Zviri Mukati
May 15, 2011
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA MUVHIKI DZINOTEVERA:
June 27, 2011–July 3, 2011
Mhuri dzechiKristu—‘Rambai Makamuka’
PEJI 7
July 4-10, 2011
Mhuri dzechiKristu—“Rambai Makagadzirira”
PEJI 11
July 11-17, 2011
Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?
PEJI 16
July 18-24, 2011
‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’
PEJI 21
July 25-31, 2011
Kuvimba naJehovha Zvakakwana Kunoita Kuti Tisatye
PEJI 28
Chinangwa Chenyaya Dzichadzidzwa
NYAYA DZOKUDZIDZA 1, 2 MAPEJI 7-15
Nyaya yokutanga inokurukura zvinofanira kuitwa nomumwe nomumwe ari mumhuri kuti varambe vakamuka pakunamata. Yechipiri inokurukura kuti kuva neziso rakanaka, kuva nezvinangwa panyaya dzokunamata, uye kuramba muine manheru oKunamata Kwemhuri zvinobatsira sei kuti mhuri yose inamate zvakanaka.
NYAYA YOKUDZIDZA 3 MAPEJI 16-20
Jehovha ndiye anofanira kunyanya kukosheswa nevashumiri vake. Nyaya iyi inosimbisa zvidzidzo zvatinowana kubva pane zvakaitika kuna Evha; murume akatendeka Jobho; Mwanakomana waMwari akakwana Jesu Kristu.
NYAYA YOKUDZIDZA 4 MAPEJI 21-25
Muna VaRoma chitsauko 11, muapostora Pauro anotaura nezvomuorivhi wokufananidzira. Midzi, hunde, uye mapazi zvomuti iwoyo zvinomiririra chii? Patichaongorora zvazvinoreva munyaya iyi, tichadzidza zvakawanda nezvechinangwa chaJehovha uye tichashamiswawo nokudzama kwakaita uchenjeri hwake.
NYAYA YOKUDZIDZA 5 MAPEJI 28-32
Nyaya ino inokurukura Mapisarema 3 ne4 akanyorwa naMambo Dhavhidhi. Nziyo idzi dzakafuridzirwa dzinoratidza kuti tinogona kusatya kana tikanyengetera kuna Jehovha uye tikavimba naye. Izvi ndizvo zvakaitwa naDhavhidhi paakatarisana nematambudziko akadai sokupandukirwa nemwanakomana wake Absaromu.
DZIMWEWO NYAYA
3 Unonyatsofarira Shoko raMwari Here?
6 “Mutariri Akazonaka Uye Shamwari Inodiwa”
26 Kutevera Kristu, Mutungamiriri Akakwana