RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 4/1 p. 3
  • Kutsvaka Mhinduro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Mhinduro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Kristu—Mibvunzo Yedu Nezvake Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zvakadzidziswa naJesu Nezvake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 4/1 p. 3

Kutsvaka Mhinduro

“Anenge munhu wose ane maonero ake aanoita [Jesu]. Pasinei nokuti tinotenda kuti Jesu aivapo kana kuti hatina chokwadi nazvo, tose tinobvunza kuti, ‘Murume uyu anombova ani?’”—MUNYORI STAN GUTHRIE.

VANHU vanoda kuziva zvakawanda nezvaJesu. Kwava nemabhuku akawanda chaizvo nemafirimu akawanda anotaura nezvake. Kunyange zvakadaro, vanhu vachine mibvunzo yakawanda nezvaJesu. Vanotaura zvakasiyana-siyana nezvake.

Makore mashomanana apfuura, vamwe vatori venhau vaviri vakabvunza vanhu paIndaneti mubvunzo wokuti, “Jesu aimbova ani?” Pasi apa pane dzimwe mhinduro dzakapiwa nevanhu:

● “Anofanira kunge aiva rabhi (mudzidzisi) uyo akaratidza muenzaniso wokunzwira tsitsi.”

● “Aivawo munhu akangofanana nesu asi aine upenyu hunoshamisa.”

● “Hapana uchapupu hunoratidza kuti Jesu akamborarama pano pasi.”

● “Jesu Mwanakomana waMwari akaberekwa, akafa uye akamuka kubva kuvakafa kuti atinunure pazvitadzo zvedu. Nanhasi achiri mupenyu uye achadzoka panyika.”

● “Ndinofunga kuti Jesu Kristu ndiye chete mwanakomana waMwari, munhu wenyama asi ari mwari zvekare.”

● “Nyaya dzaJesu ingano dzinotendwa nevanhu vakapusa.”

Zviri pachena kuti mafungiro iwayo haangambovi echokwadi ose iwo akasiyana zvakadaro. Pane here chinhu chatingavimba nacho chingatiudza mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo yedu pamusoro paJesu? Vanobudisa magazini ino vane chokwadi chokuti Bhaibheri iShoko raMwari uye ndiro chete rinotiudza chokwadi chizere nezvaJesu.a—2 Timoti 3:16.

Munyaya inotevera, tichakurukura mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo inowanzobvunzwa nevanhu nezvaJesu. Jesu pachake akataura kuti “munhu wose anotenda maari” anogona kuponeswa. (Johani 3:16) Tinokukumbira kuti uongorore mhinduro dzacho wobva wasarudza kuti unoda here kudzidza zvakawanda nezvaJesu uye kuti ungaratidza sei kuti unotenda maari.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 2 chinoti, “Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe