RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 2/15 p. 11
  • Kushandira Zviripo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandira Zviripo!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Pakudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Vabereki—Sarudzai Zvinhu Zvokutambisa Zvomwana Wenyu Nokuchenjera
    Mukai!—1994
  • Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • “Urambe Ngano”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 2/15 p. 11

Kushandira Zviripo!

KUNAMATA KWEMHURI nekudzidza Bhaibheri zvinokosha pakuita kuti vana varerwe “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Asi kana uri mubereki, unoziva kuti vechiduku vari nyore kufinhikana. Ungaita sei kuti varambe vachinakidzwa? Ona kuti vamwe vabereki vakazviita sei.

George wokuCalifornia, U.S.A, anoti: “Vana pavakanga vachiri vaduku, ini nomudzimai wangu taiedza kuita kuti chidzidzo chedu cheBhaibheri chemhuri chiite sechitsva nguva dzose. Dzimwe nguva tose taipfeka sevanhu vemuBhaibheri, tobva taita kamutambo tichitevedzera zviri muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Taitogadzira midziyo yokushandisa pakamutambo kacho yakadai semapakatwa, tsvimbo, mabhasikiti, nezvimwewo. Taitambawo mitambo yeBhaibheri yokuti ‘fembera kuti ndini ani’ uye taigadzira bhodhi raiva nemibvunzo yomuBhaibheri yakanga yakasiyana kuoma kwayo. Taipananawo mabasa okuita akadai sokugadzira chinhu chakafanana neareka yaNoa kana kuti kuronga makore akaitika zviitiko zvomuBhaibheri. Dzimwe nguva taidhirowa vanhu vomuBhaibheri kana kudhirowawo zvimwe zvakaitika. Iye zvino tiri kuronga kudhirowa nhumbi dzomurwi dzinotsanangurwa pana VaEfeso 6:11-17, mumwe nomumwe wedu achitsanangura kuti nhumbi imwe neimwe inomiririrei. Nzira idzi dziri kutibatsira kuti tinakidzwe nokudzidza kwatiri kuita semhuri.”

Debi, vamwe amai vokuMichigan, U.S.A., vanotsanangura kuti: “Ini nemurume wangu tainetseka kuti toita sei kuti mwanasikana wedu afarire kudzidza paaiva nemakore matatu. Takazoti rimwe zuva tiri kuverenga nyaya yaIsaka naRibheka muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, ndakatora zvidhori zviviri, ndikaita kuti zviite saIsaka naRibheka. Akatanga kuteerera zvose zvataiverenga. Mumwedzi yakazotevera, zvidhori zviviri izvi zvakanga zvava kushandiswa sevanhu vakasiyana-siyana vemuBhaibheri. Taiti kana tikaverenga nyaya, mwanasikana wedu aizotsvaka zvidhori kana zvimwe zvinhu mumba kuti zvishandiswe munyaya yacho. Kwaiva kutsvaka pfuma chaiko! Bhokisi rebhutsu neshinda tsvuku zvaiita seimba yaRakabhi ine tambo tsvuku. Nyoka yakagadzirwa yakareba mamita 1.5 yakamonererwa pamubato webhurumu yaiita senyoka yemhangura yakanyorwa pana Numeri 21:4-9. Taichengeta zvataishandisa izvi muzibhegi zihombe retende. Taifara chaizvo pataiona mwanasikana wedu achigara pasi mumba yaitaitandarira achifushunura zvinhu ‘mubhegi rake renhau dzeBhaibheri.’ Hakusi kufadza kwazvaiita kumuona achiita tumitambo twenyaya zvaienderana nezera rake!”

Kurera vana hakusi nyore, uye zvinotora nguva refu vachibatsirwa kuti vave nechido chokushumira Jehovha. Asi kunamata kwemhuri uye kudzidza Bhaibheri zvinokosha kuti vazobata mimwe mirayiridzo pakunamata. Pasina mubvunzo, kushandira zviripo!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe