RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 p. 5
  • “Havasi Venyika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Havasi Venyika”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • MaKristu Nechaunga Chavanhu Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvapupu zvaJehovha Panguva Yakaurayiwa Vanhu Zveutsinye nevaNazi—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Sei vaJudha Vakaurayiwa Nehurumende yevaNazi? Sei Mwari Asina Kupindira?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • “Havasi Rutivi Rwenyika”
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 p. 5

“Havasi Venyika”

“Nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika.”—JOHANI 17:14.

Zvazvinoreva: Jesu zvaakanga asiri wenyika, aisapindira mune zvematongerwo enyika kana kuti kunetsana kwaita vanhu vomunzanga yaaigara. Akatsanangura kuti: “Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.” (Johani 18:36) Akakurudzirawo vateveri vake kuti vasatevedzera maonero, matauriro uye maitiro anoshorwa muShoko raMwari.—Mateu 20:25-27.

Zvaiitwa nevaKristu Vokutanga: Munyori wezvechitendero anonzi Jonathan Dymond anoti vaKristu vokutanga “vakaramba kupindira muhondo; pasinei nokuti vaizozvidzwa, kusungwa, kana kuurayiwa.” Vakasarudza kutambura pane kupindira mune zvematongerwo enyika. Tsika dzavo dzakaitawo kuti vasiyane nevamwe. VaKristu vakaudzwa kuti: “Zvamusingarambi muchifambidzana navo kusvikira manyura mumatope ezvakaipa kufanana navo, ivo vanoshamiswa uye vanoramba vachikutukai.” (1 Petro 4:4) Munyori wenhoroondo dzekare Will Durant akanyora kuti vaKristu “vaivhiringidza vahedheni nemhaka yeutsvene hwavo uye tsika dzavo dzakanaka.”

Ndivanaani Vari Kutevedzera Muenzaniso Wacho? Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rinotaura nezvokusapindira mune zvematongerwo enyika kwevaKristu richiti: “Zvakaipa kuramba kuenda kuhondo uchiti hana yako haikubvumiri.” Nyaya yaiva mupepanhau rinonzi Reformierte Presse inoti zvakataurwa nesangano rinoona nezvekodzero dzevanhu rinonzi African Rights nezvekuurayana kwemadzinza kwakaitika kuRwanda muna 1994, zvinoratidza kuti machechi ose akapindira muhondo yacho, “kusara kweZvapupu zvaJehovha.”

Mumwe mudzidzisi wokusekondari akachema-chema paaitaura nezvekuurayiwa kwevanhu nevaNazi achiti: “Hapana boka kana sangano revagari vomunyika yacho rakambotsoropodza kureva nhema, utsinye uye kuurayana kwaiitwa.” Ambonzwawo zvinotaurwa nemiziyamu inonzi United States Holocaust Memorial Museum, mudzidzisi wacho akanyora kuti: “Ndava kuziva mhinduro yangu.” Akaudzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakasimba zvisingachinji zvazvaitenda pasinei noutsinye hwavaiitirwa.

Zvakadini netsika dzavo? “Mazuva ano ruzhinji rwevechiduku vanopinda chechi yeRoma havabvumirani nedzidziso dzechechi yavo panyaya dzakaita sokubika mapoto uye kuita zvepabonde musati maroorana,” inodaro magazini inonzi U.S. Catholic. Magazini iyi inoti mumwe mudhikoni wechechi yacho akati: “Vakawanda pavanouya kuzonyoresa muchato, ndingatoti vanopfuura 50 muzana, vanenge vava kutogara vose.” Bhuku rinonzi The New Encyclopædia Britannica rinoti Zvapupu zvaJehovha “hazvichinji tsika dzazvo panyaya yokuzvibata.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe