RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 2/1 p. 3
  • Chii Chinoita Kuti Vakawanda Varambane?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinoita Kuti Vakawanda Varambane?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Muchizarira Chomuchato Usina Rudo
    Mukai!—2001
  • Muchato Ungakurira Zvinetso Zvinenge Dutu Here?
    Mukai!—2006
  • Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Nyaya Yekurambana?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 2/1 p. 3

Chii Chinoita Kuti Vakawanda Varambane?

“VaFarisi vakauya [kuna Jesu], vachida kumuedza vachiti: ‘Zvinobvumirwa nomutemo here kuti murume arambe mudzimai wake nokuda kwechikonzero chero chorudzi rupi zvarwo?’”—Mateu 19:3.

VAMWE vairarama muzuva raJesu vakabvunza kana vanhu vakaroorana vachifanira kugara vose kwoupenyu hwose uye kana zvichikwanisika. Jesu akavapindura achiti: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”a (Mateu 19:4-6) Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti vanhu vakaroorana vagare vose nokusingaperi.

Mazuva ano munyika dzakawanda, pavanhu 100 voga voga vakaroorana, vanenge 40 kana kuti kupfuura vari ‘kuparadzana’ vachipedzisira varambana. Saka zano reBhaibheri panyaya yokuroorana ringanzi nderechinyakare zvokuti harichatomboshandi here? Kungava here kuti kurambana kuri kuitika kunokonzerwa nokuti urongwa uhwu pachahwo hune pahusina kunaka?

Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu: Mhuri mbiri dzinotenga motokari yorudzi rumwe chete. Imwe mhuri inogara ichigadzirisa motokari yayo uye vanoityaira zvakanaka. Motokari yacho inoramba ichishanda zvakanaka. Asi imwe mhuri haina nguva yokugadzirisa motokari yayo, uye havaityairi zvakanaka. Motokari yacho inofa yopedzisira yaraswa. Chii chaita kuti motokari yechipiri iyi ife? Motokari yacho ndiyo isina kusimba here kana kuti varidzi vayo ndivo vaita kuti ife? Zviri pachena kuti varidzi ndivo vazviurayira motokari yavo.

Ndizvowo zvakangofanana nokuparara kuri kuita dzimba, hazvirevi kuti pane chakaipa paurongwa uhwu. Kusimba kwakaita dzimba dzemamiriyoni akawanda kunoratidza kuti hapana chakakanganisika paurongwa uhwu. Dzimba dzakadaro dzinoita kuti vanhu vari mumba uye vomunharaunda vafare uye pasava nechokutyira. Kuti imba itsvuke chin’ai, zvinotoda kushanda nesimba kungofanana nezvatinoita pakutarisira motokari kuti irambe ichifamba zvakanaka.

Pasinei nokuti munongova nemazuva kana kuti matova nemakumi emakore maroorana, zano reBhaibheri pamusoro pokuti munganatsiridza sei kana kusimbisa imba yenyu rinoshanda zvechokwadi. Ona mimwe mienzaniso iri pamapeji anotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Bhaibheri rinoti upombwe chete ndihwo hunoita kuti vanhu varambane.—Mateu 19:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe