Zviri Mukati
December 15, 2011
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA MUVHIKI DZINOTEVERA:
January 30, 2012–February 5, 2012
Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?
PEJI 8
February 6-12, 2012
Nei Tichifanira Kutungamirirwa Nemudzimu waMwari?
PEJI 13
February 13-19, 2012
Vanhu Vakatendeka Vekare Vakatungamirirwa Nomudzimu waMwari
PEJI 18
February 20-26, 2012
Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari Muzana Remakore Rokutanga Uye Nhasi
PEJI 22
Chinangwa Chenyaya Dzichadzidzwa
NYAYA YOKUDZIDZA 1 MAPEJI 8-12
Vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri mienzaniso yakanaka kwatiri, asi vanogonawo kuva mienzaniso inotinyevera. Nyaya ino ichatibatsira kuongorora zvakanaka uye zvakaipa zvakaitwa naSoromoni. Zvii zvatingadzidza kwaari zvichatibatsira kurarama sevaKristu?
NYAYA YOKUDZIDZA 2 MAPEJI 13-17
Pane simba guru rinogona kunyatsotitungamirira muupenyu munyika ino yakaipa. Simba iroro nderipi, nei tichifanira kuda kutungamirirwa naro, uye tingaitei kuti tinyatsobatsirwa naro?
NYAYA DZOKUDZIDZA 3, 4 MAPEJI 18-26
Vashumiri vaMwari vakawanda vekare vakazadzwa nomudzimu mutsvene. Mudzimu waMwari wakashanda sei pavari? Kudzidza nezvekutungamirirwa kwavakaitwa naJehovha kuchatikurudzira chaizvo muushumiri.
DZIMWEWO NYAYA
3 Kubvuma Kuchinja Muupenyu Kwakandibatsira Chaizvo
27 Usarega Kurwara Kuchikutadzisa Kufara
32 Indekisi ya2011 Yenyaya dzeNharireyomurindi