Ndiani Watinofanira Kutaura Naye?
MWARI WEMASIMBAOSE akapa zvimwe zvisikwa zviri kudenga simba rokuita mamwe mabasa. Somuenzaniso, akapa Jesu Kristu simba rokutonga nyika uye akasarudza ngirozi dzakatendeka kuti dzibatsire pakutungamirira basa rokuzivisa mashoko akanaka. (Zvakazarurwa 14:6) Asi, hapana waakapa basa rokuteerera minyengetero. Saka zvakakodzera kuti minyengetero yedu ingonanga kuna Mwari chete.
Jehovha “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Anoteerera minyengetero yedu uye anoipindura. Achitaura nezvemunyengetero, muapostora Johani akanyorera vaainamata navo Jehovha achiti: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, [Mwari] anotinzwa. Uyezve, kana tichiziva kuti iye anotinzwa pamusoro pezvinhu zvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tichawana zvinhu zvinenge zvakumbirwa sezvo tinenge tazvikumbira kwaari.”—1 Johani 5:14, 15.
Ngirozi dzakatendeka hadzidi kuti tinyengetere kwadziri. Vanonzwisisa uye vanotsigira urongwa hwaMwari hwomunyengetero uye vanomboshandiswa pakupindura minyengetero. Vanozviita sei? Muprofita Dhanieri paakanyengetera kuna Jehovha nezvekuva dongo kwakanga kwaita Jerusarema, Mwari akapindura munyengetero wake nokumutumira ngirozi Gabrieri nemashoko anonyaradza.—Dhanieri 9:3, 20-22.
Mashoko Anobva Kune Vakafa Here?
Tinofanira kuedza kutaura nevakafa here? Kune nyaya dzakawanda dzinotaurwa nezvokuti kune vanhu vanonzi vakataura nemidzimu yevanhu vakafa. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wokuIreland akashanyirwa nesvikiro rakati rakanga rataura nemurume womukadzi uyu anonzi Fred, usiku hwakanga hwapfuura. Asi, Fred akanga atova nemavhiki akati oo afa. Svikiro iri, rakatanga kutaura zvaraiti zvakataurwa nomushakabvu. Asi mukadzi waFred aifunga kuti ndiye chete aiziva nyaya idzi. Zvingadai zvakava nyore kuti mudzimai uyu afunge kuti Fred akanga achiri kurarama kunyikadzimu uye aiedza kutaura naye achishandisa svikiro. Zvisinei, mafungiro iwayo anopesana nezvinonyatsotaurwa neBhaibheri pamusoro pevanhu vakafa.—Ona bhokisi riri pazasi.
Saka nyaya idzi dzingatsanangurwa sei? Imwe nzira inoshandiswa nemadhimoni kuti anyengedze vanhu ndeyokunyepedzera kuita sevanhu vakafa, sezvakaitika panyaya yaFred. Anenge achizviitirei? Anoda kutsausa vanhu pane zvinodzidziswa neBhaibheri uye kuti vasatenda uye kuvimba naJehovha. Hapana mubvunzo kuti Satani nemadhimoni ake vanotsausa vanhu “nebasa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nezvishamiso uye nokunyengera kwose kusina kururama kune vaya vari kuparara.”—2 VaTesaronika 2:9, 10.
Chokwadi, masvikiro ariko pamwe chete nevanoabvunza avo vanonyatsodavira kuti vanenge vachitaura nevanhu vakafa. Chiripo ndechokuti hapana wavanenge vachitaura naye kunze kwemadhimoni anopikisana naJehovha. Ndozvakaitawo vaya vanodavira kuti vari kunamata Mwari asi vakarasika. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora mashoko enyevero ane simba okuti: “Zvinhu zvinobayirwa nemarudzi, anozvibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari.”—1 VaKorinde 10:20, 21.
Zvatinoziva kuti tinogona kunyengetera kune Wemasimbaose uyo ane rudo nehanya nesu, tingazodirei kunyengetera kune mumwe munhu? Uyezve, Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”—2 Makoronike 16:9.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
Zvatinoziva kuti tinogona kunyengetera kune Wemasimbaose uyo ane rudo nehanya nesu, tingazodirei kunyengetera kune mumwe munhu?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Chokwadi uye Nhema
CHOKWADI: SATANI MUNHU CHAIYE
“Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.”—2 VaKorinde 11:14.
“Svinurirai, rindai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.”—1 Petro 5:8.
“Uyo anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, nokuti Dhiyabhorosi ave achitadza kubvira pakutanga.”—1 Johani 3:8.
“Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—Jakobho 4:7.
“Dhiyabhorosi . . . akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.”—Johani 8:44.
NHEMA: MUNHU PAANOFA ANORAMBA ACHIRARAMA KUNE IMWE NZVIMBO
“Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”—Genesisi 3:19.
“Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.
“Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori [guva], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”—Muparidzi 9:10.
“Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.”—Pisarema 146:4.
CHOKWADI: NGIROZI DZAKATENDEKA DZINE HANYA NESU
“Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.”—Pisarema 34:7; 91:11.
Ngirozi “dzose hadzisi midzimu yebasa rinoitirwa vanhu vose, yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yoruponeso here?”—VaHebheru 1:14.
“Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu, ichiti nenzwi guru: ‘Ityai Mwari mumukudze.’”—Zvakazarurwa 14:6, 7.
NHEMA: JESU AKAENZANA NAMWARI
“Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.”—1 VaKorinde 11:3.
“Zvinhu zvose pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VaKorinde 15:28.
“Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Mwanakomana haagoni kuita chinhu chimwe chete chaanozvitangira oga, asi chaanoona Baba vachiita chete.”—Johani 5:19.