo negungwa muTel Aviv. Nechekumashure kune nzvimbo ine makomo inonzi Jaffa, uye kare ndiyo yaiva chiteshi chengarava cheJopa
ISRAEL
VAGARI VEMO
8 050 000
NHAMBA YEPAMUSOROSORO YEVAPARIDZI MUNA 2013
1 459
VAKAPINDA CHIRANGARIDZO MUNA 2013
2 671