Zviri Mukati
April 15, 2011
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA VHIKI DZINOTEVERA:
May 30, 2011–June 5, 2011
Kushumira Jehovha Tisingarerutsi Zvinhu
PEJI 9 NZIYO DZICHAIMBWA: 125, 66
June 6-12, 2011
Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari
PEJI 13 NZIYO DZICHAIMBWA: 112, 104
June 13-19, 2011
“Chibereko Chomudzimu” Chinokudza Mwari
PEJI 18 NZIYO DZICHAIMBWA: 25, 11
June 20-26, 2011
Uri Kubvumira Mudzimu waMwari Kuti Ukutungamirire Here?
PEJI 23 NZIYO DZICHAIMBWA: 120, 48
Chinangwa Chenyaya Dzichadzidzwa
NYAYA YOKUDZIDZA 1 MAPEJI 9-13
Munyika inokurudzira vanhu kutamba nezvinhu zvose zvose, vaKristu vanofanira kudzidza kusarerutsa zvinhu. Izvi zvinonyanya kukosha pakunamata kwedu Jehovha. Nyaya ino ichatibatsira kuti tisapfuura mwero uye titungamirirwe neMagwaro, pamaonero atinoita mabasa echiKristu.
NYAYA YOKUDZIDZA 2 MAPEJI 13-17
Vakawanda vanoona zvichivaomera kuita zvisarudzo. Nyaya ino ichatibatsira kuongorora kuti zvakakosherei kuti tidzidze kuita zvisarudzo zvakanaka. Ichakurukurawo nhanho dzatinofanira kutora kuti tive nechokwadi kuti zvisarudzo zvatinoita zvichakudza Mwari.
NYAYA DZOKUDZIDZA 3, 4 MAPEJI 18-27
Chii chinonzi “chibereko chomudzimu”? Tingaita sei kuti tichiratidze? Uye zvakanakirei kuti tidaro? Uchawana mhinduro dzemibvunzo iyi sezvatichadzidza zvinhu zvipfumbamwe zvinoumba chibereko chomudzimu. Nyaya idzi dzichavawo nemazano achabatsira vakawanda.
DZIMWEWO NYAYA
3 Unonyatsonzwisisa Here Uchapupu Hwekutungamirira kwaMwari?
6 Kuramba Takatendeseka Munyika Isina Kutendeseka
29 Ndakawana Makomborero Akawanda