RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 5/1 p. 10
  • Nguva Dzakanaka Dzatosvika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Dzakanaka Dzatosvika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka
    Dzimwe Nyaya
  • Nyika Itsva Yakaisvonaka Inoitwa naMwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 5/1 p. 10

Nguva Dzakanaka Dzatosvika

“Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:10, 11.

UNGADA here kuona uprofita hwataurwa pamusoro apa huchizadzika? Zviri pachena kuti ungada. Pane zvikonzero zvine musoro zvinoita kuti ubvume kuti zviri kuzoitika munguva pfupi iri kuuya.

Nyaya dzapfuura dzakurukura humwe uprofita hweBhaibheri hunonyatsoratidza pachena kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Mwari akafuridzira vanyori veBhaibheri kuti vafanotaura zvinhu izvozvo kuitira kuti tive netariro. (VaRoma 15:4) Kuzadzika kwouprofita ihwohwo kunoratidza kuti matambudziko atiri kuona nhasi asara nenguva pfupi kuti apere.

Chii chichaitika kana mazuva okupedzisira apera? Umambo hwaMwari huchatonga vanhu vose. (Mateu 6:9) Chimboona kuti Bhaibheri rinoti kudini nezvezvichange zvakaita nyika panguva iyoyo:

● Kunenge kusisina nzara. “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.

● Zvirwere kunenge kusisina. “Hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”—Isaya 33:24.

● Nyika ichange yava itsva. “Renje nenzvimbo isina mvura zvichapembera nomufaro, bani rerenje richafara rotumbuka sesafuroni.”—Isaya 35:1.

Uhwu hungori humwe uprofita hushoma hweBhaibheri huchakurumidza kuzadzika munguva pfupi iri kuuya. Wadii kubvunza Zvapupu zvaJehovha kuti zvikuratidze kuti sei zviine chokwadi kuti nguva dzakanaka dzatosvika?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe