Zviri Mukati
November 15, 2013
© 2013 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
YOKUDZIDZA
DECEMBER 30, 2013–JANUARY 5, 2014
“Ivai Vakasvinurira Kunyengetera”
PEJI 3 • NZIYO: 67, 81
JANUARY 6-12, 2014
PEJI 10 • NZIYO: 119, 32
JANUARY 13-19, 2014
Vafudzi Vanomwe Nemachinda Masere Ndivanaani Mazuva Ano?
PEJI 16 • NZIYO: 43, 123
JANUARY 20-26, 2014
Teererai Vafudzi Vakagadzwa naJehovha
PEJI 21 • NZIYO: 125, 122
JANUARY 27, 2014–FEBRUARY 2, 2014
NYAYA DZOKUDZIDZA
▪ “Ivai Vakasvinurira Kunyengetera”
Zvinokosha kuti tisarare pakunamata nokuti nyika yakaipa yaSatani yava kuda kuguma. Nyaya ino inotaura kuti kuva vakasvinurira kunyengetera kunotibatsira sei kuti tirambe takamuka.
▪ Tingaramba Sei ‘Takamirira’?
Munyaya ino, ona zvatingadzidza kubva pakumirira kwakaita muprofita Mika. Ona kuti zviitiko zvipi zvicharatidza kuti nguva yedu yokumirira kuti Jehovha aparadze nyika ino yakaipa yava kupera uyewo kuti tingaratidza sei kuti tinoonga mwoyo murefu waMwari.
▪ Vafudzi Vanomwe Nemachinda Masere Ndivanaani Mazuva Ano?
Nhoroondo yokurwiswa kwakaitwa Jerusarema naSaniheribhi mumazuva aHezekiya ine zvidzidzo zvinotibatsira chaizvo mazuva ano. Mashoko ari munyaya ino anonyanya kukosha kune vaya vakapiwa basa rokufudza ungano.
▪ Teererai Vafudzi Vakagadzwa naJehovha
▪ Vafudzi, Tevedzerai Vafudzi Vakuru Vanopfuura Vose
Nyaya yokutanga panyaya mbiri idzi inotaura nezvenzira iri kushandiswa naJehovha naJesu kufudza makwai avo ari panyika mazuva ano uye inoratidza kuti makwai anofanira kuita sei pakutarisirwa kwaanenge achiitwa. Nyaya yechipiri inotaura nezvemafungiro anofanira kuva nevakuru veungano pavanenge vachishanda sevafudzi vaduku vemakwai.
KAVHA: Kuparidza pachiteshi chezvitima muTokyo. Zuva nezuva, vanhu vanopfuura mamiriyoni 2,8 vanouya kuTokyo. Pane basa riri kuitwa kuti vanhu vasingawaniki panoitwa basa repaimba nemba vaparidzirwe
JAPAN
VAGARI VEMO:
126 536 000
AVHAREJI YEVAPARIDZI
216 692
MAPIYONA ENGUVA DZOSE:
65 245