RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 7/1 pp. 3-4
  • Chii Chatinomboraramira Chaizvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chatinomboraramira Chaizvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu Hucharamba Huchingoita Sohusina Chinangwa Here?
  • Nei Tiri Panyika?
    Mukai!—2009
  • Upenyu Hwako—Donzo Rahwo Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Zvakafanira Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 7/1 pp. 3-4

Chii Chatinomboraramira Chaizvo?

“CHII chatinomboraramira?” Vakawanda vakambobvunza mubvunzo uyu. Chinosuwisa ndechokuti pasinei nokuti vakawanda vanoona sei upenyu, vanotoguma vava nemaonero okuti “upenyu hahuna chinangwa uye hapana chokuraramira.” Aya ndiwo maonero aiita imwe nyanzvi yokuAustria inoongorora zvirwere zviri mumuviri womunhu inonzi Viktor E. Frankl.

Nei vakawanda vaine maonero akadaro? Nokuti mamiriyoni evanhu pasi rose ari kurarama zvisingatsananguriki uye zvinonzwisa tsitsi. Zuva roga roga vanodya nhoko dzezvironda, vanorwara, vanorwiswa, uye vanodzvinyirirwa. Upenyu hwavo ‘hwakamomoterwa nezvinhu zvinonetsa,’ uye ndizvo zvakataurwa naJobho nezvokutambura kwevanhu. (Jobho 14:1) Vanorarama zvokungoti chero rabuda rikanyura.

Kusiyana neizvi, mamiriyoni evamwe vanhu anorarama upenyu hwakati budirirei. Zvinoita sokuti vanowana zvinhu zvose zvavanoda kuti vanyatsogutsikana noupenyu. Asi vakawanda vavo havagutsikani. Nei? Nokuti nguva nenguva “kutambudzika nenhamo,” zvakadai sekuoma kunongoerekana kwaita nyaya dzoupfumi nemamwewo matambudziko anorwadza akadai sokufirwa nomwana, zvinoita kuti zvose zvavaitarisira nezvavaifungidzira zviende musango.—Pisarema 90:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Pane chimwezve chinhu chinoita kuti vanzwe sokuti “upenyu hahuna chinangwa uye hapana chokuraramira.” Chii ichocho? Kupfupika kwoupenyu. Vazhinji vanonetseka kuti sei vanhu vachingorarama upenyu hupfupi-pfupi, ivo vaine matarenda okuita zvinhu zvakawanda. Pane chinhu chavasinganzwisisi chisina anogona kutiza: Kunyange kana tikasawirwa nematambudziko muupenyu hwedu, tinozongofa chete tichisiya zvinhu zvedu.—Muparidzi 3:19, 20.

Upenyu Hucharamba Huchingoita Sohusina Chinangwa Here?

Mambo Soromoni womuIsraeri yekare akataura muchidimbu nezvemararamiro anoita vanhu. Panguva yaairarama akaona vanhu vachishanda nesimba vachishandisa matarenda avo pakudyara, kusakura, kuvaka, uye kutarisira mhuri dzavo, sezvatinongoitawo mazuva ano. Zvaiita sokuti ari kubvunza kuti, ‘Zvose izvi unozowanei nazvo?’ Akagumisa kuti zvose zvinoitwa nevanhu “hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.”—Muparidzi 2:17, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Asi Mambo Soromoni aifunga here kuti zvose zvinoitwa nevanhu zvaizongoramba ‘zvisina maturo, kuri kudzingana nemhepo bedzi’? Aiwa. Aingotaura hake zvinoitika muupenyu munyika ino ine vanhu vanotadza. Zvisinei, Shoko raMwari rakafuridzirwa rinogona kukupa chivimbo chokuti zvinhu hazvisi kuzoramba zvakadai!

Ungaita sei kuti uve nechivimbo chakadaro? Tapota verenga nyaya mbiri dzinotevera. Dzinogona kukubatsira kuti unzwisise kuti sei upenyu huchiita sohusina chinangwa, kuti zvichagadziriswa sei, uye kuti ungaita sei kuti upenyu hwako huve nechinangwa iye zvino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe