RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 5/1 p. 3
  • Dambudziko Rinoita Kuti Pave Netariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dambudziko Rinoita Kuti Pave Netariro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti “Nguva Yekupedzisira” Ndechipi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Dzidziso Inobetsera Yenguva Dzedu Dzinotambudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nguva Dzakanaka Dzatosvika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 5/1 p. 3

Dambudziko Rinoita Kuti Pave Netariro

“Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.”—2 TIMOTI 3:1.

WAKAMBONZWA here kana kuona chimwe chezvinhu zvinosuwisa zviri pasi apa?

● Chirwere chakaipisisa chinouraya vanhu vakawanda.

● Nzara inouraya mazana evanhu.

● Kudengenyeka kwenyika kunouraya zviuru zvevanhu, vakawanda vosara vasina pokugara.

Pamapeji anotevera, uchaongorora pfungwa dzinoita kuti ufungisise nezvezvinhu izvi. Uchaonawo kuti Bhaibheri rakafanotaura nezvezvinhu izvi zvaizoitika munguva inonzi “mazuva okupedzisira.”a

Zvisinei, chinangwa chenyaya idzi hachisi chokuita kuti uone kuti tiri kurarama munyika izere nematambudziko. Pamwe iwe pachako unotozvionera matambudziko acho. Asi nyaya idzi dzakanyorerwa kuti uve netariro. Dzichakuratidza kuti kuzadzika kwouprofita hutanhatu uhwu kunoreva kuti “mazuva okupedzisira” ava pedyo kupera. Nyaya idzi dzichakurukurawo nezvenharo dzinowanzoitwa nevanhu vachiramba uchapupu uhwu uye dzichapa zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti ubvume kuti zvinhu zvakanaka zvava pedyo.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida kuona kuti nei Mwari achibvumira zvinhu izvi zvakaipa kuti zviitike, ona nyaya inoti “Nei Mwari Achibvumira Zvinhu Zvakaipa Uye Kutambura?” iri papeji 16 ne17 yemagazini ino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe